Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 37

Jesu Anomutsa Mwanakomana Weimwe Chirikadzi

Jesu Anomutsa Mwanakomana Weimwe Chirikadzi

RUKA 7:11-17

  • KUMUTSA MUNHU MUGUTA RENAINI

Achangobva kuporesa muranda wemukuru weuto, Jesu anobva muKapenaume akananga kuNaini iyo iri nechekuchamhembe kwakadziva kumavirira, mufambo wemakiromita anopfuura 32. Haasi ega. Ari kufamba nevadzidzi vake nevamwe vanhu vakawanda. Vanosvika pedyo neNaini zvichida zuva rorereka. Vanosangana nemudungwe wevaJudha vari kuenda kunoviga munhu. Vakatakura chitunha chemumwe mukomana vachienda kunze kweguta kunochiviga.

Vari kurwadziwa kupfuura vamwe vose ndimai vemukomana uyu. Ichirikadzi, apa mwanakomana wavo mumwe chete ashaya. Pakafa murume wavo, vakanga vachitotiwo mwana uyu ndiye achavanyaradza. Chimbofungidzira kuti vaimuda zvakadini, nokuti paari ndipo paitova neziso ravo vachitoti ndiye achavachengeta. Apa abva afawo. Zvino zvaafa vachasara naani uye ndiani achavachengeta?

Paanoona mukadzi uyu, Jesu anorwadziwa zvikuru nekuchema kwaari kuita uye nhamo yaatarisana nayo. Achitaura zvinyoronyoro asi zvinoita kuti mukadzi uyu ave nechivimbo, Jesu anoti: “Rega kusvimha misodzi.” Asi haagumiri ipapo. Anosvika pedyo obata hwanyanza yakatakura chitunha. (Ruka 7:13, 14) Maitiro aanozviita anobva aita kuti vanhu vari kuchema vamire kufamba. Vanofanira kunge vari kuzvibvunza kuti, ‘Ari kurevei uye ari kuda kumboiteiko?’

Ko vaya vari kufamba naJesu vakatoona achiita zvishamiso, achirapa zvirwere zvakawanda, vari kufungei? Havasati vamboona Jesu achimutsa munhu akafa. Kunyange zvazvo kare kare kwakambomutswa vanhu, Jesu angazviita here? (1 Madzimambo 17:17-23; 2 Madzimambo 4:32-37) Jesu anoti kumukomana wacho akafa: “Jaya, ndinoti kwauri, Muka!” (Ruka 7:14) Uye ndizvo zvinobva zvaitika. Mukomana wacho anomuka ogara otanga kutaura! Jesu anopa amai mwana wavo avo vari kushamiswa nezvaitika asi vachifara zvekufara zviya. Kusurukirwa kuya kwapera.

Vanhu pavanoona kuti mukomana uyu ava mupenyu zvechokwadi, vanorumbidza Jehovha uyo anopa upenyu vachiti: “Muprofita mukuru amutswa pakati pedu.” Vamwe vanobva vanzwisisa kuti zvaitwa naJesu zvinorevei voti: “Mwari afunga vanhu vake.” (Ruka 7:16) Mashoko echishamiso ichi anopararira munzvimbo dzakapoteredza uye zvichida kutosvika kumusha kwaJesu kuNazareta, kure nemakiromita 10. Nyaya yacho inotosvika nekumaodzanyemba kuJudhiya.

Johani Mubhabhatidzi achiri mujeri, uye ane shungu dzekunzwa nezvemabasa ari kuitwa naJesu. Vadzidzi vaJohani vanomuudza nezvezvishamiso izvi. Anoita sei paanonzwa nezvazvo?