Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 43

Mifananidzo yeUmambo

Mifananidzo yeUmambo

MATEU 13:1-53 MAKO 4:1-34 RUKA 8:4-18

  • JESU ANOTAURA MIFANANIDZO YEUMAMBO

Jesu anofanira kunge ari muKapenaume paari kutuka vaFarisi. Zuva rimwe chete iroro, anobva pamba paanga ari achienda kuGungwa reGarireya riri pedyo, uye vanhu vazhinji vanoungana. Jesu anokwira igwa, obva mumahombekombe zvishoma, otanga kudzidzisa vanhu nezveUmambo hwekumatenga. Anovadzidzisa achishandisa mifananidzo. Vateereri vake vanoziva zvakawanda zvezvinhu zvaari kufananidza Umambo nazvo zvokuti zvinovaitira nyore kunzwisisa zvinhu zvakasiyana-siyana zvine chekuita neUmambo.

Jesu anotanga kutaura nezvemudyari ari kudyara mbeu. Imwe mbeu inowira parutivi pomugwagwa, yodyiwa neshiri. Imwe inowira panzvimbo ine matombo pasina ivhu rakawanda. Midzi yacho haikwanise kunyatsodzika, zvokuti zvirimwa zvacho zvinopiswa nezuva zvosvava. Imwezve inowira muminzwa, uye panobuda zvirimwa zvacho zvinovhungwa. Imwe mbeu inowira paivhu rakanaka. Mbeu iyi inova nezvibereko, “iyi zana, iyo makumi matanhatu, imwe makumi matatu.”—Mateu 13:8.

Mune mumwe muenzaniso Jesu anofananidza Umambo nemurume anodyara mbeu. Mumufananidzo uno, mbeu dzacho dzinokura pasinei nekuti murume wacho akarara here kana kuti akamuka. “Kuti zvinoitika sei iye haazivi.” (Mako 4:27) Dzinokura dzoga dzotobereka, otozokohwa tsanga dzacho.

Jesu anozotaura mufananidzo wechitatu wekudyara. Mumwe murume anodyara mbeu chaiyo, asi muvengi anodyara masora pakati pegorosi ‘vanhu vakarara.’ Vashandi vemurume uyu vanomubvunza kana achida kuti vadzure sora racho. Anopindura achiti: “Aiwa; kuti musadzurawo gorosi pamunenge muchiunganidza masora. Regai zvose zvikure pamwe chete kusvikira pakukohwa; uye mumwaka wokukohwa ndichaudza vakohwi kuti, Tangai kuunganidza masora muasunge mwanda kuti apiswe, mozounganidza gorosi mudura rangu.”—Mateu 13:24-30.

Vakawanda vari kuteerera Jesu vanoziva nezvekurima. Anotaurawo nezvekambeu kemasitadhi ako kanozivikanwa nevakawanda. Kanokura kusvika kaita muti mukuru zvokuti shiri dzinotogara mumapazi awo. Anotaura nezvembeu iyi achiti: “Umambo hwokumatenga hwakafanana netsanga yemasitadhi, yakatorwa nomumwe murume akaisima mumunda make.” (Mateu 13:31) Asi Jesu haasi kudzidzisa nezvekudyara miti. Ari kutaura nezvekukura kunoshamisa kwekuti kanhu kadikidiki kanopedzisira kava chinhu chikurukuru.

Jesu anozotaura nezvechimwe chinhu chinozivikanwa nevateereri vake vakawanda. Anofananidza Umambo hwekumatenga “nembiriso, yakatorwa nomumwe mukadzi akaisanganisa nezviyero zvikuru zvitatu zvefurawa.” (Mateu 13:33) Kunyange zvazvo mbiriso yacho isingaoneki, inopinda mumukanyiwa wose kusvikira wafuta. Kukura uye kuchinja kunokonzerwa nembiriso iyi hakukurumidze kuoneka.

Apedza kutaura mienzaniso iyi, Jesu anoita kuti vanhu vaparare obva adzokera kumba kwaari kugara. Vadzidzi vake vanobva vauya kwaari, vachida kuziva kuti mienzaniso yake inorevei.

KUBATSIRWA NEMIENZANISO YAJESU

Vadzidzi vaJesu vakambonzwa achishandisa mienzaniso asi kwete yakawanda zvakadai. Vanomubvunza kuti: “Munotaurirei navo muchishandisa mifananidzo?”—Mateu 13:10.

Chimwe chinoita kuti adaro ndechekuti anoda kuzadzisa uprofita hweBhaibheri. Mateu anonyora nezvazvo achiti: “Aisataura navo asingashandisi mufananidzo; kuti zvizadzike zvakataurwa pachishandiswa muprofita uya akati: ‘Ndichashama muromo wangu ndichitaura nemifananidzo, ndichazivisa zvinhu zvakavanzwa kubvira pakuvambwa kwenyika.’”—Mateu 13:34, 35; Pisarema 78:2.

Asi handicho choga chikonzero chinoita kuti Jesu adzidzise nemifananidzo. Inobatsira kubudisa mafungiro evanhu. Vakawanda vavo chavanongoda pana Jesu ndechekuti anotaura nyaya dzinovanakidza uye kuti anoita zvishamiso. Havamuone saIshe anofanira kuteererwa asi kuti vanongomutevera vachingoda kuti zvinhu zvivanakire. (Ruka 6:46, 47) Havadi kukanganiswa maonero avanoita zvinhu uye mararamiro avo. Havadi kuti shoko raJesu rivabaye kusvika pakadaro.

Achipindura mubvunzo wevadzidzi vake, Jesu anoti: “Ndokusaka ndichitaura navo ndichishandisa mifananidzo, nokuti, kutarira, vanotarira pasina, uye kunzwa, vanonzwa pasina, uyewo havazvinzwisisi; uye uprofita hwaIsaya huri kuzadzika kwavari, hunoti: ‘. . . Mwoyo yevanhu ava yava mikukutu.’”—Mateu 13:13-15; Isaya 6:9, 10.

Asi havasi vose vanoteerera Jesu nemwoyo yakadaro. Jesu anotsanangura kuti: “Maziso enyu anofara nokuti anoona, uye nzeve dzenyu nokuti dzinonzwa. Nokuti chokwadi ndinoti kwamuri, Vaprofita vazhinji nevanhu vakarurama vaida kuona zvinhu zvamuri kuona asi havana kuzviona, uye kunzwa zvinhu zvamuri kunzwa asi havana kuzvinzwa.”—Mateu 13:16, 17.

Vaapostora 12 vaJesu nevamwe vadzidzi vakatendeka vane mwoyo inoteerera. Saka Jesu anoti: “Imi makapiwa kunzwisisa zvakavanzika zvitsvene zvoumambo hwokumatenga, asi vanhu ivavo havana kubvumirwa kuzvinzwisisa.” (Mateu 13:11) Sezvo vadzidzi vake varatidza chido chekunzwisisa, Jesu anovatsanangurira zvinorehwa nemufananidzo wemudyari.

Jesu anoti: “Mbeu ishoko raMwari.” (Ruka 8:11) Uye ivhu mwoyo wemunhu. Izvi ndizvo zvinofanira kutanga kuzivikanwa kuti mufananidzo wacho ubve wajeka.

Achitsanangura mbeu yakadyarwa paivhu rinogara richitsikwa tsikwa reparutivi pemugwagwa, Jesu anoti: “Dhiyabhorosi anobva auya, obvisa shoko mumwoyo mavo kuti varege kutenda, voponeswa.” (Ruka 8:12) Paataura nezvembeu yakasimwa panzvimbo dzine matombo, Jesu anga achireva mwoyo yevanhu vanogamuchira shoko nemufaro asi shoko racho haridzike midzi mumwoyo yavo. “Pashure pokunge kutambura kana kutambudzwa kwamuka nokuda kweshoko,” vanobva vasiya. “Mumwaka wokuedzwa,” zvichida vatambudzwa nevanhu vemumhuri kana kuti nevamwewo, vanobva vasiya chokwadi.—Mateu 13:21; Ruka 8:13.

Ko mbeu inowira paminzwa? Jesu anoudza vadzidzi vake kuti ava vanhu vanonzwa shoko asi vozokanganiswa nekuzvidya “mwoyo nezvinhu zvomumamiriro ezvinhu epanguva ino nesimba rinonyengera repfuma.” (Mateu 13:22) Shoko rakapinda mumwoyo yavo, asi iye zvino rakavhungwa uye harisisina chimuko.

Ivhu rinopedzisira kutaurwa nezvaro naJesu ivhu rakanaka. Iri rinoreva vanhu vanonzwa shoko voriisa mumwoyo yavo, vonyatsorinzwisisa. Vozoita sei? ‘Vanova nezvibereko.’ Vose havakwanise kuita zvakaenzana zvichibva pakuti vane mazera neutano zvakasiyana-siyana; vamwe vanobereka zvine zana, vamwe makumi matanhatu, uye vamwe makumi matatu. Zvikomborero zvekushumira Mwari zvinowanikwa nevaya “vanoti, pashure pokunzwa shoko nomwoyo wakarurama uye wakanaka, vanorichengeta, vobereka zvibereko nokutsungirira.”—Ruka 8:15.

Vadzidzi vauya kuna Jesu kuti vatsanangurirwe dzidziso dzake vanofanira kunge vafara zvikuru. Vava kunyatsonzwisisa mifananidzo yake. Jesu ari kuda kuti vanzwisise mifananidzo iyi kuitira kuti naivowo vagodzidzisa vamwe chokwadi. Anobvunza kuti: “Rambi rinombounzwa kuti riiswe pasi pedengu rokuyeresa kana pasi pomubhedha here? Hariunzwi kuti riiswe pamusoro pechigadziko cherambi here?” Saka Jesu anonyevera kuti: “Munhu wose ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”—Mako 4:21-23.

VADZIDZI VANOKOMBORERWA NEDZIMWE DZIDZISO

Pashure pekunzwa tsanangudzo yemufananidzo wemudyari, vadzidzi vanoda kudzidza zvimwe. Vanomukumbira kuti: “Titsanangurirei mufananidzo wemasora ari mumunda.”—Mateu 13:36.

Chikumbiro chavo chinoratidza kuti vakasiyana nerumwe ruzhinji rwose rwanga rwuri pamhenderekedzo. Zviri pachena kuti vanhu ava vanonzwa asi havana chido chekuziva zvinorehwa nemifananidzo yacho uye kushanda kwainoita. Vanogutswa nekungonzwa mifananidzo yaJesu senyaya. Jesu anoratidza musiyano uri pavanhu vanga vari pamhenderekedzo nevadzidzi vake vanoda kunyatsoziva vauya kwaari kuti vanzwe zvimwe zvakawanda achiti:

“Chenjererai zvamuri kunzwa. Chiyero chamuri kuyera nacho, muchayererwawo nacho, chokwadi, muchawedzerwa zvimwe.” (Mako 4:24) Vadzidzi vari kuchenjerera, kureva kuti vari kunyatsobatisisa zvavari kunzwa kuna Jesu. Vari kuita sevari kupa Jesu chiyero pavari kumuteerera uye ivowo vari kuzokomborerwa nedzidziso dzake vonyatsojekerwa nadzo. Saka achipindura chikumbiro chavo chekutsanangurirwa mufananidzo wegorosi nemasora, Jesu anotsanangura kuti:

“Mudyari wembeu yakanaka Mwanakomana womunhu; munda inyika; kana iri mbeu yakanaka, ava vanakomana voumambo; asi masora vanakomana veakaipa, uye muvengi akaadyara ndiDhiyabhorosi. Kukohwa kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho, uye vakohwi ingirozi.”—Mateu 13:37-39.

Apedza kutaura kuti chinhu chimwe nechimwe chiri mumufananidzo wake chinomiririra chii, Jesu anotsanangura zvinozoitika. Anotaura kuti kana mamiriro ezvinhu epanguva yacho ava kuguma, vakohwi, avo vanoreva ngirozi, vachaita kuti ‘vanakomana voumambo’ vaparadzaniswe nevanhu vanozviti vaKristu avo vakaita semasora. “Vakarurama” vachaunganidzwa uye vachazopenya “zvakajeka sezuva muumambo hwaBaba vavo.” Ko “vanakomana vowakaipa”? Mugumo wavo kuchava kuparadzwa, izvo zvichaita kuti ‘vasvimhe misodzi uye vagede-gede mazino avo.’—Mateu 13:41-43.

Jesu anokomborera vadzidzi vake nekuvaudza mimwe mifananidzo mitatu. Anotanga nekuti: “Umambo hwokumatenga hwakafanana nepfuma yakavanzwa musango, yakawanikwa nomunhu akaivanza; uye nokuda kwomufaro waainawo anoenda otengesa zvinhu zvaainazvo otenga sango iroro.”—Mateu 13:44.

Anoenderera mberi achiti: “Umambo hwokumatenga hwakafanana nomunhu aifamba achitengesa, aitsvaka maparera akanaka kwazvo. Paakawana parera rimwe chete raikosha kwazvo, akaenda, akakurumidza kutengesa zvinhu zvose zvaakanga ainazvo, akaritenga.”—Mateu 13:45, 46.

Nemifananidzo iyi miviri, Jesu anoratidza kuzvipira kunoita munhu kana aona chinhu chaanonyatsokoshesa. Munhu anofamba achitengesa ‘anokurumidza kutengesa zvinhu zvose zvaainazvo’ kuti akwanise kutenga parera rinokosha zvikuru. Vadzidzi vaJesu vanonyatsonzwisisa muenzaniso iwoyo weparera rinokosha, uye wemurume anowana pfuma yakavanzwa musango kana kuti mumunda uyo ‘anotengesa zvinhu zvose zvaainazvo’ kuti autenge. Mumifananidzo yacho yose mune chimwe chinhu chinokosha chinofanira kutotengwa chochengetedzwa. Izvi zvinogona kufananidzwa nekuzvipira kunoita munhu kuti agutse nzara yake yekuziva Mwari. (Mateu 5:3) Vamwe vari kunzwa Jesu achitaura mifananidzo iyi vakatoita saizvozvo kuti vave vateveri vake vechokwadi.—Mateu 4:19, 20; 19:27.

Jesu anozopedzisa nekufananidza Umambo hwekumatenga nemambure ekukukudzisa ayo anobata hove dzemarudzi ose. (Mateu 13:47) Hove dzacho padzinoparadzaniswa, dzakanaka dzinochengeterwa mumidziyo asi dzisina kukodzera dzinobva dzaraswa. Jesu anotaura kuti ndizvo zvichaitika mamiriro ezvinhu epanguva iyoyo ava kuguma, ngirozi padzichaparadzanisa vakarurama nevakaipa.

Jesu pachake aitoita imwe mhando yekuraura kwekufananidzira paakadana vadzidzi vake kuti vave “vabati vevanhu.” (Mako 1:17) Asi anotaura kuti mufananidzo wake wemambure ekukukudzisa uchazoshanda mune ramangwana, “mamiriro ezvinhu epanguva yacho” ava kuguma. (Mateu 13:49) Saka vaapostora nevamwe vadzidzi vari kuteerera Jesu vanobva vaona kuti pane zvimwe zvinhu zvinofadza zvichaitika mberi.

Vadzidzi vatozowedzera kujekerwa nemifananidzo yavanzwa ichitaurwa naJesu kugungwa. Jesu ari kuratidza kuti ane chido ‘chekutsanangurira vadzidzi vake zvinhu zvose vari voga.’ (Mako 4:34) “Akafanana nomunhu, muridzi wemba, anobudisa zvinhu zvitsva nezvitsaru mudura rake repfuma.” (Mateu 13:52) Paataura mifananidzo iyi, Jesu haasi kuda kushamisira nekugona kwake kudzidzisa. Asi ari kuudzawo vadzidzi vake chokwadi chinokosha sepfuma. Zvechokwadi hapana mumwe ‘murayiridzi wevanhu vose’ akafanana naye.