Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuruboshwe: Musangano waiitirwa panze kuLondon, England, 1945; kurudyi: Gungano rezuva rimwe chete kuMalawi, Africa, 2012

CHIKAMU 5

Dzidzo yeUmambo​—Kudzidzisa Vashumiri vaMambo

Dzidzo yeUmambo​—Kudzidzisa Vashumiri vaMambo

UNONYEMWERERA uchiratidza mukurukuri ari kupa hurukuro pachikuva kuti uri kunakidzwa. Mukurukuri wacho ihama yechiduku yekuungano kwenyu, uye ari kupa hurukuro yake yekutanga pagungano. Paunenge uchinakidzwa nehurukuro yacho, unopera mate mukanwa paunofunga nezvekudzidzisa kunoita Mwari vanhu vake. Unoyeuka hurukuro yake yekutanga pachikuva, woona kuti zvechokwadi akabva nekure! Akanyatsofambira mberi kubva paakapinda Chikoro Chebasa Roupiyona. Nguva ichangopfuura, iye nemudzimai wake vakapinda Chikoro Chevazivisi Vemashoko oUmambo. Paunenge uchiombera hurukuro iyoyo inonwisa mvura yapera, unotarisa vanhu vawakagara navo wofunga nezvekudzidziswa kuri kuitwa vanhu vose vaMwari.

Bhaibheri rakagara rataura kuti paizova nenguva iyo vanhu vaMwari vose ‘vaizodzidziswa naJehovha.’ (Isa. 54:13) Tiri kurarama munguva iyoyo. Tinowana dzidzo iyoyo mumabhuku edu, misangano, magungano, uye pazvikoro zvakasiyana-siyana zvakaitirwa kuti zvitidzidzise kuita mamwe mabasa musangano raJehovha. Muchikamu chino, tichakurukura kuti dzidzo iyoyo inoratidza sei zvakasimba kuti Umambo hwaMwari huri kutonga mazuva ano.

ZVIRI MUCHIKAMU CHINO

CHITSAUKO 16

Kuungana Kuti Tinamate

Tingaita sei kuti tinyatsobatsirwa nemisangano yekunamata Jehovha?

CHITSAUKO 17

Kudzidzisa Vashumiri voUmambo Kuita Basa

Zvikoro zvesangano zvakagadzirira sei vashumiri veUmambo kuti vaite mabasa avo?