Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 2

Jesu Anokudzwa Asati Azvarwa

Jesu Anokudzwa Asati Azvarwa

RUKA 1:34-56

  • MARIYA ANOSHANYIRA HAMA YAKE ERIZABHETI

Panoudzwa Mariya nengirozi Gabrieri kuti achava nemwanakomana achatumidzwa kuti Jesu uye kuti achava Mambo nokusingaperi, anobvunza kuti: “Izvi zvingaitika sei, ini zvandisiri kurara nomurume?”—Ruka 1:34.

Gabrieri anomupindura kuti: “Mudzimu mutsvene uchaburukira pauri, uye simba roWokumusorosoro richakufukidza. Saka ichochowo chichaberekwa chichanzi chitsvene, Mwanakomana waMwari.”—Ruka 1:35.

Zvimwe achida kubatsira Mariya kubvuma zvaari kutaura, Gabrieri anowedzera kuti: “Tarira! Erizabheti hama yako nayewo akabata pamuviri pomwanakomana, muuchembere hwake, uye uno ndiwo mwedzi wake wechitanhatu, iye mukadzi anonzi haabereki; nokuti kuna Mwari hapana chinoziviswa chichava chisingabviri.”—Ruka 1:36, 37.

Mariya anobvuma zvataurwa naGabrieri sezvatinoona pamapinduriro aanoita. Anoti: “Tarirai! Murandasikana waJehovha! Ngazviitike kwandiri maererano nezvamazivisa.”—Ruka 1:38.

Gabrieri achingoenda, Mariya anogadzirira kushanyira Erizabheti, uyo anogara nomurume wake Zekariya, munzvimbo ine makomo yeJudhiya pedyo neJerusarema. Rwendo rwacho rwunogona kutora mazuva matatu kana kuti mana kubva kumba kwaMariya kuNazareti.

Mariya anozosvika pamba paZekariya. Paanopinda mumba, anokwazisa hama yake Erizabheti. Erizabheti anobva azadzwa nomudzimu mutsvene, oti kuna Mariya: “Wakakomborerwa iwe pakati pevakadzi, uye chakakomborerwa chibereko chedumbu rako! Naizvozvo sei ndawana ropafadzo iyi, kuti amai vaShe wangu vauye kwandiri? Nokuti, tarira! inzwi rokukwazisa kwako parasvika munzeve dzangu, mwana ari mudumbu mangu akwakuka nomufaro mukuru.”—Ruka 1:42-44.

Mariya anozopindura achitenda nemwoyo wose achiti: “Mweya wangu unokudza Jehovha, uye mwoyo wangu haungaregi kufarira kwazvo Mwari Muponesi wangu; nokuti atarira nzvimbo yakaderera yomurandasikana wake. Nokuti, tarira! kubvira zvino zvizvarwa zvose zvichanditi ndinofara; nokuti Ane simba andiitira mabasa makuru.” Tinogona kuona kuti Mariya haazvikudzi pane zvose zvakanaka zvaaitirwa, asi anopa rukudzo rwose kuna Mwari. Anoti: “Zita rake idzvene; uye kwezvizvarwa nezvizvarwa ngoni dzake dziri pane vaya vanomutya.”—Ruka 1:46-50.

Achifemerwa naMwari, Mariya anoenderera mberi nokumurumbidza nemashoko ouprofita achiti: “Azviita nesimba noruoko rwake, aparadzira kwose kwose vaya vanozvikudza pakuvavarira kwemwoyo yavo. Aderedza vanhu vane simba pazvigaro zvoumambo, akakwidziridza vakaderera; agutisa kwazvo vane nzara nezvinhu zvakanaka uye aita kuti vaiva nepfuma vaende vasina chinhu. Ayamura Israeri mushandi wake, achimunzwira ngoni, sezvaakaudza madzitateguru edu, kuti anzwire ngoni Abrahamu nevana vake, nokusingaperi.”—Ruka 1:51-55.

Mariya anogara naErizabheti kwemwedzi ingasvika mitatu, zvichida achiitira kuti amubatsire mumwedzi iyi yokupedzisira yepamuviri pake. Vakadzi vaviri ava vakatendeka vanofanira kunge vakafara zvikuru kuva pamwe chete panguva iyi muupenyu hwavo, sezvo vose vakabatsirwa naMwari kuti vave nepamuviri!

Cherechedzawo kukudzwa kwakaitwa Jesu asati atombozvarwa. Erizabheti akamuti ‘Ishe wangu’ uye mwana aiva mudumbu make ‘akakwakuka nomufaro mukuru’ pakasvika Mariya. Izvi zvakasiyana nokure nemabatirwo anozoitwa Mariya nemwana wake anozozvarwa, sezvatichaona.