Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 28

Nei Vadzidzi VaJesu Vasingatsanyi?

Nei Vadzidzi VaJesu Vasingatsanyi?

MATEU 9:14-17 MAKO 2:18-22 RUKA 5:33-39

  • VADZIDZI VAJOHANI VANOBVUNZA JESU NEZVEKUTSANYA

Johani Mubhabhatidzi achiri mujeri kubvira paakasungwa mazuva mashomanana pashure pekunge Jesu apinda Paseka ya30 C.E. Johani aida kuti vadzidzi vake vave vateveri vaJesu, asi havasi vose vakadaro mumwedzi iyi yaari mujeri.

Paseka ya31 C.E. yaswedera pedyo. Mumwe musi vamwe vadzidzi vaJohani vanouya kuna Jesu vobvunza kuti: “Nei isu nevaFarisi tiine tsika yokutsanya asi vadzidzi venyu vasingatsanyi.” (Mateu 9:14) VaFarisi vanoti kutsanya itsika inofanira kuitwa pakunamata. Pane imwe nguva Jesu anotozotaura nezvemumwe muFarisi aizviita mutsvene akanyengetera kuna Mwari achiti: “Haiwa Mwari, ndinokuongai kuti handina kufanana nevamwe vanhu vose . . . Ndinotsanya kaviri pavhiki.” (Ruka 18:11, 12) Vadzidzi vaJohani vanogona kunge vari kutsanyawo setsika. Kana kuti vari kutsanya vachichema kuti Johani ari mujeri. Saka pamwe vanhu vanoshaya kuti sei vadzidzi vaJesu vasiri kutsanyawo vachiratidza kurwadziwa nekusungwa kwaJohani.

Jesu anopindura nemuenzaniso achiti: “Shamwari dzomuroori dzine chikonzero chokuchema here chero bedzi muroori achiri nadzo? Asi mazuva achauya padzichatorerwa muroori, uye idzo dzichabva dzatsanya.”—Mateu 9:15.

Johani pachake akataura nezvaJesu achimuti muroori. (Johani 3:28, 29) Saka sezvo Jesu achiri mupenyu vadzidzi vake havatsanye. Jesu paanozofa, vadzidzi vake vachachema uye vachanzwa vasingadi kudya. Asi izvi zvinozochinja paanomutswa. Vanenge vasisina chikonzero chekutsanya vachichema.

Jesu anozotaura mienzaniso miviri: “Hapana munhu anosonera chigamba chejira idzva panguo yokunze tsaru; nokuti simba racho rose ringakweva nguo yacho yokunze, uye ingawedzera kubvaruka. Uyewo vanhu havaisi waini itsva muhombodo tsaru dzewaini; asi kana vakadaro, hombodo dzewaini dzinobva dzaparuka waini yorasika uye hombodo dzewaini dzoparara. Asi vanhu vanoisa waini itsva muhombodo itsva dzewaini.” (Mateu 9:16, 17) Jesu ari kurevei?

Jesu ari kubatsira vadzidzi vaJohani Mubhabhatidzi kunzwisisa kuti vateveri vaJesu havatarisirwi kutevedza tsika dzinoitwa pachitendero chechiJudha dzakadai sekutsanya. Haana kuuya kuzoisa zvigamba kuti kunamata kwasakara, kwava kutoda kuparara kurambe kuripo. Kunamata kuri kukurudzirwa naJesu hakusi kwechitendero chechiJudha netsika dzacho dzevanhu. Haasi kuedza kuisa chigamba chitsva panguo tsaru kana kuti waini itsva muhombodo tsaru yakakokonyara.