Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuruboshwe: Hama ichisungirwa kuti iri kuparidza muEindhoven, kuNetherlands, 1945; kurudyi: Kwaunogara, mutemo unokupai kodzero yokuparidza here?

CHIKAMU 4

Kukunda kwoUmambo​—Kusimbisa Zviri Pamutemo Mashoko Akanaka

Kukunda kwoUmambo​—Kusimbisa Zviri Pamutemo Mashoko Akanaka

PAUNENGE uchiparidza paimba neimba, unonzwa sairini ichirira ichiri kure. Inoita ichinzwikira pedyo zvishoma nezvishoma. Paunotanga kutaura nemumwe saimba, pfungwa dzemumwe wako dzinobva pane zvamuri kuita sezvaanotarisa mota yemapurisa ichimira. Mupurisa anobuda obvunza kuti, “Ndimi muri kufamba muchitaura zveBhaibheri padzimba dzevanhu? Vanhu vari kutiudza kuti havasi kufara nazvo!” Munomupindura noruremekedzo kuti muri Zvapupu zvaJehovha. Chii chichaitika?

Zvichaitika zvinowanzoenderana nekuti munyika menyu munowanzoitwa sei. Mumakore ose apfuura, hurumende yemunyika yaunogara yanga ichibata sei Zvapupu zvaJehovha? Vanhu vakasununguka kunamata sezvavanoda here? Kana zvakadaro, zvingava zvakabva pane zvakaitwa nehama dzako nehanzvadzi mumakumi emakore apfuura dzichishanda zvakaoma “pakudzivirira nokusimbisa zviri pamutemo mashoko akanaka.” (VaF. 1:7) Kufungisisa kwakabva neZvapupu zvaJehovha zvichikunda munyaya dzematare kunogona kusimbisa kutenda kwako zvikuru pasinei nekwaunogara. Muchikamu chino, tichaongorora dzimwe nyaya dzakadaro dzokukunda zvinoshamisa kwatakaita mumatare. Kukunda kwedu kunoratidza kuti zvechokwadi Umambo huriko, nokuti tiri toga taisazombobudirira zvakadaro!

ZVIRI MUCHIKAMU CHINO

CHITSAUKO 13

Vaparidzi voUmambo Vanoendesa Nyaya Dzavo Kumatare

Vatongi vari mumatare emazuva ano vanoita sezvakaitwa nomudzidzisi weMutemo wekare Gamarieri.

CHITSAUKO 14

Kusatsigira Imwe Hurumende Ipi Zvayo Kunze kweyaMwari

“Rwizi” rwekutambudzwa rwaida kunyudza Zvapupu zvaJehovha nechikonzero chekuti havapindiri mune zvematongerwo enyika rwakamedzwa nevanhu vaisambofungirwa.

CHITSAUKO 15

Kurwira Rusununguko Rwokunamata

Vanhu vaMwari vakarwira kodzero yokuchengeta mutemo woUmambo hwaMwari.