Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 12

Jesu Anobhabhatidzwa

Jesu Anobhabhatidzwa

MATEU 3:13-17 MAKO 1:9-11 RUKA 3:21, 22 JOHANI 1:32-34

  • JESU ANOBHABHATIDZWA UYE ANOZODZWA

  • JEHOVHA ANOZIVISA KUTI JESU MWANAKOMANA WAKE

Papfuura mwedzi inenge mitanhatu kubvira pakatanga Johani Mubhabhatidzi kuparidza. Jesu, uyo ava nemakore anenge 30, anouya kwaari kuRwizi rwaJodhani. Auya kuzoitei? Hakusi kuti angouya kuzomuonawo semumwe wake. Uyewo haana kungouya kuzoona kuti basa raJohani riri kufamba sei. Jesu auya kuzokumbira Johani kuti amubhabhatidze.

Hazvishamisi kuti Johani anoramba, achiti: “Ndini ndinofanira kubhabhatidzwa nemi, nei mava kuuya kwandiri?” (Mateu 3:14) Johani anoziva kuti Jesu Mwanakomana waMwari anokosha. Tichiri kuyeuka kuti paya paakanga achiri mudumbu raamai vake, Johani akakwakuka nokufara pakashanyirwa amai vake Erizabheti naMariya, uyo aiva nepamuviri paJesu. Amai vaJohani vanofanira kunge vakatozomuudza nezvazvo. Uye anofanira kunge akaudzwawo nezvekuzivisa kwakaitwa nengirozi nezvekuzvarwa kwaJesu uye nezvengirozi dzakaonekwa nevafudzi usiku hwakazvarwa Jesu.

Johani anoziva kuti ari kubhabhatidza vaya vakapfidza zvivi zvavo. Asi Jesu haana chivi. Kunyange zvazvo Johani ari kuramba, Jesu anoti: “Rega zvive zvakadaro, nguva ino, nokuti saizvozvo zvakakodzera kuti tiite zvose zvakarurama.”—Mateu 3:15.

Nei zvakakodzera kuti Jesu abhabhatidzwe? Jesu haasi kubhabhatidzwa sechiratidzo chokupfidza zvivi. Kubhabhatidzwa kwake kuri kuratidza kuti ari kuzvipira kuna Baba vake kuti aite kuda kwavo. (VaHebheru 10:5-7) Jesu anga achishanda somuvezi, asi iye zvino nguva yasvika yokuti atange ushumiri hwaakatumwa kuti azoita pasi pano naBaba vake vokudenga. Unofunga kuti Johani ari kutarisira kuti pane chimwe chinhu chichaitika here paachabhabhatidza Jesu?

Johani wacho anozoratidza kuti ane zvaaitarisira nemashoko aakazotaura pava paya okuti: “Iye chaiye akandituma kuzobhabhatidza nemvura akati kwandiri, ‘Munhu waunoona mudzimu uchiburukira paari woramba uripo, iyeyu ndiye anobhabhatidza nomudzimu mutsvene.’” (Johani 1:33) Saka Johani ari kutarisira kuti Mudzimu waMwari uchauya pane mumwe munhu waachabhabhatidza. Zvinobva zvaitikawo kuti panobuda Jesu mumvura, Johani anoona “mudzimu waMwari uchiburuka wakaita senjiva uchiuya [pana Jesu].”—Mateu 3:16.

Asi handizvo chete zvinoitika panobhabhatidzwa Jesu. Jesu anoona ‘matenga achivhurika.’ Izvozvo zvinorevei? Zvinofanira kunge zviri kureva kuti paanobhabhatidzwa, Jesu anotanga kuyeuka upenyu hwake achiri kudenga asati auya pasi pano. Saka iye zvino Jesu anoyeuka zvaaiita achiina baba vake Jehovha, kusanganisira chokwadi chaakadzidziswa asati auya pasi pano.

Uyezve panobhabhatidzwa Jesu inzwi rinobva kudenga rinozivisa kuti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandafarira.” (Mateu 3:17) Inzwi raani iroro? Haringava raJesu wacho sezvo ari ipapo naJohani. Inzwi raMwari. Zviri pachena kuti Jesu Mwanakomana waMwari. Haasi Mwari.

Zvinokosha kuziva kuti Jesu mwanakomana waMwari wenyama sezvakanga zvakaita munhu wekutanga Adhamu. Pashure pokutsanangura kubhabhatidzwa kwaJesu, mudzidzi Ruka anonyora kuti: “Jesu, paakatanga basa rake, akanga ava nemakore anenge makumi matatu, sokufungwa kwazvaiitwa, ari mwanakomana waJosefa, mwanakomana waHirai, . . . mwanakomana waDhavhidhi, . . . mwanakomana waAbrahamu, . . . mwanakomana waNoa, . . . mwanakomana waAdhamu, mwanakomana waMwari.”—Ruka 3:23-38.

Sezvakanga zvakangoita Adhamu uyo aiva “mwanakomana waMwari” wenyama, ndizvo zvakangoitawo Jesu. Paanobhabhatidzwa, Jesu anova noumwe ukama hutsva naMwari, nokuti anenge avawo Mwanakomana waMwari womudzimu. Saka Jesu anokwanisa kudzidzisa vanhu chokwadi nokuvaratidza nzira youpenyu. Jesu ava kutanga nzira youpenyu ichazoita kuti ape upenyu hwake sechibayiro chokudzikinura vanhu vane chivi.