Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 36

Mukuru Weuto Anoratidza Kutenda Kwakakura

Mukuru Weuto Anoratidza Kutenda Kwakakura

MATEU 8:5-13 RUKA 7:1-10

  • MURANDA WEMUKURU WEUTO ANOPORESWA

  • VAYA VANE KUTENDA VACHAKOMBORERWA

Apedza mharidzo yake yepagomo, Jesu anoenda kuguta reKapenaume. Asvika ikoko, vamwe vakuru vechiJudha vanouya kwaari.Vatumwa nemumwe murume asiri muJudha, mukuru weuto reRoma.

Muranda wemukuru weuto uyu waanoda zvikuru ari kurwara zvekuda kufa. Kunyange zvazvo mukuru weuto uyu asiri muJudha, ari kuda kuti Jesu amubatsire. VaJudha vacho vanoudza Jesu kuti muranda wacho ‘akarara mumba nekuti akaoma rutivi rwomuviri, achitambudzika kwazvo,’ zvimwe nekurwadziwa kwaari kuita. (Mateu 8:6) VaJudha ava vanotaura zvakanaka nezvemukuru uyu weuto kuna Jesu vachiti: “Akakodzera kuti mumuitire izvi, nokuti anoda rudzi rwedu uye iye akativakira sinagogi.”—Ruka 7:4, 5.

Jesu anobva asimuka nevakuru vechiJudha vakananga kumba kwemukuru weuto. Pavanosvika pedyo mukuru weuto anotumira shamwari dzake neshoko rokuti: “Changamire, musanetseka zvenyu, nokuti handina kukodzera kuti mupinde pasi pedenga reimba yangu. Saka handina kufunga kuti ndakakodzera kuuya kwamuri.” (Ruka 7:6, 7) Kana tikafunga kuti murume uyu ajaira kuudza vanhu zvekuita, tinoona kuti azvininipisa zvechokwadi! Uye zvinobva zvaratidza kusiyana kwaakaita nevamwe vaRoma vanobata varanda zvisina kunaka.—Mateu 8:9.

Mukuru weuto uyu anofanira kunge achitoziva kuti vaJudha havadi kufambidzana nevanhu vasiri verudzi rwavo. (Mabasa 10:28) Zvimwe ndosaka akumbira shamwari dzake kuti dzikurudzire Jesu dzichiti: “Taurai henyu shoko, muite kuti mushandi wangu aporeswe.”—Ruka 7:7.

Jesu anoshamiswa paanonzwa izvi obva ati: “Ndinokuudzai kuti, Handina kuwana kutenda kwakakura kudai kunyange pakati paIsraeri.” (Ruka 7:9) Shamwari dzemukuru weuto padzinodzokera kumba dzinowana muranda anga achirwara apora.

Aporesa murume uyu, Jesu anobva ashandisa mukana wacho kuratidza kuti vanhu vasiri vaJudha vane kutenda vachakomborerwa achiti: “Vazhinji vanobva kumativi okumabvazuva nokumativi okumavirira vachauya votsenhama patafura naAbrahamu naIsaka naJakobho muumambo hwokumatenga.” Ko vaJudha vasina kutenda? Jesu anoti “vachakandwa murima riri kunze. Imomo ndimo mavachasvimha misodzi vari nokugeda-geda mazino avo.”—Mateu 8:11, 12.

Saka vaJudha vasingagamuchiri mukana wavatanga kupiwa wekuva muUmambo naKristu vacharambwa. Asi vasiri vaJudha vachaita sevagamuchirwa kuti vagare patafura yake, “muumambo hwokumatenga.”