Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tsamba Inobva Kudare Rinotungamirira

Tsamba Inobva Kudare Rinotungamirira

Muparidzi woUmambo Anodiwa:

CHIMBOZVIFUNGA uri mumwe wemhuri yeBheteri rokuBrooklyn, mangwanani emusi weChishanu, 2 October, 1914. Wakagara panzvimbo yako yaunogara mangwanani oga oga pakudya kwemangwanani, wakamirira kuti Hama C. T. Russell vasvike. Unozongoona dhoo remuimba yekudyira richivhurika uye Hama Russell vanopinda. Sezvavanogara vachiita, vanombomira zvishoma, vokwazisa mhuri yeBheteri vachifara vachiti, “Mamuka sei mose?” Asi panzvimbo pokuti vabva vanogara pasi, vanorova maoko vopa chiziviso chinofadza chokuti: “Nguva dzeMamwe Marudzi dzaguma; madzimambo avo haachisina nguva aripo!” Unofara zvokufara zviya nekuti ndizvo zvawanga wakamirira kwenguva yakareba! Pamunonzwa mashoko aya anofadza, iwe pamwe chete nemhuri yose yeBheteri munoramba muchirova maoko.

Patopfuura makumi emakore kubvira pakapiwa chiziviso ichi chinofadza naHama Russell. Zvii zvakaitwa neUmambo kubvira panguva iyoyo? Zvakazowanda! Achishandisa Umambo, Jehovha anga achinatsa uye achidzidzisa vanhu vake, avo vaiva zviuru zvishoma muna 1914 asi iye zvino vava kutopfuura mamiriyoni 7 nehafu. Iwe pachako wakabatsirwa sei nedzidzo iyi?

Mazuva ano tinowanzonzwa hama dzichiti, “Ngoro yaJehovha yokudenga iri kufamba!” uye dzinenge dzichitaura chokwadi. Zvisinei, kubvira muna 1914, ngoro iyi yokudenga, iyo inomiririra chikamu chisingaoneki chokudenga chesangano raJehovha yanga ichifamba zvekufamba zviya, sezvatichaona patichadzidza bhuku rino. Kuti vaite kuti mashoko akanaka aparidzwe munyika yose, vaparidzi voUmambo vakatanga kushandisa nzira itsva dzakasiyana-siyana, kusanganisira mapepanhau, kufora vaine zvikwangwani zvemashoko, mabhaisikopo, makadhi okupupurira, magiramufomu, redhiyo, kunyange Indaneti.

Kukomborera kuri kuita Jehovha basa redu kwaita kuti tikwanise kubudisa mabhuku anoyevedza anotsanangura Bhaibheri mumitauro inopfuura 670 uye kuapa munhu wose tisingabhadharisi. Vanhu vanozvipira vanobatsira kuvaka Dzimba dzoUmambo, Dzimba Dzemagungano, uye mahofisi emapazi, munyika dzakabudirira nedzisina kupfuma. Uyewo panoitika njodzi, hama nehanzvadzi dzine rudo dzinokurumidza kuenda kunobatsira, zvichiratidza zvechokwadi kuti ihama ‘dzinoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.’​—Zvir. 17:17.

Dzimwe nguva, vafundisi nevamwewo vanopikisa ‘vanoronga kuti pave nedambudziko vachishandisa murau,’ asi zvinosimbisa kutenda kuona kuti zvakaipa zvavanoramba vachiedza kuita zvinotoita kuti “mashoko akanaka afambire mberi.”​—Pis. 94:20; VaF. 1:12.

Kukudzwa chaiko kuwadzana nemi, vamwe vedu “veimba.” Tapota zivai kuti mose tinokudai zvikuru. Tinonyengetera kuti zviri mubhuku rino zvikubatsirei kukoshesa nhaka yenyu yezvokunamata kupfuura zvamaiita kare kose.​—Mat. 24:45.

Tinoshuva kuti zvinhu zvikufambirei zvakanaka

Hama dzenyu,

Dare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha