Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuruboshwe: Zvinhu zvokuyamura zvakatumirwa kubva kuSwitzerland zvichiendeserwa hama dzedu kuGermany, muna 1946; kurudyi: Kuvakazve Imba yoUmambo yakanga yaparadzwa netsunami kuJapan, muna 2011

CHIKAMU 6

Kutsigira Umambo​—Kuvaka Nzvimbo Dzekunamatira uye Kubatsira Vanenge Vawirwa Nenjodzi

Kutsigira Umambo​—Kuvaka Nzvimbo Dzekunamatira uye Kubatsira Vanenge Vawirwa Nenjodzi

UNOPINDA muImba yoUmambo wotoishaya kuti ndiyo here yawagara uchiziva. Wagara uchidada nayo. Pamwe uchiri kuyeuka kunakidzwa kwawaiita pawaibatsira kuivaka makore apfuura. Asi iye zvino wava kutonyanya kudada nayo, nokuti Imba yoUmambo iyi yachinjwa kuva nzvimbo yokubatsira vanhu vawirwa nenjodzi. Pashure pemafashamo akaparadza nharaunda yenyu, Dare Rebazi rakakurumidza kuronga nzira yokuti vanhu vakanga vawirwa nenjodzi iyi vawane zvokudya, zvokupfeka, mvura yakachena, nerumwewo rubatsiro. Zvinhu zvokuyamura vanhu zvakarongwa zvakanakanaka muimba iyi. Hama nehanzvadzi dziri mumutsetse dzichipiwa zvadzinoda, vakawanda vacho vachipukuta misodzi yomufaro.

Jesu akati chinhu chikuru chaizoita kuti vadzidzi vake vazivikanwe kwaizova kudanana. (Joh. 13:34, 35) Muchikamu chino, tichakurukura kuti rudo rwechiKristu rwuri kuratidzwa sei pamabasa okuvaka uye okubatsira vanenge vawirwa nenjodzi anoitwa neZvapupu zvaJehovha. Rudo rwose irworwo runoratidza kuti tiri kurarama pasi poutongi hwaJesu.

ZVIRI MUCHIKAMU CHINO

CHITSAUKO 18

Kutsigirwa Kunoitwa Mabasa oUmambo Nemari

Mari yacho inobva kupi? Inoshandiswa sei?

CHITSAUKO 19

Basa Rekuvaka Rinokudza Jehovha

Nzvimbo dzekunamatira dzinokudza Mwari, asi anokoshesa chimwe chinhu chinotopfuura ipapo.

CHITSAUKO 20

Ushumiri Hwokuyamura

Tinoziva sei kuti basa rekuyamura rinobatanidzwawo pabasa dzvene ratinoitira Jehovha?