Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 42

Jesu Anotuka Vafarisi

Jesu Anotuka Vafarisi

MATEU 12:33-50 MAKO 3:31-35 RUKA 8:19-21

  • JESU ANOTAURA ‘NEZVECHIRATIDZO CHAJONA’

  • VADZIDZI VANE UKAMA HWAKASIMBA NAJESU KUPFUURA VEMUMHURI YAKE

Kuramba kuri kuita vanyori nevaFarisi kuti Jesu ari kudzinga madhimoni nesimba raMwari, kuchaita kuti vamhure mudzimu mutsvene. Saka vachatsigira ani, Mwari here kana kuti Satani? Jesu anovaudza kuti kana ‘vakaita kuti muti uve wakanaka zvibereko zvawo zvichava zvakanaka asi vakaita kuti muti uve wakaora zvibereko zvawo zvichava zvakaora, nokuti muti unozivikanwa nezvibereko zvawo.’—Mateu 12:33.

Hupenzi chaihwo kufunga kuti zvibereko zvakanaka zvekudzinga madhimoni zviri kubva pakuti Jesu ari kushumira Satani. Sezvakataurwa naJesu muMharidzo yepaGomo, kana muchero wakanaka, muti wacho unenge wakanakawo, usina kuora. Saka vaFarisi vari kuratidza kuti ivo muchero werudzii nekupomera kwavari kuita Jesu zvisina musoro? Vari kuratidza kuti michero yakaora. Jesu anovaudza kuti: “Vana venyoka, munogona sei kutaura zvinhu zvakanaka, asi imi makaipa? Nokuti muromo unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo.”—Mateu 7:16, 17; 12:34.

Ndizvo zvazviri zvechokwadi kuti mashoko edu anoratidza zvakaita mwoyo yedu uye ndiwo anoshandiswa pakutitonga. Ndosaka Jesu achizoti: “Ndinokuudzai kuti shoko rose risingabatsiri rinotaurwa nevanhu, vachazvidavirira pamusoro paro paZuva Rokutongwa; nokuti uchanzi wakarurama nemashoko ako, uye uchapiwa mhosva nemashoko ako.”—Mateu 12:36, 37.

Pasinei nezvishamiso zviri kuitwa naJesu, vanyori nevaFarisi havagutsikani, saka vanoti: “Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo chinobva kwamuri.” Vangava vakaona achiita zvishamiso kana kuti vasina, pane vanhu vakawanda vakazviona vari kupupurira zvaari kuita. Saka Jesu anoudza vatungamiriri ivavo vechiJudha kuti: “Chizvarwa chakaipa nechoupombwe chinoramba chichitsvaka chiratidzo, asi hapana chiratidzo chachichapiwa kunze kwechiratidzo chomuprofita Jona.”—Mateu 12:38, 39.

Jesu anovatsanangurira zvaari kureva achiti: “Nokuti Jona zvaakanga ari mudumbu rehove huru kwemazuva matatu nousiku hutatu, naizvozvo Mwanakomana womunhu achava mumwoyo wenyika kwemazuva matatu nousiku hutatu.” Kubudiswa kwakaitwa Jona mudumbu rehove huru yakanga yamumedza kwakanga kwakafanana nekumutswa kuvakafa. Saka Jesu ari kutaura kuti achafa uye achamutswa nezuva rechitatu. Pazvinozoitika, vatungamiriri vechiJudha vanoramba ‘chiratidzo chaJona,’ pavanoratidza kuti havadi kutendeuka nekuchinja nzira dzavo. (Mateu 27:63-66; 28:12-15) Asi “vanhu vomuNinivhi” vakapfidza pavakaparidzirwa naJona. Saka vachapa chizvarwa ichi mhosva. Jesu anotaurawo kuti zvakanaka zvakaitwa namambokadzi weShebha zvichaita kuti naiyewo avashore. Aida chaizvo kunzwa uchenjeri hwaSoromoni uye akashamiswa nahwo zvikuru. Asi Jesu anoti, “mumwe munhu anopfuura Soromoni ari pano.”—Mateu 12:40-42.

Jesu anofananidza chizvarwa ichi chakaipa nemurume anga aine dhimoni asi rozobuda. (Mateu 12:45) Sezvo murume uyu asingazoite zvinhu zvakanaka pashure pokunge dhimoni riya rabuda, dhimoni racho rinodzoka paari rava nemamwe manomwe akatoipa kuripfuura. Kufanana nemurume iyeye akabudiswa dhimoni, vaIsraeri vakanga vacheneswawo uye vakanga vachinja mararamiro avo. Asi rudzi rwacho rwakaramba vaprofita vaMwari, zvokutosvika pakuzoramba Jesu, uyo ari kuratidza pachena kuti ane mudzimu waMwari. Izvi zvinoratidza kuti rudzi urwu rwatoipa kupfuura zvarwaiva pakutanga.

Jesu ari pakati pekutaura, amai vake nevanun’una vake vanosvika vomira nechekunze. Vamwe vakagara pedyo naye vanoti: “Amai vako nevanun’una vako vamire panze, vanoda kukuona.” Jesu anobva aratidza kuti anokoshesa sei vadzidzi vake, avo vaanotora sevakoma, vanun’una, hanzvadzi uye vana amai. Achitambanudza ruoko rwake kuvadzidzi vake, anoti: “Amai vangu nevanun’una vangu ndivo ava vanonzwa shoko raMwari voriita.” (Ruka 8:20, 21) Saka apa ari kuratidza kuti pasinei nekukosha kwakaita ukama huri pakati pake nehama dzake, ukama hwaainahwo nevadzidzi vake hwakatonyanya kukosha. Zvinonyaradza zvikuru kuva neukama hwakadaro nevanhu vatinonamata navo, zvikurukuru kana pakaita vanhu vanotishora nemabasa akanaka atinoita.