Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 49

Kuparidza muGarireya Uye Kudzidzisa Vaapostora Kuparidza

Kuparidza muGarireya Uye Kudzidzisa Vaapostora Kuparidza

MATEU 9:35–10:15 MAKO 6:6-11 RUKA 9:1-5

  • JESU ANOTENDERERAZVE MUGARIREYA

  • ANOTUMA VAAPOSTORA KUTI VANOPARIDZA

Jesu ava nemakore anenge maviri achiparidza zvekuparidza zviya. Saka yava nguva yekuti achimbozorora here? Kwete. Panzvimbo paizvozvo, Jesu anotowedzera basa rake rekuparidza nekushanyira “maguta ose nemisha achidzidzisa mumasinagogi avo nokuparidza mashoko akanaka oumambo achirapa hosha dzemarudzi ose noundonda hwemarudzi ose.” (Mateu 9:35) Zvaanoona zvinomuratidza kuti basa rekuparidza rinotofanira kuwedzera. Asi achazvikwanisa sei?

Paanofamba, Jesu anoona vanhu vanoda kubatsirwa kuziva Mwari uye kunyaradzwa. Vakaita semakwai asina mufudzi ari kubatwa zvisina kunaka. Anovanzwira tsitsi oudza vadzidzi vake kuti: “Chokwadi, kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo, kumbirai Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.”—Mateu 9:37, 38.

Jesu anoziva kuti vanhu ava vangabatsirwa sei. Anodana vaapostora vake 12 ovaronga vaviri vaviri, vova mapoka matanhatu evaparidzi. Anobva avapa mirayiridzo yakajeka achiti: “Musapinda mumugwagwa wemamwe marudzi, uye musapinda muguta revaSamariya; asi, panzvimbo paizvozvo, rambai muchienda kumakwai akarasika eimba yaIsraeri. Pamunenge muchienda, paridzai, muchiti, ‘Umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo.’”—Mateu 10:5-7.

Umambo hwavanofanira kuparidza nezvahwo ndehuya hwakataurwa naJesu paaidzidzisa vateveri vake kunyengetera. ‘Umambo hwaswedera pedyo’ pakuti Jesu Kristu, uyo akasarudzwa naMwari kuti azova Mambo, avapo. Asi chii chichabatsira kuti vadzidzi vaonekwe kuti zvechokwadi vamiririri veUmambo? Jesu anovapa simba rekuporesa vanorwara uye kunyange kumutsa vakafa, zvose izvi vachizviita vasingabhadharisi. Saka vaapostora vachawana kupi mari yekushandisa pazvinhu zvakadai sezvokudya?

Jesu anoudza vadzidzi vake kuti vasave nechavanotakura pakufamba kwavachaita vachiparidza. Havafaniri kutakura ndarama, sirivha kana mhangura muzvikwama zvavo. Havafaniri kutakura kunyange mbuva kana mbatya neshangu zvekuchinja. Nechikonzero chei? Jesu anovavimbisa kuti: “Mushandi akakodzera kuwana zvokudya zvake.” (Mateu 10:10) Vanhu vavachawana vanofarira mashoko avari kufamba nawo vachavabatsira nezvinhu zvavanenge vachida. Jesu anoti: “Kwose kwamunopinda mumba, garai imomo kusvikira mabuda munzvimbo iyoyo.”—Mako 6:10.

Jesu anoudzawo vadzidzi vake mirayiridzo yekuti vangatanga sei kutaura nevavanoparidzira shoko roUmambo achiti: “Pamunenge muchipinda mumba, kwazisai imba yacho; uye kana imba yacho yakakodzera, rugare rwamunoishuvira ngaruuye pairi; asi kana isina kukodzera, rugare runobva kwamuri ngarudzokere kwamuri. Kwose kusina munhu anokupinzai mukati kana kuteerera mashoko enyu, pamunobuda muimba iyoyo kana muguta iroro, zunzai guruva riri patsoka dzenyu.”—Mateu 10:12-14.

Zvingatogona kuitika kuti guta rose rinoramba kutambira shoko ravo. Chii chichaitika kuguta rakadaro? Jesu anoratidza kuti rinozosangana nemutongo wakakura zvikuru. Anotsanangura kuti: “Chokwadi ndinoti kwamuri, Nyika yeSodhoma neGomora ichagona kutsungirira kwazvo paZuva Rokutongwa kupfuura guta iroro.”—Mateu 10:15.