Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 51

Munhu Anourayiwa Pachipembererwa Zuva Rokuzvarwa

Munhu Anourayiwa Pachipembererwa Zuva Rokuzvarwa

MATEU 14:1-12 MAKO 6:14-29 RUKA 9:7-9

  • HERODHI ANOITA KUTI JOHANI MUBHABHATIDZI ADIMBURWE MUSORO

Vaapostora vaJesu pavari kuita ushumiri hwavo muGarireya, Johani Mubhabhatidzi, anova ndiye akazivisa vanhu nezvaJesu haana rusununguko serwavainarwo. Atova nemakore anenge maviri ari mujeri.

Johani akanga ataura pachena kuti Mambo Herodhi Andipasi akaita zvakaipa paakatora Herodhiyasi, mukadzi wemukoma wake Firipi. Herodhi akanga aramba mukadzi wake wekutanga kuti aroore Herodhiyasi. Herodhi anozviti anotevedzera Mutemo waMosesi. Asi maererano nemutemo uyu, kuroora kwaakaita mukadzi uyu upombwe. Arwadziwa nekutsiurwa kwaakaitwa naJohani, Herodhi akabva aita kuti akandwe mujeri, zvimwe achifurirwa naHerodhiyasi.

Herodhi ari kushaya kuti oita sei naJohani, nekuti vanhu ‘vanomuona somuprofita.’ (Mateu 14:5) Asi Herodhiyasi ari kutoti dai aoreramo. ‘Akamuchengetera mafi’ uye ari kutotsvaga nzira yokuti amuurayise. (Mako 6:19) Iye zvino mukana wacho wazomuka.

Musi wePaseka ya32 C.E. wava kusvika, Herodhi anoronga kuti pave nemutambo mukuru wekupemberera zuva raakazvarwa. Vakuru vakuru vose vemuzinda waHerodhi, vakuru veuto, nevanhu vakakurumbira vemuGarireya, vanouya kumutambo wacho. Pamutambo uyu, Sarome, mwanasikana waHerodhiyasi waakaita naFiripi, anotamba achivaraidza vaenzi. Varume vacho vanofadzwa chaizvo nematambiro ake.

Achifara zvikuru nezvaitwa nemwanasikana wake, Herodhi anomuudza kuti: “Ndikumbire chose chaunoda, uye ndichakupa.” Anotopika achiti: “Ndichakupa chose chaunondikumbira, kusvikira pahafu youmambo hwangu.” Asati apindura, Sarome anoenda onobvunza amai vake kuti: “Ndokumbirei?”—Mako 6:22-24.

Herodhiyasi anototi dzawira mutswanda hadzichanetsa kuhorera. Anobva angopindura achiti, “musoro waJohani mubhabhatidzi.” Sarome anodzoka kuna Herodhi achiti: “Ndinoda kuti mundipe iye zvino musoro waJohani Mubhabhatidzi uri mundiro huru.”—Mako 6:24, 25.

Izvi zvinorwadza Herodhi zvikuru, asi vanhu vatonzwa achipika kuna Sarome. Saka ava kunyara kuti amurambire, kunyange zvazvo zviri kuzourayisa munhu asina mhosva. Saka Herodhi anotuma murindi kujeri kuti anouraya Johani. Pasina nguva murindi uya anodzoka aine musoro waJohani uri mundiro. Anoupa Sarome, uyo anobva aenda nawo kuna amai vake.

Vadzidzi vaJohani pavanonzwa nezvazvo, vanouya kuzotora mutumbi wake vouviga. Vanobva vaudza Jesu nezvenyaya yacho.

Herodhi paanozonzwa kuti Jesu ari kuporesa vanhu achidzinga madhimoni, anotya.Ari kutyira kuti munhu ari kuita zvinhu izvi, haangava Johani Mubhabhatidzi here “amutswa kubva kuvakafa.” (Ruka 9:7) Saka Herodhi Andipasi ane shungu dzekuona Jesu. Zviri pachena kuti ichi hachisi chido chokunzwa zviri kuparidzwa naJesu. Chiripo ndechokuti Herodhi ari kuda kuona Jesu kuti ave nechokwadi kuti ndiye Johani here kana kuti kwete.