Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 24

Jesu Anowedzera Ushumiri Hwake muGarireya

Jesu Anowedzera Ushumiri Hwake muGarireya

MATEU 4:23-25 MAKO 1:35-39 RUKA 4:42, 43

  • JESU ANOTENDERERA MUGARIREYA NEVADZIDZI VAKE VANA

  • MABASA AANOITA UYE KUPARIDZA KWAKE ZVINOTANGA KUZIVIKANWA KWAKAWANDA

Jesu nevadzidzi vake vana vaswera vakabatikana muKapenaume. Ava manheru, vanhu vemuguta iri vanouya nevarwere vavo kuti vaporeswe. Jesu haana kumbobvira awana nguva yokuva oga.

Mangwana acho kuchakasviba, Jesu anomuka obuda ari ega. Anowana nzvimbo yakanyarara yokuti anyengetere kuna Baba vake pasina vanhu. Asi haaiti nguva asati azivikanwa kwaari. Petro “nevaya vaaiva navo” pavanongoziva kuti haapo vanotanga kumutsvaga. Zvimwe Petro ndiye anovatungamirira sezvo Jesu wacho akanga ari pamba pake.—Mako 1:36; Ruka 4:38.

Pavanomuwana, Petro anoti: “Vose vari kukutsvakai.” (Mako 1:37) Vanhu vemuKapenaume havangamborega kuda kuti Jesu arambe achigara navo. Vanotenda zvikuru zvaavaitira, saka vanoedza “kumudzivisa kuti asabve kwavari.” (Ruka 4:42) Asi Jesu akauya panyika kuti angoita zvishamiso zvekuporesa vanhu here? Uye ari kufanira kungoita basa rake muguta iri chete here? Anotii nezviri kufungwa nevanhu izvi?

Jesu anopindura vadzidzi vake achiti: “Ngatiendei kune imwe nzvimbo, mumataundi omumusha ari pedyo, kuti ndiparidze ikokowo, nokuti ndakauyira izvozvo.” Jesu anotoudza vanhu vari kuda kuti agare navo kuti: “Ndinofanirawo kuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari kune mamwe maguta, nokuti ndakatumirwa izvozvi.”—Mako 1:38; Ruka 4:43.

Izvi zvinonyatsoratidza kuti chikonzero chikuru chakaita kuti Jesu auye panyika ndechekuti aparidze nezveUmambo hwaMwari. Umambo ihwohwo huchatsvenesa zita raBaba vake uye huchapedza matambudziko evanhu zvachose. Zvishamiso zvekuporesa vanhu zvinoitwa naJesu, zvinonyatsoratidza kuti akatumwa naMwari. Mazana emakore akanga apfuura Mosesi akanga aitawo zvishamiso kuti aratidze kuti akanga atumwa naMwari.—Eksodho 4:1-9, 30, 31.

Saka Jesu anobva muKapenaume kuti anoparidza mune mamwe maguta, uye vadzidzi vake vana vanoenda naye. Vadzidzi ava ndiPetro nemunun’una wake Andreya uye Johani nemunun’una wake Jakobho. Pava nevhiki kubva pavakadanwa naJesu kuti vafambe naye pabasa rake.

Kutenderera kwaita Jesu nevadzidzi vake vana vachiparidza muGarireya kwabudirira zvikuru! Mbiri yake yasvika kure. ‘Mashoko ane chokuita naye anopararira muSiriya yose,’ mumaguta gumi anonzi Dhekaporisi, uye munzvimbo dziri mhiri kwaJodhani. (Mateu 4:24, 25) Vanhu vakawanda vemunzvimbo idzi nevemuJudhiya, vanotevera Jesu nevadzidzi vake. Vakawanda vanouya nevanhu vari kuda kuporeswa. Jesu haavaodzi mwoyo; anoporesa vanorwara uye anodzinga madhimoni.