Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rwiyo 142

Kuparidzira Vanhu Vemarudzi Ose

Kuparidzira Vanhu Vemarudzi Ose

Dhaunirodha:

(1 Timoti 2:4)

  1. Tinoda kuva saMwari wedu,

    Asingasaruri tozviziva.

    Kuponesa vese ndozva’noda;

    Kuti vese vave vanhu vake.

    (KORASI)

    Munhu kwete kwa’nobva;

    Mwoyo kwete kumeso.

    Vese tovapa shoko raMwari.

    Nokuti tinovada,

    Kwese tinoparidza:

    “Vese vangava shamwari dzake.”

  2. Kwaawanika hakuna basa

    Kana zvaangava nechekunze.

    Zvine basa ndozva’ri pamwoyo—

    Ndizvo zvinoonekwa naMwari.

    (KORASI)

    Munhu kwete kwa’nobva;

    Mwoyo kwete kumeso.

    Vese tovapa shoko raMwari.

    Nokuti tinovada,

    Kwese tinoparidza:

    “Vese vangava shamwari dzake.”

  3. Jehovha anobvuma vanoda

    Kusiya nyika nenzira dzayo.

    Takazvidzidza, dai vazvinzwa;

    Saka tinoparidzira vese.

    (KORASI)

    Munhu kwete kwa’nobva;

    Mwoyo kwete kumeso.

    Vese tovapa shoko raMwari.

    Nokuti tinovada,

    Kwese tinoparidza:

    “Vese vangava shamwari dzake.”