Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 19

Kudzidzisa Mukadzi wokuSamariya

Kudzidzisa Mukadzi wokuSamariya

JOHANI 4:3-43

  • JESU ANODZIDZISA MUKADZI WOKUSAMARIYA NEVAMWEWO VANHU

  • MANAMATIRO ANODIWA NAMWARI

Vari munzira kubva kuJudhiya vachienda kuGarireya, Jesu nevadzidzi vake vanopfuura nemuruwa rweSamariya. Vaneta nekufamba. Kwava kumasikati vanombomira pedyo neguta reSikari kuti vazorore pedyo netsime rinofanira kunge rakacherwa kana kuti rakachereswa naJakobho mazana emakore akapfuura. Tsime iroro richiriko nanhasi pedyo neguta rinonzi Nablus.

Jesu anosara akazorora pedyo netsime racho vadzidzi vake vachipinda muguta riri pedyo kunotenga zvokudya. Vasipo kudaro, mumwe mukadzi muSamariya anouya kuzochera mvura. Jesu anoti kwaari: “Ndipewo mvura yokunwa.”—Johani 4:7.

VaJudha nevaSamariya havawanzotaudzana nemhaka yeruvengo rwakabvira kare. Saka mukadzi wacho anoshamiswa obvunza kuti: “Sei iwe uchindikumbira mvura yokunwa, pasinei nokuti uri muJudha, ini ndiri mukadzi muSamariya?” Jesu anopindura kuti: “Kudai wanga waziva chipo chaMwari chepachena uye kuti ndiani ari kuti kwauri, ‘Ndipewo mvura yokunwa,’ ungadai wamukumbira, uye iye angadai akupa mvura mhenyu.” Mukadzi wacho anopindura kuti: “Changamire, hamuna kunyange mugomo wokucheresa mvura, uye tsime racho rakadzika. Saka, mvura iyi mhenyu munoitora kupi? Imi muri mukuru here kuna tateguru vedu Jakobho, vakatipa tsime racho uye vakanwa mariri ivo pamwe chete nevanakomana vavo nezvipfuwo zvavo?”—Johani 4:9-12.

“Munhu wose anonwa mvura iyi achavazve nenyota,” anodaro Jesu. “Munhu wose anonwa mvura yandichamupa haazombovizve nenyota, asi mvura yandichamupa ichava maari tsime remvura inotubuka kuti ipe upenyu husingaperi.” (Johani 4:13, 14) Zvinofadza kuona kuti Jesu, kunyange zvazvo aneta, ari kukurukura nemukadzi uyu mashoko anowanisa upenyu.

Mukadzi wacho anozoti: “Changamire, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kunzwazve nyota kana kuramba ndichiuya kuno kuzochera mvura.” Jesu anobva aita seachinja nyaya oti kumukadzi wacho: “Enda unoshevedza murume wako uuye pano.” Mukadzi wacho anopindura kuti: “Handina murume.” Asi anoshaya romuromo paanonzwa Jesu achiratidza kuti anoziva nezvake achiti: “Wataura zvakanaka kuti, ‘Handina murume.’ Nokuti wakava nevarume vashanu, uye murume wauinaye iye zvino haasi murume wako.”—Johani 4:15-18.

Mashoko aJesu anoita kuti mukadzi uyu azive kuti Jesu munhu akaita sei zvokuti anotaura achiratidza kushamiswa achiti: “Changamire, ndinoona kuti muri muprofita.” Anobva aratidza kuti anofarira nyaya dzokunamata. Anozviratidza sei? Anoenderera mberi achiti: “Madzitateguru edu ainamatira mugomo iri [Gomo reGerizimi riri pedyo nepavari]; asi imi [vaJudha] munoti muJerusarema ndimo munofanira kunamatirwa nevanhu.”—Johani 4:19, 20.

Asi Jesu anotsanangura kuti nzvimbo inonamatirwa handiyo inokosha. Anoti: “Awa iri kuuya pamusingazonamati Baba muri mugomo iri kana muJerusarema.” Anozomuudza kuti: “Awa iri kuuya, nazvino yatovapo, vanamati vechokwadi pavachanamata Baba nomudzimu nechokwadi, nokuti, chokwadi, Baba vari kutsvaka vanhu vakadaro kuti vavanamate.”—Johani 4:21, 23, 24.

Chinotsvakwa naBaba muvanamati vechokwadi haisi nzvimbo yavanonamatira asi manamatiro avanoita. Mukadzi wacho anopedzwa mate mukanwa. “Ndinoziva kuti Mesiya ari kuuya, iye anonzi Kristu,” anodaro. “Iyeye paanenge angosvika, achatizivisa zvinhu zvose pachena.”—Johani 4:25.

Jesu anobva azivisa chokwadi chinokosha achiti: “Ini ndiri kutaura newe ndini iye.” (Johani 4:26) Pafunge! Uyu anongovawo mukadzi azviuyira kuzochera mvura. Asi Jesu amuitira chinhu chinoshamisa. Amuudza asingatendereri kuti ndiye Mesiya, izvo zvaangave asati amboudza vamwe.

VASAMARIYA VAKAWANDA VANOVA VATENDI

Vadzidzi vaJesu vanobva nezvokudya kuSikari. Vanomuwana ari patsime raJakobho pavamusiya ari, asi iye zvino ava kutaura nemumwe mukadzi wekuSamariya. Vadzidzi vachingosvika, mukadzi uyu anosiya chirongo chake obva ananga muguta.

Achingosvika kuSikari, mukadzi uyu anoudza vanhu zvaaudzwa naJesu. Achiratidza kuti ane chokwadi nezvaari kutaura anovaudza kuti: “Uyai kuno muone munhu andiudza zvinhu zvose zvandakaita.” Zvimwe achida kuti vaite shungu dzokunomuona anozobvunza kuti: “Kuti uyu haangavi iye Kristu?” (Johani 4:29) Uyu mubvunzo unokosha wava nenguva uchibvunzwa kubvira mumazuva aMosesi. (Dheuteronomio 18:18) Izvi zvinoita kuti vanhu vemuguta iri vaende kunozvionera.

Ukuwo, vadzidzi vari kukurudzira Jesu kuti adye zvavauya nazvo. Asi anovaudza kuti: “Ndine zvokudya zvokuti ndidye zvamusingazivi.” Vadzidzi vanoshamiswa nemashoko aya, vobvunzana pachavo vachiti: “Kuti pane munhu amuvigira chokudya here?” Jesu anovatsanangurira nemutsa achitaura mashoko anokosha kuvateveri vake vose achiti: “Zvokudya zvangu ndizvo kuti ndiite kuda kwaiye akandituma uye kupedza basa rake.”—Johani 4:32-34.

Basa riri kutaurwa naJesu harisi rekukohwa bhari iro rasarirwa nemwedzi inenge mina kuti ritange. Asi ari kutaura nezvekukohwa kwekufananidzira, sezvinoratidzwa mumashoko aanozotaura okuti: “Simudzai maziso enyu muone minda kuti yachenera kukohwa. Nechekare mukohwi ari kugamuchira mubayiro nokuunganidza zvibereko zvoupenyu husingaperi, kuti mudyari nomukohwi vafare pamwe chete.”—Johani 4:35, 36.

Jesu anogona kunge ava kutoona kuti kutaura kwaaita nemudzimai wekuSamariya kwabatsira. Vanhu vakawanda vekuSikari vari kutenda muna Jesu zvichibva pamashoko ari kutaurwa nezvake nemudzimai uyu okuti: “Andiudza zvinhu zvose zvandakaita.” (Johani 4:39) Saka pavanosvika patsime vachibva kuSikari, vanokumbira Jesu kuti amboti garei navo vachitaura. Jesu anobvuma ogara muSamariya kwemazuva maviri.

VaSamariya pavanoteerera zvinotaurwa naJesu, vakawanda vavo vanotenda maari. Vanoudza mukadzi uya kuti: “Hatichangotendi nokuti wataura; nokuti tazvinzwira uye tinoziva kuti munhu uyu chokwadi ndiye muponesi wenyika.” (Johani 4:42) Zvakaitwa nemudzimai wekuSamariya zvinotidzidzisa kuti tinofanira kupupura nezvaKristu nenzira inoita kuti vanhu vaite shungu dzekuda kunzwa zvakawanda.

Tambotaura kuti kwasara mwedzi mina kuti kukohwa kutange. Uku kunofanira kunge kuri kukohwa bhari, kunowanzoitwa muchirimo munharaunda iyi. Saka munofanira kunge mava muna November kana kuti December. Izvi zvinoreva kuti Jesu nevadzidzi vake vaita mwedzi inenge misere vachidzidzisa nekubhabhatidza vanhu muJudhiya kubva papera Paseka ya30 C.E. Iye zvino vanokwidza kuchamhembe kumusha kwavo kuGarireya. Zvii zvichaitika ikoko?