Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nzira Nechokwadi Neupenyu

Nzira Nechokwadi Neupenyu

Pamwe unofarira kunzwa mashoko akanaka. Pane mashoko akanaka zvechokwadi ari kuudzwa iwe pamwe nehama dzako neshamwari.

Mashoko akanaka aya ari muBhaibheri, iro rakanyorwa kare kare nevanhu vaitungamirirwa neMusiki wezvinhu zvose, Jehovha Mwari. Mubhuku rino, tichanyanya kukurukura nezvemabhuku mana eBhaibheri ane mashoko akatinakira zvechokwadi. Anozivikanwa nemazita evarume vakashandiswa naMwari kuanyora vanoti Mateu, Mako, Ruka, naJohani.

Vakawanda vanodana mabhuku mana aya kuti Evhangeri. Ose ari mana anorondedzera evhangeri, kana kuti mashoko akanaka nezvaJesu, achiratidza kuti iye ndiye nzira yaMwari yokuponesa vanhu, uye kuti saMambo weUmambo hwaMwari hwokudenga, Jesu achaunza zvikomborero zvisingagumi kuvanhu vose vanotenda maari.​—Mako 10:17, 30; 13:13.

SEI AKANYORWA ARI MANA?

Zvimwe unogona kunge wakambonetseka kuti sei Mwari akafemera kuti panyorwe mabhuku mana anotaura nezveupenyu hwaJesu nedzidziso dzake.

Kuva nemabhuku akanyorwa nevanhu vakasiyana vachirondedzera zvakataurwa uye zvakaitwa naJesu kune zvakunobatsira. Somuenzaniso, fungidzira varume vana vakamira nemumwe mudzidzisi akakurumbira. Murume akamira pamberi pemudzidzisi uyu ane hofisi yemutero. Ari kurudyi rwake ndichiremba. Kuruboshwe rwake kune muredzi wehove ari kumuteerera uye ndiye shamwari yake yepedyo. Uye murume wechina, uyo akamira kumashure kwemudzidzisi uyu, anongova mucherechedzi uye ndiye mudiki pane vamwe vose. Vose vari vana, varume vakatendeka uye mumwe nemumwe wavo ane zvaanoongorora pamudzidzisi uyu zvakasiyana nezvevamwe. Kana mumwe nemumwe wavo akanyora nezvezvinoitwa nemudzidzisi uyu pamwe nezvaanotaura, nhoroondo dzavanonyora dzinova nemashoko nezviitiko zvakasiyana-siyana. Kuongorora nhoroondo dzavo vose vari vana, tichifunga nezvekusiyana kwemaonero uye zvinangwa zvavo, kunogona kutibatsira kuti tinyatsonzwisisa zvakataurwa nezvakaitwa nemudzidzisi uyu. Muenzaniso uyu unotiratidza kuti tinobatsirwa sei nenhoroondo ina dzeupenyu hweMudzidzisi Mukuru, Jesu.

Mumufananidzo wedu, muteresi anoda kutaura zvinonzwisiswa nevaJudha, saka anonyora dzidziso dzaJesu nezviitiko nenzira inoita kuti vanhu ava vabatsirwe. Chiremba anonyora nezvekuporeswa kwevanorwara nezvirema, saka anosiya zvimwe zvinhu zvakanyorwa nemuteresi kana kuti anogona kuzvitaura neimwewo nzira. Shamwari yepedyo iya inonyatsorondedzera kuti mudzidzisi uyu ane mwoyo wakaita sei uye kuti anobata sei vanhu. Murume uya wechiduku anonyora nhoroondo pfupi. Asi zvavanonyora vose zvakarurama. Izvi zvinonyatsoratidza kuti kuva nenhoroondo ina dzeupenyu hwaJesu kunotibatsira sei kunzwisisa zvaakaita, zvaakadzidzisa uye kuti aiva munhu akaita sei.

Vanhu vanowanzotaura ‘nezveEvhangeri yaMateu,’ kana kuti ‘Evhangeri yaJohani.’ Ichocho ichokwadi nekuti mabhuku aya ane “mashoko akanaka pamusoro paJesu Kristu.” (Mako 1:1) Asi tinogona kutaura kuti kune evhangeri imwe chete kana kuti mashoko akanaka ane chekuita naJesu anowanika munhoroondo dzacho dziri ina.

Vanhu vakawanda vanodzidza Shoko raMwari vakaongorora vachida kuona kuti mashoko anotaurwa muna Mateu, Mako, Ruka, naJohani anopindirana sei. Mugore ra170 C.E., mumwe munyori wekuSiriya anonzi Tatian akaedza kuita izvi. Akaona kuti mabhuku aya mana akarurama uye akafemerwa, akabva atora mashoko awo akaashandisa kunyora bhuku rinonzi Diatessaron, renhoroondo yeupenyu hwaJesu neushumiri hwake.

Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu, ibhuku rinoitawo zvimwe chetezvo, asi rakanyatsorurama uye rinodonongodza zvose. Izvi zvinodaro nekuti iye zvino tava kunyatsonzwisisa kuzadziswa kweuprofita hwakawanda pamwe nemifananidzo zvakataurwa naJesu. Kunzwisisa zvinhu izvi kunobatsira kuziva zvaakataura nezvaakaita, uye kuti ndechipi chakatangira chimwe. Zvakawanikwa nevanochera matongo zvakabatsirawo pakuwedzera kujekesa zvimwe zvinhu uye maonero evanyori vemabhuku aya. Kutaura chokwadi hapana anogona kubva anyatsoziva zvakakwana kutevedzana kwezviitiko zvose zvemuupenyu hwaJesu. Asi bhuku rino rinorondedzera zviitiko izvi nenzira inonyatsonzwisisika.

NZIRA NECHOKWADI NEUPENYU

Paunenge uchiverenga bhuku rino, ramba uchifunga nezvemashoko anokosha ari kuudzwa iwe nehama dzako neshamwari. Yeuka kuti Jesu Kristu pachake akaudza muapostora Tomasi kuti: “Ndini nzira nechokwadi noupenyu. Hapana anouya kuna Baba asi nokwandiri.”​—Johani 14:6.

Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu, ibhuku richakubatsira kunyatsoona kuti zvechokwadi Jesu ndiye “nzira.” Ndiye chete nzira inotisvitsa kuna Jehovha Mwari kana tichida kunyengetera. Uyewo Jesu ndiye nzira yekutibatsira kuti tiyanane naMwari. (Johani 16:23; VaRoma 5:8) Saka kuburikidza naJesu tinogona kunamata Mwari nenzira inomufadza.

Jesu ndiye ‘chokwadi.’ Akataura uye akararama zvinoenderana nechokwadi zvokuti zvaiita sekuti Jesu ndiye chokwadi chacho. Akazadzisa uprofita hwakawanda ‘uhwo hwakava “hungu” pachishandiswa iye.’ (2 VaKorinde 1:20; Johani 1:14) Uprofita uhwu hunotibatsira kuona basa rake rinokosha pakuzadziswa kwechinangwa chaMwari.​—Zvakazarurwa 19:10.

Uye Jesu Kristu ndiye ‘upenyu.’ Nechibayiro chaakapa, achipa upenyu hwake hwakakwana pamwe neropa rake, akaita kuti tikwanise kuwana “upenyu chaihwo” kureva “upenyu husingaperi.” (1 Timoti 6:12, 19; VaEfeso 1:7; 1 Johani 1:7) Acharatidzawo kuti ndiye ‘upenyu’ kumamiriyoni evanhu vakafa avo vachamutswa kuti vazorarama muParadhiso nekusingaperi.​—Johani 5:28, 29.

Mumwe nemumwe wedu anofanira kunzwisisa uye kukoshesa basa raJesu muchinangwa chaMwari. Nakidzwa nekudzidza zvakawanda nezvaJesu, “nzira nechokwadi noupenyu.”