Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 21

Umambo hwaMwari Hunobvisa Vavengi Vahwo

Umambo hwaMwari Hunobvisa Vavengi Vahwo

ZVICHAKURUKURWA MUCHITSAUKO CHINO

Zvinhu zvichaitika hondo yeAmagedhoni isati yatanga

1, 2. (a) Uchapupu hupi huripo hunoratidza kuti Mambo wedu anga achitonga kubvira muna 1914? (b) Tichakurukurei muchitsauko chino?

 ZVANGA zvichisimbisa kutenda kuongorora zvakaitwa noUmambo hwaMwari pakati pevavengi vahwo. (Pis. 110:2) Mambo wedu akaunganidza uto revaparidzi vanoshanda nemwoyo unoda. Akachenesa uye akanatsiridza tsika dzevateveri vake uye manamatiro avo. Uye pasinei nezvose zvakaedzwa nevavengi voUmambo kuti vatiparadzanise, nhasi uno takabatana munyika yose. Izvi nezvimwe zvakawanda zvakaitwa noUmambo zvatakakurukura zvinopa uchapupu hunoshamisa hwokuti kubvira muna 1914, Mambo wedu anga achitonga pakati pevavengi voUmambo.

2 Umambo huchatoita zvimwe zvinhu zvinoshamisa munguva pfupi iri kutevera. ‘Huchauya’ ‘kuzopwanya, hwogumisa’ vavengi vahwo. (Mat. 6:10; Dhan. 2:44) Asi izvozvo zvisati zvaitika, pane zviitiko zvinokosha zvichaitika. Ndezvipi izvozvo? Uprofita hunoverengeka hweBhaibheri hunopindura mubvunzo iwoyo. Ngationgororei humwe hwacho tione kuti zviitiko zvipi zvichiri mberi.

Zvichatanga Kuitika “Kuparadzwa Kusingatarisirwi” Kusati Kwaitika

3. Chii chichatanga kuitika chatakamirira?

3 Kuzivisa nezverugare. Paakanyorera vaTesaronika, muapostora Pauro akatsanangura chiitiko chichatanga kuitika chatakamirira. (Verenga 1 VaTesaronika 5:2, 3.) Mutsamba iyi Pauro anotaura ‘nezvezuva raJehovha,’ iro richatanga nokurwiswa ‘kweBhabhironi Guru.’ (Zvak. 17:5) Zvisinei, nguva pfupi zuva raJehovha risati ratanga, marudzi achange achiti, “Rugare nokuchengeteka!” Mashoko aya anogona kutaurwa kamwe chete kana kuti achataurwa kanotevedzana zvinocherechedzeka nevanhu. Vatungamiriri vezvitendero vachabatanidzwawo here? Sezvo vari venyika, vanogona kubatana nemarudzi pakuti, “Kune rugare!” (Jer. 6:14; 23:16, 17; Zvak. 17:1, 2) Uku kuziviswa kworugare nokuchengeteka kuchava chiratidzo chokuti zuva raJehovha rava kuda kutanga. Vavengi voUmambo hwaMwari “havangambopukunyuki.”

4. Tinobatsirwa sei nokunzwisisa zvinorehwa neuprofita hwaPauro nezvokuziviswa kwerugare nokuchengeteka?

4 Tinobatsirwa sei nokunzwisisa zvinorehwa nouprofita ihwohwo? Pauro anoti: “Hamusi murima, kuti zuva iroro rikusvikirei sezvaringaita mbavha.” (1 VaT. 5:3, 4) Kusiyana nevamwe vanhu vose, tinonzwisisa kuti zviri kuitika zvichaguma sei. Uprofita hwerugare nekuchengeteka huchanyatsozadziswa sei? Tinofanira kumirira toona zvichaitika. Saka, “ngatirambei takamuka, takasvinura.”—1 VaT. 5:6; Zef. 3:8.

Kutambudzika Kukuru Kunotanga

5. Chii chichatanga kuitika ‘pakutambudzika kukuru’?

5 Kurwiswa kwechitendero. Yeuka kuti Pauro akanyora kuti: “Chero panguva yavachati: ‘Rugare nokuchengeteka!’ kuparadzwa kusingatarisirwi kuchabva kwakurumidza kuvawira.” Sezvinongoita mheni inoti ichingopenya inobva yateverwa nebhanan’ana, kutaura kwokuti “Rugare nokuchengeteka!” kuchabva kwangoteverwa ‘nekuparadzwa kusingatarisirwi.’ Chii chichaparadzwa? Chichatanga kuparadzwa ‘iBhabhironi Guru,’ mubatanidzwa wezvitendero zvose zvenhema, iro rinonziwo “hure.” (Zvak. 17:5, 6, 15) Kuparadzwa kwechiKristu chenhema uye zvimwe zvitendero zvose zvenhema kuchava kutanga ‘kwekutambudzika kukuru.’ (Mat. 24:21; 2 VaT. 2:8) Vakawanda vachashamiswa nechiitiko ichi. Nei? Nokuti kusvika panguva iyoyo, hure iri rinenge richizvitora ‘samambokadzi asingazombochemi.’ Asi richazoona kuti ranga richizvinyepera. Richatsvairwa nokukurumidza sokunge kuti “nezuva rimwe chete.”—Zvak. 18:7, 8.

6. Ndivanaani kana kuti chii chicharwisa “Bhabhironi Guru”?

6 Ndivanaani kana kuti chii chicharwisa “Bhabhironi Guru”? “Chikara” chine “nyanga gumi.” Bhuku raZvakazarurwa rinoratidza kuti chikara ichi chinoreva Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose (United Nations kana kuti UN). Nyanga gumi” dzinomiririra hurumende dzose dziri kutsigira “chikara chitsvuku.” (Zvak. 17:3, 5, 11, 12) Kuparadzwa kwaro kuchange kwakakura zvakadini? Nyika dziri musangano iri dzichatorera hure pfuma yaro, dzoriita kanyama kanyama, uye “[dzi]chariroromesa nomoto.”—Verenga Zvakazarurwa 17:16. a

7. Mashoko aJesu ari pana Mateu 24:21, 22 akazadziswa sei pakaparadzwa Jerusarema, uye achazadziswa sei mune remangwana?

7 Kutapudza mazuva acho. Mambo wedu akazivisa zvichabva zvaitika padanho iri rokutambudzika kukuru. Jesu akati: “Mazuva iwayo achatapudzwa nokuda kwevakasarudzwa.” (Verenga Mateu 24:21, 22.) Mashoko aJesu akazadziswa zvishoma mugore ra66 C.E. apo Jehovha ‘akatapudza’ mazuva airwiswa Jerusarema nemauto eRoma. (Mako 13:20) Izvozvo zvakaita kuti vaKristu vaiva muJerusarema neJudhiya vapone. Saka chii chakafanana neizvi chichaitika munyika yose pakutambudzika kukuru? Jehovha achashandisa Mambo wedu ‘kutapudza’ mazuva acharwiswa chitendero neUN kuitira kuti chitendero chechokwadi chisaparadzwa pamwe nechenhema. Saka kunyange zvazvo masangano ose echitendero chenhema achaparadzwa, chitendero chimwe chete chechokwadi chichapona. (Pis. 96:5) Iye zvino ngatikurukurei zvichazotevera kana danho iri rokutambudzika kukuru rapfuura.

Zvichaitika Amagedhoni Yava Kuda Kutanga

8, 9. Jesu angava airevei paaitaura nezvezvichaitika mudenga, uye vanhu vachaita sei nezvavanenge vachiona?

8 Uprofita hwaJesu nezvemazuva okupedzisira hunoratidza kuti pane zviitiko zvinokosha zvinoverengeka zvichaitika kana Amagedhoni yava kuda kutanga. Zviitiko zviviri zvatichatanga kukurukura zvinotaurwa muEvhangeri dzaMateu, Mako, naRuka.—Verenga Mateu 24:29-31; Mako 13:23-27; Ruka 21:25-28.

9 Zvinhu zvinoshamisa zvichaitika mudenga. Jesu akataura kuti: “Zuva richasviba, uye mwedzi hauzobudisi chiedza chawo, nyeredzi dzichawa dzichibva kudenga.” Zviri pachena kuti hapana anenge achatsvaka kutungamirirwa nevafundisi sezvo vanenge vasina chiedza. Jesu airevawo kuti kune zvinhu zvisina kujairika zvichaitika mudenga here? Pamwe ndizvo zvaaireva. (Isa. 13:9-11; Joe. 2:1, 30, 31) Vanhu vachaita sei nezvavachaona? ‘Vacharwadziwa kwazvo’ nokuti vanenge vasingazivi “nzira yokubuda nayo.” (Ruka 21:25; Zef. 1:17) Kureva kuti vavengi vose veUmambo hwaMwari, kubvira ‘kumadzimambo kusvika kuvaranda,’ vachange “vachipera simba nokutya uye nokutarisira zvinhu zvinouya” uye vachatsvaka pokuvanda. Asi vachashaya pokuti vangavanda hasha dzaMambo wedu.—Ruka 21:26; 23:30; Zvak. 6:15-17.

10. Jesu achazivisa mutongo upi, uye vatsigiri nevapikisi voUmambo hwaMwari vachaita sei nawo?

10 Kuziviswa kwemutongo. Vachitambura kudaro vavengi vose voUmambo hwaMwari vachatoti vaone chimwe chiitiko chichatowedzera nhamo yavo. Jesu anoti: “Vachaona Mwanakomana womunhu achiuya ari mumakore nesimba guru nokubwinya.” (Mako 13:26) Kuratidzwa ikoko kwesimba kunoshamisa kunenge kuchitozivisa kuti Jesu auya kuzopa mutongo. Mune dzimwe ndima dzouprofita uhwu hwemazuva okupedzisira, Jesu anotsanangura nezvemutongo uchapiwa panguva iyi. Tinowana mashoko acho mumufananidzo wemakwai nembudzi. (Verenga Mateu 25:31-33, 46.) Vatsigiri vakavimbika voUmambo vachapiwa mutongo wekunzi “makwai” saka ‘vachasimudza misoro yavo,’ vachiziva kuti “kununurwa [kwavo] kuri kuswedera pedyo.” (Ruka 21:28) Asi, vanopikisa Umambo vachapiwa mutongo wekunzi ‘imbudzi’ saka “[va]chazvirova nemhaka yeshungu,” vachiziva kuti “kugurwa kusingaperi” kunenge kwakavamirira.—Mat. 24:30; Zvak. 1:7.

11. Tinofanira kuyeuka chii patinofunga nezvezviitiko zviri mberi?

11 Kana Jesu apa mutongo wake ‘kumarudzi ose’ panenge pachiine zvimwe zviitiko zvinokosha zvinofanira kuitika Amagedhoni isati yatanga. (Mat. 25:32) Tichakurukura zviviri zvacho: kurwisa kwaGogi uye kuunganidzwa kwevakazodzwa. Sezvatichaongorora zviitiko zviviri izvozvo, tinoda kuyeuka kuti Shoko raMwari harinyatsotauri kuti zviitiko izvi zvinenge zvakaparadzana nenguva yakadini. Tingatoti, zvinogona kutoitika kuti chimwe chacho chichatanga chimwe chichiri kuitika.

12. Satani acharwisa sei Umambo kekupedzisira?

12 Kurwisa kwokupedzisira. Gogi weMagogi acharwisa vanenge vasara vevakazodzwa nevamwe vavo vemamwe makwai. (Verenga Ezekieri 38:2, 11.) Pakurwa kwose kwaanga achiita nevakazodzwa kubvira paakadzingwa kudenga, uku ndiko kuchava kurwisa kwake kwokupedzisira kwaachaita Umambo hwakagadzwa. (Zvak. 12:7-9, 17) Satani anga achiedza kuparadza kutenda kwevakazodzwa, zvikurukuru kubvira pavakatanga kuunganidzirwa muungano yechiKristu yakanga yamutsidzirwa, asi anga achikundikana. (Mat. 13:30) Asi panguva yokuti masangano ose ezvitendero zvenhema kunenge kusisina, uye vanhu vaMwari vachiita sevari kurarama ‘vasina rusvingo, kana muzariro nemasuo,’ Satani achati dzawira mutswanda. Achaita kuti vatsigiri vake vose vakaipa vade kumomotera vaya vanotsigira Umambo vachida kuvarwisa.

13. Jehovha achapindira sei achirwira vanhu vake?

13 Ezekieri anotsanangura zvinobva zvaitika. Uprofita hwacho hunotaura nezvaGogi huchiti: “Uchauya uchibva kunzvimbo yako, uchibva kumativi ari kure kwazvo okuchamhembe, iwe nemarudzi mazhinji auinawo, ose zvawo akatasva mabhiza, iri ungano huru, uye uto guru rehondo. Uchatouya kuzorwisa vanhu vangu . . . semakore anofukidza nyika.” (Ezek. 38:15, 16) Jehovha achaita sei panoitika kurwisa uku kunooneka sekusingamisiki? “Hasha dzangu dzichakwira mumhino dzangu,” anodaro Jehovha. “Ndichamushevedzera bakatwa.” (Ezek. 38:18, 21; verenga Zekariya 2:8.) Jehovha achapindira achirwira vashumiri vake vepasi pano. Kupindira ikoko ndiyo hondo yeAmagedhoni.

14, 15. Ndechipi chimwe chiitiko chichaitika pane imwe nguva Satani atanga kurwisa kwake kwokupedzisira?

14 Tisati taenderera mberi nokuongorora kuti Jehovha achadzivirira sei vanhu vake muhondo yeAmagedhoni, ngatimbomirai tiongorore chimwe chiitiko chinokosha. Chichaitika panguva iri pakati pekurwisa kwaSatani kwokupedzisira nokupindira kuchazoita Jehovha paAmagedhoni. Sezvambotaurwa mundima 11, chiitiko chechipiri ichi kuunganidzwa kwevakazodzwa vanenge vachiri pasi pano.

15 Kuunganidzwa kwevakazodzwa. Mateu naMako vakanyora shoko rakataurwa naJesu rokuti “vakasarudzwa,” iro rinoreva vaKristu vakazodzwa, pavainyora zviitiko zvakatevedzana zvichaitika Amagedhoni isati yatanga. (Ona ndima 7.) Achitaura zvaaizoita saMambo, Jesu akati: “Panguva iyoyo achatuma ngirozi uye dzichaunganidza vakasarudzwa vake vachibva kumhepo ina, kubvira kumugumo wenyika kusvikira kumugumo wedenga.” (Mako 13:27; Mat. 24:31) Pano Jesu ari kutaura nezvokuunganidza kupi? Haasi kutaura nezvokuiswa chisimbiso kwokupedzisira kwevaKristu vakazodzwa vanenge vachiri pasi pano, uko kuchaitika kutambudzika kukuru kwava kuda kutanga. (Zvak. 7:1-3) Ari kutaura nezvechiitiko chichaitika kutambudzika kukuru kuri kuuya kwava pakati. Saka zviri pachena kuti pane imwe nguva Satani atanga kurwisa vanhu vaMwari, vakazodzwa vachange vachiri pasi pano vachabva vaendeswa kudenga.

16. Vakazodzwa vakamutswa vachabatsira sei pahondo yeAmagedhoni?

16 Ko kuunganidzwa uku kwevakazodzwa kunobatana papi nechiitiko chichatevera cheAmagedhoni? Kuunganidzwa kunoitwa vakazodzwa panguva iyi kunoratidza kuti vose vachange vava kudenga hondo yaMwari yeAmagedhoni isati yatanga. Kana vava kudenga, vatongi 144 000 vanotonga naKristu vachapiwa simba rokubatana naJesu pakurwisa “netsvimbo yesimbi” vachiparadza vavengi vose veUmambo hwaMwari. (Zvak. 2:26, 27) Zvadaro, vakazodzwa vose vakamutswa, pamwe nengirozi dzine simba vachatevera Kristu, Mambo uye Murwi, sezvaanomisidzana ‘neuto guru’ revavengi vanenge vachida kurwisa vanhu vaJehovha. (Ezek. 38:15) Paanongotanga kuvarwisa, hondo yeAmagedhoni inenge yatanga!—Zvak. 16:16.

Kuguma Kunoshamisa Kwekutambudzika Kukuru

Hondo yeAmagedhoni inotanga!

17. Chii chichaitika ‘kumbudzi’ paAmagedhoni?

17 Kuparadzwa kwevakatongerwa rufu. Hondo yeAmagedhoni ichava kuguma kwekutambudzika kukuru. Panguva iyoyo, Jesu achange ava kuita rimwe basa. Kuwedzera pakuva Mutongi ‘wemarudzi ose,’ achazouraya marudzi akatongerwa rufu, kureva vanhu vose vaakapa mutongo wokuti ‘imbudzi.’ (Mat. 25:32, 33) Achishandisa “bakatwa refu rakapinza,” Mambo wedu ‘achatema marudzi.’ Kureva kuti vose vakaita sembudzi, kubvira ‘kumadzimambo’ kusvikira ‘kuvaranda,’ “vachaenda mukugurwa kusingaperi.”—Zvak. 19:15, 18; Mat. 25:46.

18. (a) Zvinhu zvichachinjira sei “makwai”? (b) Jesu achapedzisa sei kukunda kwake?

18 Apa zvinhu zvinenge zvachinja zvinoshamisa kune vaya vakatongwa naJesu vachinzi “makwai”! Panzvimbo pokupotsa vatsokodzerwa neuto guru raSatani ‘rembudzi,’ “boka guru” ‘remakwai’ anoita seasina chinoadzivirira richapona pakurwiswa nemuvengi robuda “mukutambudzika kukuru.” (Zvak. 7:9, 14) Kana Jesu akunda uye aparadza vanhu vose vanovenga Umambo hwaMwari, achakanda Satani nemadhimoni ake mugomba rakadzikadzika. Vachagara imomo vachiita kunge vakafa, vasina zvavanogona kuita kwemakore ane chiuru.—Verenga Zvakazarurwa 6:2; 20:1-3.

Zvatingaita Kuti Tive Vakagadzirira

19, 20. Tingashandisa sei zvatinodzidza mumashoko ari pana Isaya 26:20 uye 30:21?

19 Tingaite sei kuti tigadzirire zviitiko izvi zvichadederesa nyika yose? Makore apfuura imwe Nharireyomurindi yakamboti: “Kupona kuchabva pakuteerera.” Nei zvakadaro? Mhinduro yacho inowanika panyevero yakapiwa naJehovha kuvaJudha vakanga vakatapwa kuBhabhironi. Jehovha akataura kuti Bhabhironi raizokurirwa, asi vanhu vake vaifanira kuita sei kuti vagadzirire chiitiko ichocho? Jehovha akati: “Vanhu vangu endai mupinde mudzimba dzenyu dzomukati, muvhare masuo. Vandai kwenguva duku kusvikira kutsamwa kwapfuura.” (Isa. 26:20) Cherechedza kuti akati: “endai,” “mupinde,” “muvhare,” “vandai,” ose ari mashoko okuvaudza zvokuita. VaJudha vakateerera mirayiro iyoyo vakaramba vari mudzimba dzavo, kure nemauto aikurira ari mumigwagwa. Saka kupona kwavo kwaizobva pakuteerera mirayiridzo yaJehovha. b

20 Tinowana chidzidzo chei? Sezvazvakanga zvakaitawo kuvashumiri vaMwari vekare, kupona kwedu zviitiko zviri mberi kuchabva pakuteerera mirayiridzo yaJehovha. (Isa. 30:21) Mirayiridzo yakadaro inouya kwatiri nekuungano. Saka tinoda kudzidza kuva vanhu vanoteerera nemwoyo wose zvatinoudzwa kuti tiite. (1 Joh. 5:3) Kana tikadaro nhasi, tichange takagadzirira kuteerera mune remangwana, zvoita kuti tizodzivirirwa naBaba vedu, Jehovha, naMambo wedu Jesu. (Zef. 2:3) Kudzivirirwa naMwari ikoko kuchaita kuti tikwanise kuzvionera kuti Umambo hwaMwari huchabvisa sei vavengi vahwo vose. Zvechokwadi ichi chichava chiitiko chisingakanganwiki!

a Zvinoita sezvine musoro kuti kuparadzwa ‘kweBhabhironi Guru’ kunonyanya kureva kuparadzwa kwemasangano echitendero, kwete kuparadzwa kwevanhu vose vanopinda zvitendero zvacho. Saka vakawanda vanenge vari muBhabhironi vachapona parichaparadzwa, uye zvichida vachaedza kuramba pachena kubatanidzwa nechitendero sezvinoratidzwa naZekariya 13:4-6.

b Kuti uwane mamwe mashoko, ona Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I, mapeji 282-283.