Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 55

Mashoko aJesu Anovhundutsa Vakawanda

Mashoko aJesu Anovhundutsa Vakawanda

JOHANI 6:48-71

  • KUDYA NYAMA YAKE UYE KUNWA ROPA RAKE

  • VAKAWANDA VANOGUMBURWA VOREGA KUMUTEVERA

Jesu ari kudzidzisa musinagogi muKapenaume achiti ndiye chingwa chechokwadi chakabva kudenga. Anofanira kunge ari kuenderera mberi nezvaakataura kuvanhu vakanga vabva kumabvazuva kweGungwa reGarireya, vaya vakadya chingwa nehove.

Jesu anoenderera mberi achiti: “Madzitateguru enyu akadya mana murenje asi akafa.” Anotsanangura musiyano uripo achiti: “Ndini chingwa chipenyu chakaburuka chichibva kudenga; kana munhu akadya chingwa ichi achararama nokusingaperi; uye, chokwadi, chingwa chandichapa inyama yangu nokuda kwoupenyu hwenyika.”—Johani 6:48-51.

Mumazuva ePaseka ya30 C.E., Jesu akaudza Nikodhimo kuti Mwari akada nyika zvokuti akapa Mwanakomana wake kuti ave Muponesi. Panguva ino Jesu anosimbisa pfungwa yekudya nyama yake kuburikidza nokutenda muchibayiro chaachapa. Ndiyo nzira yokuwana nayo upenyu husingaperi.

Zvisinei, vanhu havabvumirani nezvataurwa naJesu. Vanobvunza kuti: “Munhu uyu angatipa sei nyama yake kuti tidye?” (Johani 6:52) Jesu anoda kuti vanzwisise kuti mashoko ake ndeekufananidzira. Izvi zvinooneka mumashoko ake aanozotaura.

“Kana mukasadya nyama yoMwanakomana womunhu nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri. Uya anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu ane upenyu husingaperi, . . . nokuti nyama yangu ndicho chokudya chechokwadi, uye ropa rangu ndicho chokunwa chechokwadi. Uya anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu anoramba ari pamwe neni.”—Johani 6:53-56.

Fungidzira kuti vaJudha vanonzwa sei nemashoko iwayo! Vanogona kufunga kuti Jesu ari kuti vatodya nyama yemunhu chaiyo kana kuti vatyore mutemo waMwari unorambidza kudya ropa. (Genesisi 9:4; Revhitiko 17:10, 11) Asi Jesu haasi kutaura nezvekudya nyama chaiyo kana kunwa ropa chairo. Ari kuvaratidza kuti vose vanoda upenyu husingaperi vanofanira kutenda muchibayiro chaari kuzopa paachabayira muviri wake wakakwana uye paachadeura ropa rake. Asi kunyange vazhinji vevadzidzi vake havanzwisisi dzidziso iyi. Vamwe vanoti: “Kutaura uku kunoshamisa kwazvo; ndiani angakuteerera?”—Johani 6:60.

Paanoona kuti vamwe vevadzidzi vake vari kugunun’una, Jesu anovabvunza kuti: “Izvi zvinokugumburai here? Naizvozvo, zvakadini, kana mukaona Mwanakomana womunhu achikwira kwaaiva pakutanga? . . . Mashoko andataura kwamuri ndeomudzimu uye anopa upenyu. Asi pane vamwe venyu vasingatendi.” Vadzidzi vakawanda vanobva vaenda voregera kumutevera.—Johani 6:61-64.

Saka Jesu anobvunza vaapostora vake 12 kuti: “Munoda kuendawo here?” Petro anopindura achiti: “Ishe, tichaenda kuna ani? Ndimi mune mashoko oupenyu husingaperi; uye takatenda tikasvika pakuziva kuti ndimi Mutsvene waMwari.” (Johani 6:67-69) Apa Petro aratidza kuvimbika kunyange zvazvo iye nevamwe vaapostora vasiri kunyatsonzwisisa zviri kudzidziswa naJesu!

Jesu afadzwa nemhinduro yaPetro, asi anoti: “Handina kukusarudzai here imi vane gumi nevaviri? Asi mumwe wenyu mucheri.” (Johani 6:70) Jesu ari kutaura nezvaJudhasi Iskariyoti. Pamwe Jesu ava kutocherechedza pana Judhasi zvimwe zvinhu zvichazoita kuti aite chivi chakakura.

Kunyange zvakadaro, Jesu anofanira kunge afara zvechokwadi nekuziva kuti Petro nevamwe vaapostora vari kuramba kumusiya uye vari kutoitawo basa rinoponesa upenyu raari kuita.