Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 18

Jesu Anowedzera, Johani Achiderera

Jesu Anowedzera, Johani Achiderera

MATEU 4:12 MAKO 6:17-20 RUKA 3:19, 20 JOHANI 3:22–4:3

  • VADZIDZI VAJESU VANOBHABHATIDZA VANHU

  • JOHANI MUBHABHATIDZI ANOISWA MUJERI

Vapedza kuchengeta Paseka ya30 C.E., Jesu nevadzidzi vake vanobuda muJerusarema. Asi havabvi vangodzokera kumisha yavo kuGarireya. Vanoenda kuruwa rweJudhiya, kwavanobhabhatidza vanhu vakawanda. Johani Mubhabhatidzi ava kusvitsa gore achiita basa iroro uye vamwe vadzidzi vake vachiinaye. Zvichida vari kugara pedyo neRwizi rwaJodhani.

Jesu pachake haasi kubhabhatidza vanhu asi kuti vadzidzi vake ndivo vaari kupa basa racho. Iye zvino kudzidzisa kuri kuitwa naJesu naJohani kwakanangana nevaya vari kupfidza zvivi zvavo zvavakaita vachityora sungano yeMutemo waMwari.—Mabasa 19:4.

Asi vadzidzi vaJohani vanonzwa godo, vonyunyuta kwaari nezvaJesu vachiti: “Murume akanga ainemi [Jesu] . . . ari kubhabhatidza uye vose vari kuenda kwaari.” (Johani 3:26) Asi Johani haasi kumbomunzwira godo. Anotofadzwa nokubudirira kuri kuita Jesu uye anoda kuti vadzidzi vake vafarewo. Johani anovayeuchidza kuti: “Imi munondipupurira kuti ndakati, handisi Kristu, asi, ndakatumwa pamberi paiyeye.” Anovapa mufananidzo wavanonzwisisa vose achiti: “Uya ane mwenga ndiye muroori. Zvisinei, shamwari yomuroori, painosimuka yomunzwa, ine mufaro mukuru kwazvo nokuda kweinzwi romuroori. Naizvozvo uyu mufaro wangu wazadziswa.”—Johani 3:28, 29.

Johani akafara sezvinoita shamwari yemuroori paakasuma vadzidzi vake kuna Jesu mwedzi yakapfuura. Vamwe vavo vakatevera Jesu uye nokufamba kwenguva vaizozodzwa nomudzimu mutsvene. Johani anodawo kuti vadzidzi vaainavo iye zvino vatevere Jesu. Chinangwa chaJohani chinotova chokugadzirira kuti ushumiri hwaKristu hubudirire. Johani anotsanangura kuti: “Iyeye anofanira kuramba achiwedzera, asi ini ndinofanira kuramba ndichiderera.”—Johani 3:30.

Mumwe Johani, akanga ava mudzidzi waJesu, anozonyora nezvekwakabva Jesu uye kukosha kwake pakuita kuti vanhu vapone achiti: “Uya anobva kumusoro ari pamusoro pevamwe vose. . . . Baba vanoda Mwanakomana uye vakaisa zvinhu zvose muruoko rwake. Anotenda muMwanakomana ane upenyu husingaperi; asingateereri Mwanakomana haazooni upenyu, asi hasha dzaMwari dzinoramba dziri paari.” (Johani 3:31, 35, 36) Ichi ichokwadi chinofanira kuzivikanwa nomunhu wose!

Pasina nguva pashure pokunge Johani Mubhabhatidzi ataura mashoko okuti basa rake rinofanira kuderera, anosungwa naMambo Herodhi. Herodhi akanga atora Herodhiasi, mudzimai wemunun’una wake Firipi, ndokumuroora. Johani paanofumura nyaya iyi yeupombwe, Herodhi anoita kuti akandwe mujeri. Paanonzwa nezvekusungwa kwaJohani, Jesu anobva muJudhiya nevadzidzi vake ‘oenda kuGarireya.’—Mateu 4:12; Mako 1:14.