Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 27

Jesu Anodana Mateu

Jesu Anodana Mateu

MATEU 9:9-13 MAKO 2:13-17 RUKA 5:27-32

  • JESU ANODANA MATEU, MUTERESI

  • KRISTU ANOWADZANA NEVATADZI KUTI AVABATSIRE

Pashure pekuporesa murume wekuoma nhengo dzemuviri, Jesu anomboti garei muKapenaume mumahombekombe eGungwa reGarireya. Vanhu vakawanda vanouyazve kwaari, uye anotanga kuvadzidzisa. Paanozoenderera mberi achifamba, anoona Mateu uyo anonziwo Revhi, akagara pahofisi yemutero. Jesu anomuudza mashoko anofadza okuti: “Iva muteveri wangu.”—Mateu 9:9.

Mateu anofanira kunge ava kuziva nezvedzidziso dzaJesu nemabasa aaita munzvimbo iyi, sezvinongoita Petro, Andreya, Jakobho naJohani. Mateu anobva angobvuma kumutevera sezvakanga zvaitwa nevamwe vadzidzi ava vana. Mateu anotsanangura nyaya yacho muEvhangeri yake achiti: “Pakarepo akasimuka [iye Mateu wacho] akamutevera.” (Mateu 9:9) Saka Mateu anosiya basa rake semuteresi obva ava mudzidzi waJesu.

Mateu anozoita mabiko makuru kumba kwake, zvichida ekutenda Jesu nekumudana kwaakamuita. Kunze kwaJesu nevadzidzi vake ndivanaani vamwe vaanokoka? Vamwe vateresi vaimboshanda naMateu vanokokwawo. Vanoshandira hurumende inovengwa nevaJudha yeRoma, vachitora mitero yengarava dzinenge dzichisvika pazviteshi, yengoro dzevanhu vanenge vachifamba nemigwagwa mikuru, uye yezvinhu zvinenge zvabva kune dzimwe nyika. VaJudha vanowanzoona sei vateresi ivavo? Vanovavenga nekuti vanovabhadharisa mari yemitero yakawandisa kupfuura inofanira kubhadharwa. Pamabiko acho panewo ‘vatadzi’ vane mbiri yekuita zvinhu zvakaipa.—Ruka 7:37-39.

Vachiona Jesu ari pamabiko aya nevanhu vakadai, vaFarisi avo vaizviita vatsvene vanobvunza vadzidzi vaJesu kuti: “Nei mudzidzisi wenyu achidya nevateresi nevatadzi?” (Mateu 9:11) Achinzwa zvavari kutaura, Jesu anovapindura achiti: “Vanhu vakagwinya havadi chiremba, asi vanorwara vanomuda. Saka endai, mudzidze kuti izvi zvinorevei, ‘Ndinoda ngoni, kwete chibayiro.’ Nokuti handina kuuya kuzoshevedza vanhu vakarurama, asi vatadzi.” (Mateu 9:12, 13; Hosiya 6:6) VaFarisi havasi kurevesa pavari kuti “mudzidzisi” kuna Jesu, asi vanogona kutowana chidzidzo chakanaka kwaari.

Zviri pachena kuti Mateu adana vateresi nevatadzi kumba kwake kuti vateerere Jesu uye vabatsirwe kuziva Mwari, ‘nokuti vazhinji vavo vaimutevera.’ (Mako 2:15) Jesu ari kuda kuvabatsira kuti vave neukama hwakanaka naMwari. Kusiyana nevaFarisi vaizviita vatsvene, Jesu haazvidzi vatadzi ava. Tsiye nyoro nengoni dzake zvinoita kuti akwanise kubatsira vaya vasina ukama hwakanaka naMwari, sekubatsira kunoita chiremba varwere.

Jesu haasi kupembedza zvivi zvevateresi nevatadzi paari kuvaratidzira ngoni asi kuti ari kuvanzwira tsitsi sekunzwira tsitsi kwaanoita vaya vanorwara. Somuenzaniso, yeuka paya paakabata murume wemaperembudzi netsiye nyoro achiti, “Ndinoda. Cheneswa.” (Mateu 8:3) Hatingaedzewo here kuva nengoni dzakadaro, tobatsira vaya vanenge vachitambura, zvikurukuru pakuita kuti vave neukama hwakanaka naMwari?