Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 31

Kutanha Hura Dzezviyo Pasabata

Kutanha Hura Dzezviyo Pasabata

MATEU 12:1-8 MAKO 2:23-28 RUKA 6:1-5

  • VADZIDZI VANOTANHA HURA DZEZVIYO PASABATA

  • JESU NDIYE “ISHE WESABATA”

Iye zvino Jesu nevadzidzi vake vanorwusimudzira nekuchamhembe vakananga kuGarireya. Muminda mune zviyo sezvo chiri chirimo. Nenzara vadzidzi vanotanha hura dzezviyo kuti vadye. Asi musi uyu iSabata, uye vanoonekwa nevaFarisi.

Yeuka kuti mazuva achangopfuura vamwe vaJudha vemuJerusarema vaida kuuraya Jesu, vachimupomera kuti atyora mutemo weSabata. Iye zvino vaFarisi vava kuda kumuwanira mhosva pane zvaitwa nevadzidzi vake. “Tarira! Vadzidzi vako vari kuita zvisingabvumirwi nomutemo kuti zviitwe pasabata.”—Mateu 12:2.

VaFarisi vanoti kutanha hura dzezviyo kuri kuitwa nevadzidzi nokudzitsokota mumaoko vachidya kwakafanana nekukohwa nekupura. (Eksodho 34:21) Sabata rakanga rakaisirwa kuti vanhu vafare uye vasimbiswe pakunamata asi zvinhu zvava kunzi nevaFarisi zvinorambidzwa paSabata zvinobva zvaita kuti vanhu vaomerwe nekurichengeta.Jesu anovaudza mienzaniso inoratidza kuti Jehovha haana kuronga kuti Sabata rake richengetwe zvakadaro.

Mumwe muenzaniso unotaurwa naJesu ndewaDhavhidhi nevarume vaaifamba navo. Mumwe musi vanzwa nzara, vakapfuura nepatebhenekeri vakadya zvingwa zvekuratidzira. Zvingwa izvozvo zvakanga zvatobviswa pamberi paJehovha zvichitsiviwa nezvimwe, zvaiwanzosiyirwa vapristi kuti vadye. Asi nemamiriro ezvinhu akanga aripo, Dhavhidhi nevamwe vake havana kupiwa mhosva yekuti vakadya chingwa ichi.—Revhitiko 24:5-9; 1 Samueri 21:1-6.

Jesu anotaura muenzaniso wechipiri achiti: “Hamuna kuverenga here muMutemo kuti pamasabata vapristi vari mutemberi vanoona sabata serisiri dzvene asi vachiramba vasina mhosva?” Ari kureva kuti kunyange paSabata, vapristi vaiuraya mhuka dzechibayiro nekuita mamwe mabasa patemberi. Jesu anoenderera mberi achiti: “Asi ndinokuudzai kuti chimwe chinhu chikuru kupfuura temberi chiri pano.”—Mateu 12:5, 6; Numeri 28:9.

Jesu anoshandisazve Magwaro kusimbisa zvaari kureva achiti: “Kudai makanga manzwisisa zvinorehwa neizvi, zvokuti, ‘Ndinoda ngoni, kwete chibayiro,’ mungadai musina kupa mhosva vasina mhosva.” Anopedzisa achiti: “Nokuti Mwanakomana womunhu ndiye Ishe wesabata.” Apa Jesu ari kureva kutonga kwaachaita muUmambo hwake kwemakore ane chiuru, nyika yose iine rugare.—Mateu 12:7, 8; Hosiya 6:6.

Vanhu vava nenguva vachingotambudzwa nekufondotswa sevaranda naSatani, uku mhirizhonga nehondo zvisingazivani. Izvi zvichange zvasiyana zvachose nezvichaitika panguva yeSabata guru rekutonga kwaKristu iro richaita kuti vanhu vanyatsowana zororo ravari kurwarira!