Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 25

Jesu Anoitira Munhu Ane Maperembudzi Tsiye Nyoro

Jesu Anoitira Munhu Ane Maperembudzi Tsiye Nyoro

MATEU 8:1-4 MAKO 1:40-45 RUKA 5:12-16

  • JESU ANOPORESA MUNHU ANE MAPEREMBUDZI

Jesu nevadzidzi vake vana pavari kuparidza ‘mumasinagogi muGarireya yose,’ nyaya yezvishamiso zvaari kuita inosvika kure. (Mako 1:39) Shoko racho rinosvika mune rimwe guta rine murume ane maperembudzi. Chiremba Ruka anomutsanangura achiti “akanga akazara maperembudzi.” (Ruka 5:12) Kana chirwere ichi chakaipa chakomba, nhengo dzemunhu dzinodyika zvishoma nezvishoma.

Saka murume uyu ari kurwadziwa zvikuru nechirwere chaainacho uye anonzi anofanira kugara kure nevanhu. Anofanirawo kudaidzira kuti “Handina kuchena, handina kuchena” kana pakaita vanhu pedyo naye kuitira kuti vasatapukirwe. (Revhitiko 13:45, 46) Asi murume uyu anoita sei? Anosvika pedyo naJesu opfugama achiteterera achiti: “Ishe, kana muchida henyu, munogona kundichenesa.”—Mateu 8:2.

Murume uyu anotenda muna Jesu zvechokwadi! Uye anofanira kunge ari kusiririsa zvikuru nechirwere chaainacho. Jesu achaita sei? Kudai waivepo waiita sei? Achimunzwira tsitsi, Jesu anotambanudza ruoko rwake otobata murume wacho. Jesu anoti kwaari: “Ndinoda. Cheneswa.” (Mateu 8:3) Maperembudzi emurume uyu anobva angonyangarika kunyange zvazvo zvingasava nyore kuti vamwe vazvibvume.

Unonzwa sei nekuva namambo ane tsiye nyoro uye anokwanisa kubatsira vanhu saJesu? Mabatiro aanoita murume uyu ane maperembudzi anonyatsotiratidza kuti kana Jesu ava Mambo wenyika yose, uprofita uhwu hweBhaibheri huchazadziswa: “Achanzwira tsitsi munhu akaderera nomurombo, Uye achaponesa mweya yevarombo.” (Pisarema 72:13) Jesu achange ava kuzadzisa chido chake chekubatsira vanhu vose vanotambudzika.

Yeuka kuti Jesu asati atomboporesa murume uyu wemaperembudzi, vanhu vanga vari kufarira zvikuru ushumiri hwake. Ko kuzoti pavachanzwa nezvechishamiso ichi chaaita. Asi Jesu haasi kuda kuti vanhu vatende maari zvichibva pazvinhu zvavari kungonzwa. Anoziva uprofita hwekuti haazoshamisiri achiita kuti “inzwi rake rinzwike mumugwagwa.” (Isaya 42:1, 2) Saka Jesu anobva arayira murume waaporesa achiti: “Ona kuti hapana waunoudza, asi enda, uzviratidze kumupristi, upe chipo chakarayirwa naMosesi.”—Mateu 8:4.

Asi nemafariro ari kuita murume uyu kuti aporeswa, hazvishamisi kuti zvinomuomera kuzvichengeta mumwoyo. Anoenda achiparadzira nyaya yacho kwose kwose. Izvi zvinobva zvaita kuti vanhu vakawanda vade kuziva zvakawanda nezvaJesu, zvokuti Jesu haachatokwanisa kupinda mumaguta, saka anotomboita tumazuva achigara munzvimbo dzisingagari vanhu. Kunyange zvakadaro, vanhu vanobva kwose kwose vachiuya kuzodzidziswa nekuporeswa.