Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 35

Mharidzo Yepagomo Yakakurumbira

Mharidzo Yepagomo Yakakurumbira

MATEU 5:1–7:29 RUKA 6:17-49

  • MHARIDZO YEPAGOMO

Jesu anofanira kunge aneta pashure pokurara achinyengetera ndokuzosarudza vadzidzi 12 kuti vave vaapostora. Asi kunyange zvakadaro achine simba nechido chokubatsira vanhu. Izvi ndizvo zvaanoita mujinga megomo muGarireya, zvichida pedyo nekuKapenaume kwaanowanzoparidzira.

Vanhu vakawanda vauya kwaari vachibva kunzvimbo dziri kure. Vamwe vari kubva kunzvimbo dziri kumaodzanyemba, kuJerusarema uye kuJudhiya. Vamwe vari kubva kumaguta eTire neSidhoni ari mumhenderekedzo yegungwa, kuchamhembe kwakadziva kumavirira. Vavingei kuna Jesu? ‘Kuzomunzwa nokuporeswa zvirwere zvavo.’ Izvozvo ndizvo zvinoitikawo, nokuti Jesu ari ‘kuvaporesa vose.’ Pafunge! Vose vari kurwara vanoporeswa. Jesu anobatsirawo “vaya va[no]netswa nemidzimu isina kuchena,” ngirozi dzaSatani dzakaipa.—Ruka 6:17-19.

Jesu anozowana nzvimbo yakati sandara mujinga megomo, vanhu vazhinji vauya kwaari voungana ipapo. Pamwe vadzidzi vake, zvikurukuru vaapostora, ndivo vakagara pedyo pedyo naye. Vanhu vose vane chido chokunzwa mudzidzisi uyu anoita zvishamiso zvakadaro. Mharidzo inopiwa naJesu inobatsira vateereri vake zvechokwadi. Kubvira ipapo vamwe vanhu vakawanda vakabatsirwa nemharidzo iyi. Isuwo inogona kutibatsira, nokuti ine chokwadi chaMwari chakadzama asi chinotaurwa nenzira iri nyore, yakajeka. Jesu anotaura nezvezvinhu zvinongozivikanwa nemunhu wose. Izvi zvinoita kuti zvaanotaura zvinzwisiswe nemunhu wose ari kutsvaka humwe upenyu huri nani munzira yaMwari. Ipfungwa dzipi dzinokosha dziri mumharidzo yaJesu?

NDIVANAANI VANOFARA ZVECHOKWADI?

Hapana asingadi kufara. Achiziva izvi, Jesu anotanga nokutsanangura kuti vanhu vanonzi vanofara vanenge vakaita sei. Vateereri vake vanobva vanyatsoteya nzeve. Asi pane zvimwe zvinofanira kuvashamisa.

Anoti: “Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu, nokuti umambo hwokumatenga ndohwavo. Vanofara vaya vanochema, nokuti vachanyaradzwa. . . . Vanofara vaya vane nzara nenyota yokururama, nokuti vachagutiswa. . . . Vanofara vaya vakatambudzwa nokuda kwokururama, nokuti umambo hwokumatenga ndohwavo. Munofara imi kana vanhu vachikuzvidzai nokukutambudzai . . . nokuda kwangu. Farai musvetuke nomufaro.”—Mateu 5:3-12.

‘Kufara’ kuri kutaurwa naJesu ndekupi? Haasi kutaura kufara sekuya kunoita munhu ari pamafaro kana kuti ari kunakirwa neupenyu. Mufaro wechokwadi wakadzama. Unosanganisira kugutsikana kwechokwadi muupenyu.

Jesu anoti vanofara ndevaya vanoziva kuti vanoda kutungamirirwa naMwari, vanosuwa nokuti vane chivi, uye vanosvika pakuziva Mwari vomushumira. Kunyange kana vakavengwa nokutambudzwa nokuti vari kuita kuda kwaMwari, vanofara nokuti vari kumufadza uye nokuti achavapa mubayiro weupenyu husingaperi.

Asi vanhu vakawanda vanofunga kuti kupfuma uye kutevedza mafaro ndizvo zvinoita kuti munhu afare. Zvinotaurwa naJesu zvinofanira kuita kuti vateereri vake vafungisise. Anotaura zvakatosiyana nezvavanofunga achiti: “Mune nhamo imi vapfumi, nokuti muri kuwana kunyaradzwa kwenyu zvakakwana. Mune nhamo imi makaguta iye zvino, nokuti muchava nenzara. Mune nhamo, imi munoseka iye zvino, nokuti muchachema nokusvimha misodzi. Mune nhamo, pose apo vanhu vose vanotaura zvakanaka nezvenyu, nokuti zvinhu zvakadai ndizvo zvakaita madzitateguru avo kuvaprofita venhema.”—Ruka 6:24-26.

Ko munhu anganzi ane nhamo sei kana aine pfuma, achiseka achizvifarira hake, uye achirumbidzwa nevamwe? Ane nhamo pakuti kukoshesa zvinhu izvi kunowanzoita kuti munhu arege kushumira Mwari orasikirwa nomufaro wechokwadi. Jesu haasi kureva kuti kungova murombo kana kuti kungonzwa nzara kunoita kuti munhu afare. Asi kazhinji munhu anoshayiwa ndiye anowanzoteerera zvinodzidziswa naJesu uye ndiye anokomborerwa nekuwana mufaro wechokwadi.

Achifunga nezvevadzidzi vake, Jesu anoti: “Imi muri munyu wenyika.” (Mateu 5:13) Haasi kureva hake kuti ivo munyu chaiwo. Chiripo ndechokuti munyu unoshandiswa kuchengetedza zvinhu kuti zvisashata. Mutemberi yaMwari pedyo neatari panochengetwa murwi wemunyu unoshandiswa kurunga zvibayiro. Unofananidzirawo kusaora. (Revhitiko 2:13; Ezekieri 43:23, 24) Vadzidzi vaJesu “munyu wenyika” pakuti zvavanoita zvinoita kuti vanhu vachengetedze ukama hwavo naMwari uye tsika dzavo dzisaora. Izvi zvinoreva kuti shoko ravo rinochengetedza upenyu hwevanhu vose vanoriteerera.

Jesu anoudzawo vadzidzi vake kuti: “Muri chiedza chenyika.” Chiedza hachikwidibirwi nedengu asi chinoiswa pakakwirira kuti chivhenekere vanhu. Saka Jesu anovakurudzira achiti: “Chiedza chenyu ngachivheneke pamberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka uye vakudze Baba venyu vari kumatenga.”—Mateu 5:14-16.

MAONERO ANOFANIRA KUITA VATEVERI VAKE MUTEMO

Vatungamiriri vechitendero vechiJudha vanoona sokunge Jesu anotyora Mutemo waMwari zvokuti vakarangana kumuuraya nguva pfupi yadarika. Saka Jesu anotaura pachena kuti: “Musafunga kuti ndakauya kuzoparadza Mutemo kana kuti Zvakanyorwa nevaprofita. Handina kuuya kuzoparadza, asi kuzozadzisa.”—Mateu 5:17.

Mashoko aJesu anoratidza kuti anoremekedza zvikuru Mutemo waMwari uye anokurudzira vamwe kuti vadarowo. Anotowedzera kuti: “Naizvozvo, munhu wose anoputsa mumwe wemirayiro iyi miduku pane yose uye akadzidzisa vanhu kuita izvozvo, achanzi ‘muduku pane vose’ kana toreva nezvoumambo hwokumatenga.” Ari kureva kuti munhu akadaro haatombopindi muUmambo zvachose. Anoenderera mberi achiti: “Asi munhu anoita zvainotaura oidzidzisa, iyeyu achanzi ‘mukuru’ kana toreva nezvoumambo hwokumatenga.”—Mateu 5:19.

Jesu anotoshora zvacho zvinoita kuti munhu azotyora Mutemo waMwari. Ataura kuti Mutemo unoti “Usaponda,” Jesu anowedzera kuti: “Munhu wose anoramba akatsamwira hama yake achazvidavirira kudare rinotonga.” (Mateu 5:21, 22) Kuramba wakatsamwira hama yako kwakaipa zvokuti kunogona kupedzisira kwaita kuti umuponde. Saka Jesu anotsanangura kukosha kwazvakaita kuti munhu agadzirise kusawirirana achiti: “Kana uchiuya nechipo chako kuatari wobva wayeuka uri ikoko kuti hama yako ine chigumbu newe, siya chipo chako ipapo pamberi peatari, woenda; tanga waita kuti uve norugare nehama yako, uye kana wadzoka, ipa chipo chako.”—Mateu 5:23, 24.

Mutemo unorambidzawo upombwe. Jesu anoti: “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Usaita upombwe.’ Asi ini ndinoti kwamuri, munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.” (Mateu 5:27, 28) Jesu haasi kutaura nezvekapfungwa kekuita zvakaipa kanongopfuura, asi ari kuratidza kuipa kwakaita nyaya iyi kana munhu ‘akaramba akatarira.’ Kana munhu akaramba akatarira anopedzisira aita ruchiva. Pakazomuka mukana anogona kuita upombwe. Munhu angaita sei kuti izvi zvisaitike? Angatofanira kuzviomesera. Jesu anoti: “Zvino kana ziso rako rokurudyi iroro richiita kuti ugumburwe, ribvise urirasire kure newe. . . . Kana ruoko rwako rworudyi ruchiita kuti ugumburwe, rugure ururasire kure newe.”—Mateu 5:29, 30.

Vamwe vanhu vakatobvuma kudimburwa ruoko kana kuti gumbo kuti vachengetedze upenyu. Regai Jesu azoti zvakatonyanya kukosha ‘kurasira kure’ kunyange nhengo inokosha yakadai seziso kana kuti ruoko kuitira kuti munhu asatombofunga zvinoita kuti azoita zvakaipa. Jesu anotsanangura kuti, “Zvinokubatsira kwazvo kuti urasikirwe hako neimwe nhengo yako pane kuti muviri wako wose ukandwe muGehena” kureva nzvimbo inorasirwa marara inogara ichipfuta moto iri kunze kwemasvingo eJerusarema, inofananidzira kuparadzwa nekusingaperi.

Jesu anotaurawo zvekuita nevanhu vanotsvaga muromo uye vanodenha. Anoti, “Musadzivisa munhu akaipa; asi munhu wose anokurova nembama padama rako rokurudyi, umupewo rimwe racho.” (Mateu 5:39) Izvi hazvisi kureva kuti munhu haakwanise kuzvidzivirira kana kuti kudzivirira mhuri yake. Jesu anotaura nezvekurova mbama, uko kusingaitirwe kukuvadza munhu kana kuuraya, asi kudenha. Ari kuti kana mumwe munhu akakudenha nekukurova mbama kana kuti nekukutuka achida kuti murwe kana kuti mupopotedzane, usadzorere.

Zano iri rinoenderana nemutemo waMwari wokuda muvakidzani. Saka Jesu anoudza vateereri vake kuti: “Rambai muchida vavengi venyu uye muchinyengeterera vaya vanokutambudzai.” Anovaudza chikonzero chikuru chokuti vadaro achiti: “Kuti muve vanakomana vaBaba venyu vari kumatenga, nokuti vanoita kuti zuva ravo ribudire vanhu vakaipa nevakanaka uye vachiita kuti kunaye pavanhu vakarurama nevasina kururama.”—Mateu 5:44, 45.

Jesu anopa pfupiso yemashoko aataura pachikamu ichi chemharidzo yake achiti: “Naizvozvo ivai vakakwana, nokuti Baba venyu vokudenga vakakwana.” (Mateu 5:48) Zviri pachena kuti haasi kureva kuti vanhu vanokwanisa kunyatsova vakakwana. Asi kana tikatevedzera Mwari, rudo rwedu runogona kuwedzera kusvika pakuda vavengi vedu. Achitaura pfungwa iyi nemamwe mashoko akati: “Rambai muchiva nengoni, sezvo Baba venyu vaine ngoni.”—Ruka 6:36.

KUNYENGETERA UYE KUVIMBA NAMWARI

Jesu anoenderera mberi nemharidzo yake achikurudzira vateereri vake kuti: “Chenjerai kuti murege kuita zvakarurama pamberi pevanhu kuti muonekwe navo.” Jesu anoshora vanhu vanonyengera vachida kunzi vanonamata achiti: “Paunopa varombo zvipo uchivanzwira ngoni, usaridza bhosvo pamberi pako, sezvinoita vanyengeri.” (Mateu 6:1, 2) Kana munhu achida kupa chipo, zvakanaka kuti azviite zvisingazivikanwe nevamwe.

Jesu anozoti: “Pamunonyengetera, musava sevanyengeri; nokuti ivo vanoda kunyengetera vakamira mumasinagogi nepamharadzano dzenzira dzakafara kuti vaonekwe nevanhu.” Asi anokurudzira kuti: “Iwe paunonyengetera, pinda muimba yako uye, kana wavhara suo rako, nyengetera kuna Baba vako vari pakavanda.” (Mateu 6:5, 6) Jesu haasi kurambidza kuti vanhu vape minyengetero paruzhinji, nekuti iye wacho akambonyengetera paruzhinji. Ari kushora minyengetero yekutsvaga kufadza vanhu uye kurumbidzwa.

Anoudza vanhu varipo zano rokuti: “Paunenge uchinyengetera, usadzokorora-dzokorora zvinhu zvakafanana, sezvinoita vanhu vemamwe marudzi.” (Mateu 6:7) Jesu haasi kureva kuti zvakaipa kuti munhu arambe achinyengeterera nyaya imwe chete. Ari kuramba nyaya yekudzidzira munyengetero nemusoro wozogara ‘uchidzokororwa-dzokororwa.’ Anobva ataura munyengetero unobatsira vanhu kuziva zvinhu zvekunyengeterera une zvikumbiro zvinomwe. Anotanga nekutaura zvikumbiro zvitatu zvinosimbisa kodzero yaMwari yekutonga uye chinangwa chake zvinoti, kutsveneswa kwezita rake, kuuya kweUmambo hwake, uye kuti kuda kwake kuitwe. Nyaya idzi ndidzo dzinofanira kutanga dzanyengetererwa tozotaurawo zvimwe zvinhu zvakadai sezvokudya zvedu zvezuva nezuva, kuti tiregererwe zvivi zvedu, kuti tisaedzwe kupfuura zvatinokwanisa kutsungirira uye kuti tidzivirirwe pane akaipa.

Tinofanira kukoshesa pfuma zvakadini? Jesu anoudza vanhu vakamuunganira kuti: “Regai kuzviunganidzira pfuma panyika, pane chitemamachira nengura zvinodya, uye pane mbavha dzinopaza dzoba.” Mashoko aya ane musoro nekuti ndizvo zvinoitikawo zvechokwadi. Pfuma yepanyika inoparara, uye kuva nayo hakuite kuti tifarirwe naMwari. Saka Jesu anobva ati: “Zviunganidzirei pfuma kudenga.” Tinogona kuita izvi nekuita kuti basa raMwari rive pekutanga muupenyu. Hapana munhu anogona kutibira ukama hwedu naMwari kana kuti mubayiro weupenyu husingaperi. Jesu akareva paakati, “Pane pfuma yako, ndipowo pachava nomwoyo wako.”—Mateu 6:19-21.

Achisimbisa pfungwa iyi, Jesu anotaura mufananidzo wokuti: “Rambi romuviri iziso. Zvino, kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchava wakajeka; asi kana ziso rako rakaipa, muviri wako wose uchava nerima.” (Mateu 6:22, 23) Kana ziso redu richishanda zvakanaka, rinenge rakaita serambi rinovheneka muviri wedu. Asi kuti zvidaro, ziso redu rinofanira kuva pachinhu chimwe chete; tikasadaro tinopedzisira tava kuona upenyu zvisizvo. Kana ziso redu riri papfuma, kwete pakunamata Mwari, ‘muviri wedu wose uchava rima,’ topedzisira tava kufarira zvinhu zvisina kutsarukana kana kuti mabasa erima.

Jesu anobva ataura muenzaniso une simba achiti: “Hapana munhu anogona kushandira vanatenzi vaviri; nokuti zvimwe achavenga mumwe oda mumwe wacho, kana kuti achaomerera kune mumwe ozvidza mumwe wacho. Hamungagoni kushandira Mwari pamwe chete nePfuma.”—Mateu 6:24.

Vamwe vateereri vaJesu vanogona kunge vava kunetseka kuti vanofanira kuona sei nyaya yekutsvaga zvinhu zvekurarama nazvo. Saka anovavimbisa kuti havafaniri havo kunetseka chero bedzi vachiisa basa raMwari pekutanga. “Nyatsocherechedzai shiri dzokudenga, nokuti hadzidyari mbeu kana kukohwa kana kuunganidza mumatura; asi Baba venyu vokudenga vanodzipa zvokudya.”—Mateu 6:26.

Ko maruva emusango avari kutoona mugomo imomo? Jesu anotaura kuti “kunyange naSoromoni mukubwinya kwake kwose haana kushonga serimwe reaya.” Izvi zvinoratidzei? “Kana Mwari achipfekedza zvinomera zvomusango saizvozvo, zviripo nhasi uye mangwana zvinokandwa muchoto, haangatokupfekedzei kwazvo here?” (Mateu 6:29, 30) Jesu anopa zano reuchenjeri achiti: “Musambozvidya mwoyo muchiti, ‘Tichadyeiko?’ kana, ‘Tichanweiko?’ kana, ‘Tichapfekeiko?’ . . . Nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoda zvinhu zvose izvi. Saka, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.”—Mateu 6:31-33.

MAWANIRO ANGAITA MUNHU UPENYU

Vaapostora nevamwe vane chido chokunamata vari kuda kurarama nenzira inofadza Mwari, asi tichitarisa mamiriro avo ezvinhu, izvi hazvisi nyore. Somuenzaniso vaFarisi vakawanda, vanongoshora-shora vamwe, nekuvatsvagira mhosva. Saka Jesu anokurudzira vateereri vake kuti: “Regai kutonga kuti murege kutongwawo; nokuti nokutonga kwamuri kutonga nako, muchatongwawo nako.”—Mateu 7:1, 2.

Kutungamirirwa nevaFarisi vanongoshora zvose zvose kune ngozi, sezvinobudiswa mumufananidzo waJesu paanoti: “Bofu ringagona kutungamirira bofu here? Ose ari maviri haangawiri mugomba here?” Saka vateereri vaJesu vanofanira kuona sei vamwe? Havafaniri kutonga vamwe nekuti iyoyo imhosva yakakura. Anobvunza kuti: “Ungati sei kuhama yako, ‘Hama, rega ndibvise kabanzu kari muziso rako,’ asi iwe usingatariri danda riri muziso rako iro? Munyengeri! Tanga wabvisa danda riri muziso rako, ipapo uchanyatsoona mabvisiro aungaita kabanzu kari muziso rehama yako.”—Ruka 6:39-42.

Izvi hazvirevi hazvo kuti vadzidzi vaJesu vanongoti zvese zvese zvakanaka. “Musapa imbwa zvinhu zvitsvene, kana kukanda maparera enyu pamberi penguruve,” anodaro. (Mateu 7:6) Chokwadi chiri muShoko raMwari chinokosha, semaparera. Kana vamwe vanhu vachiita semhuka, vachiratidza kuti havakoshese chokwadi ichi chinokosha, vadzidzi vanofanira kusiyana navo votsvaka vaya vanoda kuteerera.

Achidzoka panyaya yekunyengetera, Jesu anosimbisa pfungwa yekuti munhu asanete. “Rambai muchikumbira, uye muchapiwa.” Mwari akagadzirira kupindura minyengetero sezvinoratidzwa mumubvunzo waJesu wekuti: “Ndiani pakati penyu angakumbirwa chingwa nomwanakomana wake iye omutambidza dombo? . . . Naizvozvo, kana imi, kunyange makaipa, muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kumatenga vachapa zvikuru sei zvinhu zvakanaka kune vaya vanovakumbira!”—Mateu 7:7-11.

Jesu anozotaura mashoko azokurumbira zvikuru panyaya yemabatiro atinofanira kuita vamwe achiti: “Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.” Hatifanirewo here kufungisisa kurudziro iyi toishandisa pakugarisana kwatinoita nevamwe? Zvisinei, izvi zvinogona kusava nyore, sezvinoratidzwa nemashoko aJesu okuti: “Pindai nepagedhi rakamanikana; nokuti mugwagwa wakafara uye wakapamhama unoenda mukuparadzwa, uye vazhinji ndivo vanopinda nawo; asi gedhi rakamanikana uye mugwagwa wakatetepa unoenda kuupenyu, uye vashomanana ndivo vanouwana.”—Mateu 7:12-14.

Panewo vamwe vachaedza kutsausa vadzidzi panzira inowanisa upenyu, saka Jesu anonyevera kuti: “Chenjererai vaprofita venhema vanouya kwamuri vakapfeka nguo dzemakwai, asi mukati vari mhumhi dzinoparadza.” (Mateu 7:15) Jesu anotaura kuti miti yakanaka neyakaipa inoonekwa nezvibereko zvayo. Ndizvo zvazviriwo nevanhu. Saka tinogona kuziva vaprofita venhema nedzidziso dzavo nemabasa. Jesu anotsanangura kuti munhu haakodzere kuva mudzidzi nezvaanotaura chete asiwo nezvaanoita. Ko vaya vanoti Jesu ndiIshe wavo, asi ivo vasiri kuita kuda kwaMwari? Jesu anoti: “Ndichabva ndavataurira pachena kuti: Handina kumbokuzivai! Ibvai kwandiri, imi vasingateereri mutemo.”—Mateu 7:23.

Achipedzisa mharidzo yake, Jesu anotaura kuti: “Munhu wose anonzwa mashoko angu aya akaaita achafananidzwa nomurume akangwara, akavakira imba yake padombo guru. Mvura yakanaya nesimba, mafashamo akauya, mhepo ikavhuvhuta, ikarova imba iyoyo nesimba, asi haina kuwa, nokuti yakanga yavakirwa padombo guru.” (Mateu 7:24, 25) Chii chakaita kuti imba yacho irambe yakamira? Nekuti murume wacho “akachera, akadzika pasi chaipo, akaisa nheyo padombo guru.” (Ruka 6:48) Saka hatigumire pakungoteerera mashoko aJesu chete. Tinofanira kutoshanda nesimba ‘kuti tiaite.’

Ko uya ‘anonzwa mashoko aya’ asi “asingaaiti”? Akafanana “nomurume akapusa, akavakira imba yake pajecha.” (Mateu 7:26) Imba yakadaro inowondomoka kana kukanaya mvura, kukaita mafashamo, kana kuti mhepo.

Vanhu vakaungana vanoshamiswa nemadzidzisiro aitwa naJesu mumharidzo iyi. Anodzidzisa semunhu ane chiremera kwete sevatungamiriri vezvitendero. Zvimwe vakawanda vevanhu vanga vakamuteerera vanova vadzidzi vake.