Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 9

Jesu Anokurira muNazareta

Jesu Anokurira muNazareta

MATEU 13:55, 56 MAKO 6:3

  • MHURI YAJOSEFA NAMARIYA INOKURA

  • JESU ANODZIDZIRA BASA

Jesu ari kugara muNazareta, kaguta kasina kunyanya kukurumbira. Guta iri riri kuchamhembe kweJudhiya, munzvimbo ine makomo inonzi Garireya, kumadokero kweGungwa reGarireya.

Josefa naMariya vanouya naJesu muguta iri vachibva kuIjipiti zvichida ava nemakore maviri. Zvinoita sekuti panguva iyi ndiye chete mwana wavainaye. Asi anozova nevanun’una vanoti Jakobho, Josefa, Simoni naJudhasi. Josefa naMariya vanozovawo nevana vasikana, hanzvadzi dzaJesu. Izvi zvinoita kuti Jesu ave nevamwe vakaberekwa pashure pake vanogona kusvika vatanhatu kana kupfura.

Zviri pachena kuti Jesu ane dzimwewo hama. Tinotoziva nezvaErizabheti nemwanakomana wake Johani. Mukoma wake uyu anogara kure chaizvo kuJudhiya iyo iri kumaodzanyemba. Anogara pedyo neGarireya munun’una waMariya anonzi Saromi, amainini vaJesu. Murume waSaromi anonzi Zebhedhi. Vanakomana vavo, Jakobho naJohani, vanofanira kunge vari vanun’una vaJesu vekwaamainini. Hatizivi hedu kana Jesu akatamba zvakanyanya nevanun’una vake ava paaikura, asi vanozova shamwari dzake dzepedyo pavanova vadzidzi vake.

Josefa anofanira kutoshanda nesimba kuti akwanise kuriritira mhuri yake iri kukura. Josefa anoita basa rekuveza uye anorera Jesu semwanakomana wake chaiye, zvokuti anonzi “mwanakomana womuvezi.” (Mateu 13:55) Josefa anodzidzisawo Jesu basa iri, uye anoribata. Vanhu vanotozopedzisira vava kuti iye Jesu wacho “muvezi.”—Mako 6:3.

Kushumira Jehovha ndihwo upenyu hwaJosefa nemhuri yake. Vachiita zvinotaurwa muMutemo waMwari, Josefa naMariya, vanodzidzisa vana vavo nezvaMwari, ‘pavanogara mumba mavo nepavanofamba mumugwagwa nepavanorara pasi nepavanomuka.’ (Dheuteronomio 6:6-9) MuNazareta mune sinagogi. Tine chokwadi chekuti Josefa anogara achienda nemhuri yake ikoko kuti vanonamata. Magwaro anozoratidza kuti “maererano netsika yake pazuva resabata,” Jesu aienda kusinagogi. (Ruka 4:16) Mhuri yacho inonakidzwawo nenzendo dzainogara ichiita dzekuenda kutemberi yaJehovha kuJerusarema.