Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 45

Anoratidza Simba Pamadhimoni Akawanda

Anoratidza Simba Pamadhimoni Akawanda

MATEU 8:28-34 MAKO 5:1-20 RUKA 8:26-39

  • MADHIMONI ANODZINGWA NAJESU OPINDA MUNGURUVE

Vadzidzi pavanosvika pamhenderekedzo pashure perwendo rwavo rwemugungwa rwanga ruchityisa, zvavanosvikoona zvinovavhundutsa. Varume vaviri vanotyisa vane madhimoni, vanobuda mumarinda ari pedyo vomhanya vakananga kuna Jesu! Mumwe wacho ndiye ari kunyanya kuvatyisa, zvimwe nekuti ndiye ari kunyanya kupengereka kana kuti ava nenguva yakawanda akagarwa nemadhimoni.

Murume uyu anosiririsa ava nenguva achingofamba asina kupfeka. Siku nesikati anoramba “achingoshevedzera ari kumakuva nomumakomo achizvicheka-cheka nematombo.” (Mako 5:5) Atova mhuka chaiyo zvekuti vanhu vanototya kufamba nemugwagwa iwoyo. Vamwe vakamboedza kumusunga maoko nemakumbo achidambura cheni dzacho. Hapana anombomugona.

Murume wacho paanosvika pana Jesu, anopfugama patsoka dzake, madhimoni ari maari oita kuti aridze mhere achiti: “Ndinei nemi, Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusorosoro? Ndinoita kuti mupike naMwari kuti murege kundirwadzisa.” Jesu anobva aratidza kuti ane simba pamadhimoni achiti: “Buda mumunhu uyu, iwe mudzimu usina kuchena.”—Mako 5:7, 8.

Chokwadi ndechekuti murume uyu akagarwa nemadhimoni akawanda. Jesu paanobvunza kuti, “Unonzi ani?” anopindurwa kuti “Ndinonzi Rigiyoni, nokuti tiri vazhinji.” (Mako 5:9) Rigiyoni iboka remauto eRoma anosvika zviuru; saka murume uyu ane madhimoni akawanda akamugara ayo ari kufara nekutambura kwaari kuita. Anoteterera kuna Jesu kuti asaaendesa “mugomba rakadzikadzika.” Zviri pachena kuti anoziva zvichaitika kwaari nemutungamiriri wawo Satani.—Ruka 8:31.

Pedyo nepavari pane boka renguruve dzinenge 2 000 dziri kufura. Nguruve imhuka isina kuchena kuwirirana neMutemo zvokuti muJudha haatombofaniri kuva nayo. Madhimoni acho anoti: “Titumirei munguruve, kuti tipinde madziri.” (Mako 5:12) Jesu anoabvumira kuti aende uye anopinda munguruve. Dzose dziri 2 000 kudaro dzinobva dzatsikirirana kumawere dzichidonhera mugungwa dzonyura.

Vaya vanga vari kufudza nguruve idzi, vanomhanya kunotaura nezvazvo muguta nemumisha. Vanhu vanouya kuti vaone zvaitika. Pavanosvika vanoona kuti murume abviswa madhimoni atova munhu kwaye kwaye. Atopfekawo uye akagara pedyo netsoka dzaJesu!

Vanhu vanonzwa nezvazvo nevanoona murume uyu vanobatwa nekutya, vasinganzwisise kuti chii chichapedzisira chaitwa naJesu munzvimbo yavo. Vanomukumbira kuti abvemo. Jesu paanenge ava kuda kukwira igwa kuti aende, murume anga aine dhimoni anomukumbira kuti vaende vese. Asi Jesu anoti kumurume wacho: “Enda kumba kuhama dzako, udziudze zvinhu zvose zvawaitirwa naJehovha nengoni dzaakuitira.”—Mako 5:19.

Jesu anowanzoudza vanhu vaanoporesa kuti vasaudze vanhu nezvazvo nekuti haadi kuti vanhu vazive nezvake vachiita zvekuudzwa nevanhu vanotaura vachiwedzeredza. Asi audza murume uyu anga aine dhimoni kuti adaro kuitira kuti vakawanda vaone kuti Jesu ane simba uye kuti ape uchapupu kune vamwe vanhu vasiri kuzokwanisa kuonana naJesu pachake. Uchapupu hwake hunogonawo kubatsira pakugadzirisa mashoko akaipa angangofamba nezvekufa kwaita nguruve. Saka murume wacho anoenda otanga kuparidza muDhekaporisi yose nezvezvaaitirwa naJesu.