CHIKAMU 6
Kutsigira Umambo—Kuvaka Nzvimbo Dzekunamatira uye Kubatsira Vanenge Vawirwa Nenjodzi
UNOPINDA muImba yoUmambo wotoishaya kuti ndiyo here yawagara uchiziva. Wagara uchidada nayo. Pamwe uchiri kuyeuka kunakidzwa kwawaiita pawaibatsira kuivaka makore apfuura. Asi iye zvino wava kutonyanya kudada nayo, nokuti Imba yoUmambo iyi yachinjwa kuva nzvimbo yokubatsira vanhu vawirwa nenjodzi. Pashure pemafashamo akaparadza nharaunda yenyu, Dare Rebazi rakakurumidza kuronga nzira yokuti vanhu vakanga vawirwa nenjodzi iyi vawane zvokudya, zvokupfeka, mvura yakachena, nerumwewo rubatsiro. Zvinhu zvokuyamura vanhu zvakarongwa zvakanakanaka muimba iyi. Hama nehanzvadzi dziri mumutsetse dzichipiwa zvadzinoda, vakawanda vacho vachipukuta misodzi yomufaro.
Jesu akati chinhu chikuru chaizoita kuti vadzidzi vake vazivikanwe kwaizova kudanana. (Joh. 13:34, 35) Muchikamu chino, tichakurukura kuti rudo rwechiKristu rwuri kuratidzwa sei pamabasa okuvaka uye okubatsira vanenge vawirwa nenjodzi anoitwa neZvapupu zvaJehovha. Rudo rwose irworwo runoratidza kuti tiri kurarama pasi poutongi hwaJesu.
ZVIRI MUCHIKAMU CHINO
CHITSAUKO 19
Basa Rekuvaka Rinokudza Jehovha
Nzvimbo dzekunamatira dzinokudza Mwari, asi anokoshesa chimwe chinhu chinotopfuura ipapo.
CHITSAUKO 20
Ushumiri Hwokuyamura
Tinoziva sei kuti basa rekuyamura rinobatanidzwawo pabasa dzvene ratinoitira Jehovha?