Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 50

Kudzidziswa Kuti Vazoparidza Pasinei Nekutambudzwa

Kudzidziswa Kuti Vazoparidza Pasinei Nekutambudzwa

MATEU 10:16–11:1 MAKO 6:12, 13 RUKA 9:6

  • JESU ANODZIDZISA VAAPOSTORA BASA OVATUMA KUNOPARIDZA

Jesu anopa vaapostora vake mirayiridzo yakanaka zvikuru yekuti vangaita sei basa ravo rekuparidza pavari kuenda vari vaviri vaviri. Asi haagumiri ipapo. Anovayambira nezvevanhu vachavapikisa achiti: “Ndiri kukutumai semakwai ari pakati pemhumhi . . . Chenjererai vanhu; nokuti vachakuisai kumatare omunzvimbo imomo, uye vachakuzvamburai mumasinagogi avo. Chokwadi, muchamanikidzwa kuenda pamberi pemagavhuna nemadzimambo nokuda kwangu.”—Mateu 10:16-18.

Ichokwadi kuti vateveri vaJesu vanogona kusangana nevanhu vanovatambudza, asi anovasimbisa nekuvavimbisa kuti: “Pavanokuendesai kumatare, musazvidya mwoyo pamusoro pematauriro amuchaita kana zvamuchataura; nokuti muchapiwa zvamuchataura muawa iyoyo; nokuti hamusi imi moga munenge muchitaura, asi mudzimu waBaba venyu ndiwo uchange uchitaura uchikushandisai.” Jesu anoenderera mberi achiti: “Mukoma achaita kuti munun’una aurayiwe, baba mwana wavo, uye vana vachamukira vabereki uye vachaita kuti vaurayiwe. Muchavengwa nevanhu vose nokuda kwezita rangu; asi anenge atsungirira kusvikira kumugumo ndiye achaponeswa.”—Mateu 10:19-22.

Nemhaka yekuti basa rekuparidza rinokosha zvikuru, Jesu anosimbisa pfungwa yekuti vateveri vake vanofanira kuchenjerera kuti varambe vachikwanisa kuita basa racho. Anoti: “Pavanokutambudzai muguta rimwe, tizirai kune rimwe; nokuti chokwadi ndinoti kwamuri, Hamungambopedzi kutenderera maguta aIsraeri Mwanakomana womunhu asati asvika.”—Mateu 10:23.

Mirayiridzo, yambiro nekurudziro zvinopiwa naJesu kuvaapostora vake 12 zvakanaka chaizvo! Asi unogona kuonawo kuti mashoko aya achabatsira vaya vachazoita basa rekuparidza pashure pekufa nekumutswa kwaJesu. Izvi zvinobudiswa pachena nemashoko aakaudza vadzidzi vake okuti “Muchavengwa nevanhu vose,” kwete vanhu vari kuparidzirwa nevaapostora chete. Uye hapana patinoverenga panoti vaapostora vakaendeswa pamberi pemagavhuna nemadzimambo panguva iyi pfupi yavakaparidza muGarireya, kana panoti vakaurayiswa nevanhu vemumhuri dzavo.

Zviri pachena kuti Jesu ari kufunga nezveramangwana paari kuudza vadzidzi vake zvinhu izvi. Funga mashoko ake ekuti vadzidzi havazopedzi kutenderera maguta aIsraeri “mwanakomana womunhu asati asvika.” Jesu ari kuratidza kuti vadzidzi havazopedzi kuparidza nezveUmambo hwaMwari Mambo Jesu Kristu anokudzwa asati asvika semutongi akagadzwa naMwari.

Pavanenge vachiparidza vaapostora havafaniri kushamiswa kana vakasangana nevanhu vanovapikisa nekuti Jesu anoti, “Mudzidzi haapfuuri mudzidzisi wake, uyewo muranda haapfuuri ishe wake.” Zviri kutaurwa naJesu zviri pachena. Iye pachake ari kubatwa zvisina kunaka uye ari kutambudzwa nekuti ari kuparidza nezveUmambo hwaMwari, saka naivowo vachasangana nazvo. Asi Jesu anovakurudzira achiti: “Musatya vaya vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya; asi ityai iye anogona kuparadza mweya nomuviri muGehena.”—Mateu 10:24, 28.

Panyaya iyi Jesu akanyatsoita maererano nemashoko ake. Haana kutya kunyange kutarisana nerufu asi akaramba akavimbika kuna Jehovha, uyo ane simba rose. Mwari Wemasimbaose ndiye ega anogona kuparadza “mweya” wemunhu (kureva tariro yake yekurarama mune ramangwana) kana kuti anogona kumumutsa kuti ave neupenyu husingaperi. Izvi zvinofanira kunge zvichisimbisa zvikuru vaapostora vake!

Jesu anopa muenzaniso unoratidza madiro anoita Mwari vateveri vake achiti: “Shiri duku mbiri hadzitengeswi nemari isingakoshi here? Asi hapana imwe yadzo ingawira pasi Baba venyu vasingazivi. . . . Naizvozvo musatya: imi munokosha kupfuura shiri duku zhinji.”—Mateu 10:29, 31.

Shoko riri kuparidzwa nevadzidzi vaJesu richaita kuti mhuri dzipesane, vamwe vachiritambira vamwe vachiriramba. Jesu anotsanangura kuti: “Musafunga kuti ndakauya kuzounza rugare panyika.” Zvinotoda ushingi kuti munhu wemumhuri agamuchire chokwadi. Jesu anoti, “Uya anoda baba kana amai kwazvo kupfuura ini, haana kukodzera ini; uye anoda mwanakomana kana mwanasikana kwazvo kupfuura ini, haana kukodzera ini.”—Mateu 10:34, 37.

Asi pane vamwe vachatambira vadzidzi zvakanaka. Anoti: “Munhu wose anopa mumwe wevaduku ava kapu chete yemvura inotonhorera kuti anwe nokuti iye mudzidzi, chokwadi ndinokuudzai, haazomborasikirwi nomubayiro wake.”—Mateu 10:42.

Mushure mekuwana mirayiridzo, yambiro nekurudziro, vaapostora vanopfuura “nomunharaunda vachifamba pamusha nomusha, vachizivisa mashoko akanaka uye vachirapa kwose kwose.”—Ruka 9:6.