Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 22

Umambo Hunoita Kuda kwaMwari Panyika

Umambo Hunoita Kuda kwaMwari Panyika

ZVICHAKURUKURWA MUCHITSAUKO CHINO

Umambo hunozadzisa zvose zvakavimbiswa naMwari nezvevanhu uye nyika

1, 2. (a) Chii chinoita kuti zvimbooma kuona Paradhiso sechinhu chaicho chichaitika? (b) Chii chingatibatsira kusimbisa kutenda kwatinoita zvakavimbiswa naMwari?

 IMWE hama yakatendeka inosvika pamusangano yaneta nokuti pane zvakawanda zvaswera zvichiitenderedza musoro. Aswera achishungurudzwa nemushandirwi wake, ari kunetseka kuti angachengeta sei mhuri yake, achinetsekawo nezvechirwere chiri kutambudza mudzimai wake. Panotanga kurira marimba erwiyo rwekutanga, anotura befu, achifara kuti ari paImba yoUmambo nehama dzake nehanzvadzi. Rwiyo rwacho runotaura nezvetariro yeParadhiso, uye mashoko arwo ari kumuudza kuti afungidzire arimo. Agara achifarira rwiyo urwu, uye paari kurwuimba nemhuri yake, anonyaradzwa netariro yeramangwana.

2 Unombozviitawo here? Vakawanda vedu tinozviita. Asi kutaura chokwadi, upenyu hwemunyika ino hunogona kuita kuti zviome kuona Paradhiso iri kuuya sechinhu chaicho chichaitika. Tiri kurarama ‘munguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo,’ uye nyika yatiri haina kutombofanana neparadhiso zvachose. (2 Tim. 3:1) Chii chingatibatsira kuti tione Paradhiso sechinhu chaicho chichaitika? Tinoziva sei kuti pasina nguva Umambo hwaMwari huchatonga vanhu vose zvechokwadi? Ngationgororei humwe uprofita hwakataurwa naJehovha hwakaonekwa huchizadzika nevanhu vake makare kare. Tichazoonawo kuti uprofita humwe chete ihwohwo huri kuzadzika sei zvinoshamisa iye zvino. Kutenda kwedu kwasimbiswa kudaro, tichazopedzisa nekuona kuti uprofita hwacho huchazadzika sei mune ramangwana.

Kuzadzisa Kwakamboita Jehovha Zvaakanga Avimbisa

3. Itariro ipi yakanyaradza vaJudha vainge vakatapwa kuBhabhironi?

3 Chimbofungidzira kuti upenyu hwevaJudha vakanga vari muutapwa kuBhabhironi hwakanga hwakaita sei kubva muna 607 B.C.E. kusvika muna 537 B.C.E. Vakawanda vavo vakangokurira muutapwa, sezvakanga zvangoitawo vabereki vavo, uye upenyu hwakanga hwakaoma. VaBhabhironi vaivanyomba nekuti vaitenda muna Jehovha. (Pis. 137:1-3) Mumakumi ose emakore iwayo, vaJudha vakavimbika vakaramba vakabatisisa tariro yavo yakajeka yekuti: Jehovha akavimbisa kuti aizodzosa vanhu vake kumusha kwavo. Jehovha akataura kuti vaizorarama upenyu hwakanaka ikoko. Akatofananidza nyika yeJudha yaizodzorerwa nebindu reEdheni, kana kuti paradhiso! (Verenga Isaya 51:3.) Zviri pachena kuti uprofita hwakadai hwakanyorwa kuti husimbise vanhu vaMwari, kuti vasambosara vasina chokwadi mumwoyo yavo. Izvozvo zvinoitika sei? Chimboongorora humwe uprofita hwacho.

4. Jehovha akavimbisa sei vaJudha kuti vaisazova nechokutya kumusha kwavo?

4 Kurarama pasina chekutya. Nhapwa idzodzo dzakanga dzisiri kuzodzokera kuparadhiso chaiyo, asi kunyika iri kure yakanga yaita makore 70 iri dongo, uye vakawanda vavo vakanga vasati vamboiona. Kare ikako, munzvimbo dzinotaurwa muBhaibheri mainge makazara shumba, mhumhi, ingwe, nezvimwe zvikara. Saka murume aiva nemhuri aigona kunetseka kuti, ‘Ndichadzivirira sei mudzimai wangu nevana? Ko makwai nemombe, ndichazvidzivirirawo sei?’ Munhu wose aizongonetsekawo nazvo. Chifunga zvino nezvevimbiso yaMwari yakanyorwa pana Isaya 11:6-9 uye kunyaradza kwainofanira kunge yakaita. (Verenga.) Nemashoko iwayo akanaka akanyorwa senhetembo, Jehovha akasimbisa nhapwa idzodzo kuti dzaisafanira kutya kana kutyira zvipfuwo zvavo. Shumba yaizodya uswa pakuti yakanga isingazourayi mombe dzevaJudha. Vanhu vakatendeka vakanga vasingafaniri kutya zvikara zvakadaro. Jehovha akavimbisa kuti vanhu vake vaizorarama munyika yeJudha inenge yadzorerwa vasingatyi, kunyange murenje nemumasango.—Ezek. 34:25.

5. Uprofita hupi hwakabatsira vanhu vakanga vakatapwa vaidzokera kumusha kwavo kuti vavimbe kuti Jehovha aizovapa zvinhu zvakawanda zvavaida?

5 Kupiwa zvakawanda. Pane zvimwewo zvaigona kuzovanetsa. ‘Kana ndadzokera kumusha mhuri yangu ndichazoipei? Tichagara pai? Ndichawana basa here, uye rinenge riri nani here pane randiri kushanda kuno ndichidzvinyirirwa nevakatitapa?’ Jehovha akafunga nezvavo akapindura mibvunzo iyoyo achishandisa uprofita hwakafemerwa. Jehovha akavimbisa vanhu vake vanoteerera kuti mvura yaizogara ichinaya; izvo zvaizoita kuti nyika ibereke zvokudya zvakawanda ‘zvine mafuta.’ (Isa. 30:23) Achitaura nezvedzimba uye basa rinogutsa, Jehovha akavimbisa vanhu vake achiti: “Vachavaka dzimba vogaramo; vachadyara minda yemizambiringa vodya zvibereko zvayo. Havazovaki mumwe ogaramo; havazodyari mumwe odya.” (Isa. 65:21, 22) Saka zvichienzaniswa neupenyu hwavairarama munyika yevahedheni yeBhabhironi, upenyu hwaizova hwakanaka zvikuru. Asi zvakadii nematambudziko avo makuru, anova ndiwo akanga aita kuti vazova nhapwa?

6. Vanhu vaMwari vakanga vaita makore vachirwara nechirwere chipi, uye Jehovha akavimbisei nhapwa dzakanga dzichidzokera kumusha kwadzo?

6 Utano hwavo pakunamata. Makore akawanda vasati vatapwa, vanhu vaMwari vakanga vava kurwara panyaya dzekunamata. Achishandisa muprofita Isaya, Jehovha akati nezvevanhu vake: “Musoro wose unorwadza, uye mwoyo wose hauna simba.” (Isa. 1:5) Vakanga vari mapofu nematsi panyaya dzekunamata, nekuti vakanga vaisa zvimiti munzeve kuti vasateerera mazano aJehovha uye vavhara maziso avo kuti vasavhenekerwa nechiedza chake. (Isa. 6:10; Jer. 5:21; Ezek. 12:2) Kudai nhapwa idzi dzaizoitawo zvimwe chetezvo, dzaizotarisira kuchengetedzwa sei? Hakusi kuti vaizorasikirwa neukama hwavo naJehovha zvekare here? Mashoko aJehovha anofanira kunge akavasimbisa okuti: “Pazuva iroro matsi dzichanzwa mashoko ebhuku racho, maziso emapofu achaona ari muzarima uye ari murima.” (Isa. 29:18) Jehovha aizorapa vanhu vake vakanga vava kuzvininipisa uye vakanga vapfidza. Chero bedzi vaizoramba vachiteerera, iye aizorambawo achivatungamirira nekuvavhenekera nezvinhu zvaizoita kuti varambe vari vapenyu.

7. Zvakavimbiswa nhapwa naMwari zvakazadziswa sei, uye nei tingati izvozvo zvinosimbisa kutenda?

7 Jehovha akazadzisa zvaakavimbisa here? Zvakaitika zvinoratidza kuti akadaro. VaJudha vakanga vadzokera kumusha kwavo vakakomborerwa pakuti vakanga vasina chekutya, vaine zvinhu zvakawanda zvavaida, uye vakanga vava neutano hwakanaka panyaya dzokunamata. Somuenzaniso, Jehovha akavachengetedza pamarudzi avakanga vakavakidzana navo aiva nesimba uye akawanda kuvapfuura. Zvikara hazvina kuparadza zvipfuwo zvavo. Ichokwadi kuti vaJudha ivavo vakaona kuzadziswa kuduku kwevimbiso dzeparadhiso dzakataurwa nevaprofita vakadai saIsaya, Jeremiya uye Ezekieri, asi kuzadziswa ikoko kwakavafadza uye ndizvo zvavaida panguva iyoyo. Patinofungisisa zvakaitwa naJehovha kuvanhu vake kare ikako, kutenda kwedu kunosimba. Kana kuzadzika kuduku kwouprofita ihwohwo kwaifadza zvakadaro, ko kuzadzika kukuru kuchange kwakaita sei? Chimbofunga zvatakaitirwa naJehovha mazuva ano.

Matangiro Akaita Jehovha Kuzadzisa Zvaakavimbisa Mazuva Ano

8. Vanhu vaMwari nhasi vari munyika yakaita sei?

8 Vanhu vaJehovha mazuva ano havasi rudzi chairwo uye havagari munyika imwe chete. Asi vaKristu vakazodzwa vanoumba rudzi rwokufananidzira runonzi “Israeri waMwari.” (VaG. 6:16) Vamwe vavo ‘vemamwe makwai,’ vanobatana navo musangano rakaita senyika mavanonamata Jehovha Mwari vakabatana. Kunamata ikoko ndiwo mararamiro avo. (Joh. 10:16; Isa. 66:8) Nyika yacho yatakapiwa naJehovha yakaita sei? Tingaifananidza neparadhiso. Munyika iyi, zvakavimbiswa naMwari, izvo zvakafanana nezvainge zvakaita muEdheni zviri kuzadzika nenzira yokufananidzira. Chimboona mimwe mienzaniso.

9, 10. (a) Uprofita hwaIsaya 11:6-9 huri kuzadziswa sei mazuva ano? (b) Chii chinoratidza kuti vanhu vaMwari vane rugare?

9 Kurarama pasina chekutya. Muuprofita hwakanyorwa pana Isaya 11:6-9, tinowana pachitsanangurwa kubatana uye rugare runenge rwuri pakati pemhuka dzemusango uye pakati pevanhu nezvipfuwo. Zvinhu zvinotsanangurwa apa zviri kuitikawo here mazuva ano nenzira yokufananidzira? Hongu! Mundima 9, tinodzidza kuti sei tichiti mhuka idzi dzinenge dzisingazokuvadzi kana kuparadza: “Nokuti nyika ichazara nokuziva Jehovha sokufukidzwa kwakaitwa gungwa nemvura.” “Kuziva Jehovha” kunochinja maitiro emhuka here? Aiwa, vanhu ndivo vanoshandurwa nekuziva nezvaMwari Wokumusorosoro uye ndivo vanodzidza kutevedzera nzira dzake dzerugare. Ndosaka musangano ratiri, iro rakaita separadhiso, tichikwanisa kuona kuzadzika kunofadza kwouprofita ihwohwo. Vateveri vaKristu, vachitongwa neUmambo, vari kudzidza kubvisa unhu hwavo hunotyisa hwakaita sehwemhuka, vachigara nehama dzavo nehanzvadzi murugare vakabatana.

10 Somuenzaniso, mubhuku rino takakurukura nezvekusatsigira zvematongerwo enyika, nezvikonzero zvomuMagwaro zvinoita kuti tisadaro uye kutambudzwa kwakazoitwa vanhu vaMwari nekuti vaisava nekwavakarerekera. Hazvishamisi here kuti munyika ino ine vanhu vanoda zvekurwa, pane “rudzi” rwevanhu vanoramba kusaita chero chii chinobatanidza kurwa, kunyange kana vakanzi vachaurayiwa? Izvozvo zvinoratidza zvechokwadi kuti vanhu vanotongwa naMambo Mesiya vane rugare serwakatsanangurwa naIsaya! Jesu akataura kuti vateveri vake vaizozivikanwa nekudanana kwavanenge vachiita. (Joh. 13:34, 35) Muungano, Kristu ari kudzidzisa vaKristu vose vechokwadi nemwoyo murefu achishandisa “muranda akatendeka akangwara” kuti vave nerugare, rudo uye unyoro.—Mat. 24:45-47.

11, 12. Nyika yanhasi ine nzara yei, asi Jehovha ari kupa sei vanhu vake zvinhu zvakawanda?

11 Kupiwa zvakawanda. Nhasi nyika ine nzara panyaya dzekunamata. Bhaibheri rakanyevera kuti: “‘Tarirai! Mazuva achauya,’ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha, ‘andichatumira nzara panyika, kwete nzara yezvokudya, nenyota, kwete nyota yemvura, asi yokunzwa mashoko aJehovha.’” (Amo. 8:11) Vagari vemuUmambo hwaMwari vanonzwawo nzara here? Jehovha akataura zvinotevera achisiyanisa vanhu vake nevavengi vake: “Vashumiri vangu vachadya, asi imi muchava nenzara. Tarirai! Vashumiri vangu vachanwa, asi imi muchava nenyota. Tarirai! Vashumiri vangu vachafara, asi imi muchanyara.” (Isa. 65:13) Wakaona kuzadzika kwemashoko iwayo here?

12 Zvinhu zvine chokuita nokunamata zviri kuita kuyerera kwatiri serwizi runoramba ruchingokura. Zvinhu zvatiinazvo zvinotsanangura Bhaibheri, kusanganisira zvinhu zvakarekodhwa uye mavhidhiyo, misangano yedu nemagungano, uye zvinobudiswa panzvimbo yedu yekubudisira mashoko paIndaneti, zvose izvi zvinoita semafashamo chaiwo ezvokudya zvinosimbisa pakunamata munyika ino iri kuziya nenzara yekuziva Mwari. (Ezek. 47:1-12; Joe. 3:18) Hazvikufadze here kuona kuti Jehovha ari kutipa zvakawanda sezvaakavimbisa? Uri kuva nechokwadi chokuti wadya patafura yaJehovha nguva dzose here?

Ungano dzedu dzinotibatsira kuti tiwane zvokudya zvekunamata, tichengetedzwe uye tive neutano hwakanaka pakunamata

13. Wakaona sei kuzadziswa kwevimbiso yaJehovha yekuti maziso emapofu achaona uye nzeve dzematsi dzichadziurwa?

13 Utano hwedu pakunamata. Mazuva ano kwakazara mapofu nematsi panyaya dzokunamata. (2 VaK. 4:4) Asi Kristu ari kurapa zvirwere munyika yose. Wakamboona mapofu achiitwa kuti aone uye nzeve dzematsi dzichidziurwa here? Kana wakamboona vanhu vachisvika pakuva nezivo yakarurama yeShoko raMwari, vachisiya nhema dzavaidzidziswa muzvitendero dzaivapofumadza kuti vasaone uye vasanzwe chokwadi, wakaona vimbiso iyi ichizadziswa inoti: “Pazuva iroro matsi dzichanzwa mashoko ebhuku racho, maziso emapofu achaona ari muzarima uye ari murima.” (Isa. 29:18) Munyika yose, mazana ezviuru zvevanhu gore roga roga ari kurapwa zvakadai panyaya dzokunamata. Munhu wose anosiya Bhabhironi Guru obatana nesu pakunamata musangano redu rakaita separadhiso anenge achiratidza kuti zvakavimbiswa naJehovha zviri kuitika!

14. Kutenda kwedu kuchasimba kana tikafungisisa nezveuchapupu hupi?

14 Chitsauko chimwe nechimwe chebhuku rino chinoratidza uchapupu hwakasimba hwokuti Kristu akaita kuti vateveri vake vave musangano rakaita separadhiso mumazuva ano ekupedzisira. Ngatirambei tichifungisisa nezvenzira dzakawanda dzatiri kukomborerwa nadzo naJehovha tiri muparadhiso iyi mazuva ano. Patinodaro, kutenda kwatinoita zvakavimbiswa naJehovha nezveramangwana kuchawedzera kusimba.

“Umambo Hwenyu Ngahuuye”

15. Nei tingava nechokwadi chekuti nyika ichava paradhiso?

15 Chinangwa chaJehovha chagara chiri chekuti pasi rino rose rive paradhiso. Akaisa Adhamu naEvha mubindu raiva paradhiso, akavapa murayiro wekuti vazadze nyika nevana vavo uye kuti vachengete mhuka. (Gen. 1:28) Asi Adhamu naEvha vakatevera Satani vakapanduka izvo zvakapinza vana vavo vose muchivi nerufu. Asi chinangwa chaMwari hachina kumbochinja. Kana mashoko ake angotaurwa, anototi azadzike chete. (Verenga Isaya 55:10, 11.) Saka tinogona kuva nechokwadi chekuti vazukuru vaAdhamu naEvha vachazadza nyika ino, vachichengeta zvinhu zvakasikwa naJehovha munyika yose inenge yava paradhiso. Panguva iyoyo, uprofita hwakanyorerwa vaJudha vaiva nhapwa nezveupenyu hwakafanana nehwemuparadhiso huchange hwava kunyatsozadzika zvizere. Chimbofunga mienzaniso inotevera.

16. Bhaibheri rinotsanangura sei kugara kwatichaita tisingatyi muParadhiso?

16 Kurarama pasina chekutya. Kuzadziswa kwakanga kwakamirirwa kwenguva refu kwemashoko anotaurwa pana Isaya 11:6-9 kuchazonyatsoitika. Varume, vakadzi nevana vanenge vasina chekutya chero kupi kwavangaenda panyika pano. Panenge pasina munhu kana mhuka ichatyisa vanhu. Chimbofunga nguva yaunenge wava kuona nyika ino yose semusha wako, uchituhwina munzizi, mumadhamhu, nemumakungwa; uchikwira makomo uye kufamba mumasango usina kana chekutya. Uye kana hwava usiku unenge usina chekutya. Mashoko ari pana Ezekieri 34:25 achazadzika, zvokuti zvinenge zvava kuita kuti vanhu vaMwari vagare “murenje vakachengeteka, vorara mumasango.”

17. Nei tingava nechokwadi chekuti Jehovha achatipa zvinhu zvakawanda zvatinoda kana Umambo hwava kutonga nyika yose?

17 Kupiwa zvakawanda. Chimbofungidzira kusisina chinhu chinonzi urombo, kushaya zvokudya zvinovaka, nzara uye masangano anobatsira vanotambura. Zvokudya zvinosimbisa pakunamata zvakawanda zviri kuwanikwa nevanhu vaMwari nhasi, zvinoratidza kuti Mambo Mesiya achapa vaanotonga zvokudya zvose hazvo. Jesu paaiva pasi pano, akapa nzwisa yekuti anogona kuzadzisa vimbiso iyi, paakapa zviuru zvevanhu vaiva nenzara zvokudya achishandisa hove nezvingwa zvishomanana. (Mat. 14:17, 18; 15:34-36; Mako 8:19, 20) Kana Umambo hwaMwari hwava kutonga munyika yose, uprofita hwakaita seuhwu huchanyatsozadzika: “Achapa mvura yokumeresa mbeu yako yawakadyara muvhu, uye zvokudya sezvibereko zvevhu, izvo zvichava zvakakora uye zvizere nemafuta. Pazuva iroro zvipfuwo zvako zvichafura mumafuro makuru.”—Isa. 30:23.

18, 19. (a) Uprofita huri pana Isaya 65:20-22 hunorevei kwauri? (b) Zvinorevei kuti mazuva edu achava “semazuva omuti”?

18 Vakawanda mazuva ano vanotofunga kuti havangambovi neimba yakanaka kana kuti basa rinogutsa. Munyika ino ine uori, vakawanda vanonzwa sekuti vanofondoka vasina chavanowana ivo nemhuri dzavo, asi vapfumi nevane makaro vari ivo vanozowana zvavabindukira. Chimbofunga kuti zvichange zvakaita sei uprofita uhwu pahuchazadzika munyika yose: “Vachavaka dzimba vogaramo; vachadyara minda yemizambiringa vodya zvibereko zvayo. Havazovaki mumwe ogaramo; havazodyari mumwe odya. Nokuti mazuva evanhu vangu achaita semazuva omuti; uye vanhu vandakasarudza vachafarira basa remaoko avo zvizere.”—Isa. 65:20-22.

19 Zvinorevei kuti mazuva edu achaita “semazuva omuti”? Paunomira muzasi memuti wakakura, haushamiswi here paunofunga kuti wava nemakore akawanda sei uripo, zvimwe madzitateguru ako asati atombozvarwa? Unogona kutanga kufunga kuti dai waizoramba uine chivi sezvauri iye zvino, waigona kutozofa uchiusiya, uchitozoramba uripo zvawo iwe watokanganwika kare. Jehovha ane mutsa pakuti anotivimbisa kuti muParadhiso iri kuuya achatipa mazuva akawanda ane rugare! (Pis. 37:11, 29) Zuva richasvika rekuti tinenge tava kuona miti yava nemakore iripo seuswa hunobuda huchizoparara asi isu tichingorarama nekusingaperi!

20. Vanhu vakavimbika vanotongwa neUmambo vachava sei neutano hwakakwana?

20 Utano hwakakwana. Mazuva ano, urwere nerufu zviri kushayisa vanhu mufaro munyika yose. Tingati tose tiri kurwara, nechirwere chinouraya chinonzi chivi. Mushonga wacho chete chibayiro cherudzikinuro chaKristu. (VaR. 3:23; 6:23) MuKutonga Kwemakore Ane Chiuru, Jesu nevaachange achitonga navo vachaita kuti vanhu vanyatsobatsirwa nechibayiro ichocho, vachibvisa zvishoma nezvishoma kese kari muvanhu vakatendeka kanoratidza kuti vane chivi. Uprofita hwaIsaya huchanyatsozadzika hunoti: “Hakuna mugari wemo achati: “Ndiri kurwara.” Vanhu vachagara munyika yacho vachava vaya vakaregererwa kukanganisa kwavo.” (Isa. 33:24) Chimbofunga nguva yekuti panenge pasisina bofu, matsi kana chirema. (Verenga Isaya 35:5, 6.) Hapana chirwere chichatadza kurapwa naJesu, ingava nyama inorwadza, pfungwa dzisingatori zvakanaka kana kuti kushushikana mupfungwa. Vanhu vakavimbika vanotongwa neUmambo vachange vaine utano hwakakwana!

21. Chii chichaitika kurufu, uye sei vimbiso iyoyo ichikunyaradza?

21 Ko chii chichaitika kurufu, urwo rusinganzvengeki uye runowanzokonzerwa nekurwara? Uyu ndiye ‘muvengi wedu wekupedzisira,’ wokuti hapana kana mumwe wedu ane simba rekumurwisa. (1 VaK. 15:26) Asi rufu muvengi ane simba kuna Jehovha here? Ona zvakataurwa naIsaya: “Chokwadi achaparadza rufu nokusingaperi, uye Changamire Ishe Jehovha achapukuta misodzi pazviso zvose.” (Isa. 25:8) Chimbofungidzira nguva iyoyo. Kunenge kusisina mariro, kusisina makuva, kusisina misodzi yekurwadziwa! Asi kunenge kwava nemisodzi yemufaro sezvo Jehovha anozadzisa vimbiso yake inofadza yekumutsa vakafa! (Verenga Isaya 26:19.) Pakupedzisira marwadzo ose atiinawo ekufirwa achange apera.

22. Chii chichaitika kana Umambo hwaMesiya hwapedzisa kuita kuti kuda kwaMwari kuitwe panyika?

22 Pachapera makore ane chiuru, Umambo huchange hwapedza kuita kuda kwaMwari panyika, uye Kristu achadzorera utongi kuna Baba vake. (1 VaK. 15:25-28) Sezvo vanhu vose vachange vakwana, vanenge vagadzirira kutarisana nemuedzo wekupedzisira, Satani paachabudiswa mugomba rakadzika dzika. Zvadaro, Kristu achapwanya nyoka iyoyo yakaipa nevatsigiri vayo. (Gen. 3:15; Zvak. 20:3, 7-10) Asi vaya vose vanoda Jehovha nemwoyo wose vachange vava neramangwana rakanaka. Zvichida hapana mashoko anganyatsotsanangura zvichaitika kupfuura atinowana mune imwe ndima yeBhaibheri. Ivimbiso yekuti vakatendeka vachava “norusununguko runobwinya rwevana vaMwari.”—VaR. 8:21.

Umambo huchazadzisa zvose zvakavimbiswa naJehovha nezvevanhu uye nyika

23, 24. (a) Nei tiine chokwadi chekuti zvakavimbiswa naMwari zvichazadzika? (b) Watsidza kuitei?

23 Vimbiso idzi hadzisi dzekungofungidzira kana kuti dzekurota. Zvakavimbiswa naJehovha zvichatozadzika! Nei tichidaro? Yeuka mashoko aJesu atakakurukura muchitsauko chekutanga chebhuku rino. Akadzidzisa vateveri vake kuti vanyengetere kuna Jehovha vachiti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.” (Mat. 6:9, 10) Umambo hwaMwari hachisi chinhu chakangofungwawo nemumwe munhu. Huriko zvechokwadi! Huri kutotonga kudenga iye zvino. Kwemakore zana apfuura, hwakazadzisa vimbiso dzaJehovha zvatinotoonawo muungano yechiKristu. Saka tinogona kuva nechokwadi chekuti zvose zvakavimbiswa naJehovha zvichazadzika panouya Umambo hwaMwari kuti huratidze simba rahwo rose panyika!

24 Tinoziva kuti Umambo hwaMwari huchauya. Tinoziva kuti shoko rose rakataurwa naJehovha richaitika. Nei? Nekuti UMAMBO HWAMWARI HURI KUTONGA! Mumwe nemumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti, Ndiri kutongwa neUmambo here? Ngatiitei zvose zvatinogona iye zvino kuti tirarame sevanhu vakavimbika vanotongwa neUmambo ihwohwo, kuti tizokwanisa kubatsirwa nekutonga kwahunoita kwakanaka, kwakarurama, nekusingaperi!