Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 53

Mutongi Ane Simba Pamamiriro Ekunze

Mutongi Ane Simba Pamamiriro Ekunze

MATEU 14:22-36 MAKO 6:45-56 JOHANI 6:14-25

  • VANHU VANODA KUITA KUTI JESU AVE MAMBO

  • JESU ANOFAMBA PAMUSORO PEMVURA, ANONYARADZA MHEPO

Chishamiso chaJesu chekupa zviuru zvevanhu zvokudya chinoomesa vanhu mate mukanwa. Izvi zvinovaratidza kuti ‘uyu ndiye muprofita akanzi achauya panyika,’ uye ndiye Mesiya, saka vanobva vafunga kuti anogona kuita mambo akanaka. (Johani 6:14; Dheuteronomio 18:18) Saka vanhu vanoronga kuti vamubate vamuite mambo.

Asi Jesu anoziva zvavari kuronga. Anoudza vanhu kuti vaende kumisha yavo oudza vadzidzi vake kuti vakwire chikepe. Vachiendepi? Vakananga kuBhetisaidha vachizoenda kuKapenaume. Asi Jesu anoenda mugomo kuti anonyengetera ari oga manheru iwayo.

Kunze kwava kuda kuedza, Jesu anoona chikepe chiri nechekure achivhenekerwa nechiedza chemwedzi. Masaisai egungwa ari kusimudzwa zvakasimba nemhepo ine simba zvokuti vaapostora vari ‘kunetseka nokukwasva nokuti mhepo iri kurwisana navo.’ (Mako 6:48) Jesu anoburuka mugomo otanga kufamba nepamusoro pemasaisai achiuya kwavari. Pari zvino “vakwasva kwemamaira anenge matatu kana kuti mana.” (Johani 6:19) Vadzidzi vanoona Jesu achiita seari kuvapfuura, voridza mhere nokutya vachiti: “Idzangaradzimu!”—Mako 6:49.

Jesu anovadzikamisa achiti: “Shingai, ndini; musatya.” Asi Petro anoti: “Ishe, kana muri imi, ndirayirei kuti ndiuye kwamuri nepamusoro pemvura.” Jesu anomupindura kuti: “Uya!” Petro anobva aburuka muchikepe ototanga kufamba pamusoro pemvura achienda kuna Jesu. Asi paanotarisa masaisai ari kusimudzwa nemhepo, Petro anorohwa nehana otanga kunyura. Anoshevedzera achiti: “Ishe, ndiponesei!” Jesu anotambanudza ruoko obata Petro oti kwaari: “Iwe ane kutenda kuduku, nei usina kuva nechokwadi?”—Mateu 14:27-31.

Petro naJesu vanokwira chikepe, mhepo yobva yati zii. Vadzidzi vanoshamiswa. Asi vanofanira kushamiswa here? Dai vakanzwisisa “zvaireva zvingwa” zvakapiwa zviuru zvevanhu naJesu aita chishamiso, vaizoshamiswa here nokuti afamba pamvura akanyaradza mhepo. Iye zvino vanomupfugamira, vachiti: “Chokwadi imi muri Mwanakomana waMwari.”—Mako 6:52; Mateu 14:33.

Muchinguva chiduku vanosvika mubani reGenesareti, nzvimbo inoyevedza ine michero, iri kumaodzanyemba kweKapenaume. Vanomisa chikepe voburuka. Vanhu vepavadzikira chikepe vanobva vaziva Jesu, uye ivo pamwe nevamwe vanobva munzvimbo dzakapoteredza vanotanga kuunza vanhu vanorwara kwaari. Varwere vacho pavanongobata mupendero wenguo yaJesu vanobva vaporeswa.

Izvi pazviri kuitika, vanhu vaya vaona Jesu achiita chishamiso chokupa zviuru zvevanhu zvokudya vanocherechedza kuti Jesu aenda. Saka pavanoona zvikepe zviduku zvinobva kuTibheriyasi zvichisvika, vanobva vazvikwira vonanga kuKapenaume kunotsvaga Jesu. Pavanomuwana vanomubvunza kuti: “Rabhi, masvika kuno rini?” (Johani 6:25) Hazvishamisi kuti anobva avatsiura sezvatichaona.