Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 58

Anoita Kuti Chingwa Chiwande Uye Anonyevera Nezvembiriso

Anoita Kuti Chingwa Chiwande Uye Anonyevera Nezvembiriso

MATEU 15:32-16:12 MAKO 8:1-21

  • JESU ANOPA VARUME 4 000 ZVOKUDYA

  • ANONYEVERA NEZVEMBIRISO YEVAFARISI

Gurusvusvu revanhu rauya kuna Jesu munharaunda yeDhekaporisi nechekumabvazuva kweGungwa reGarireya. Vauya kuzonzwa achiparidza uye kuzoporeswa, uye vatakura matengu ezvokudya.

Zvisinei, papera mazuva, Jesu anoudza vadzidzi vake kuti: “Ndinosiririswa neboka iri revanhu, nokuti atova mazuva matatu avaramba vari pedyo neni uye havana chokudya; kana ndikavaendesa kumisha yavo vasina kudya, vachaziya mumugwagwa.” Vadzidzi vanoti: “Munhu angakwanisa kugutisa vanhu ava nezvingwa zvinobva kupi munzvimbo ino isina vanhu?”—Mako 8:2-4.

Jesu anobvunza kuti: “Mune zvingwa zvingani?” Vadzidzi vanopindura kuti: “Zvinomwe, nehove duku shomanana.” (Mateu 15:34) Jesu anobva aita kuti vanhu vagare pasi. Anotora chingwa chacho nehove, onyengetera kuna Mwari, obva apa vadzidzi vake kuti vape vanhu. Zvinoshamisa kuti munhu wose anodya kusvika aguta. Zvokudya zvinosara zvinozadza matengu manomwe, kunyange zvazvo varume 4 000 tisingabatanidzi vakadzi nevana vatodya!

Pashure pekuita kuti vanhu vaende, Jesu nevadzidzi vake vanokwira chikepe vakananga kuMagadhani iri kumavirira kweGungwa reGarireya. Vava ikoko, vamwe vaFarisi nevamwe veboka revaSadhusi vanoedza Jesu vachiti avape chiratidzo chinobva kudenga.

Achiziva chinangwa chavo, Jesu anovaudza kuti: “Kana ava manheru makajaira kuti, ‘Kunze kuchava kwakanaka, nokuti denga rakatsvuka somoto’; uye mangwanani, ‘Kunze kuchatonhora, kuchanaya nhasi, nokuti denga rakatsvuka somoto, asi kwakakwidibira.’ Munoziva kududzira zvinenge zvakaita denga, asi hamugoni kududzira zviratidzo zvenguva.” (Mateu 16:2, 3) Jesu anobva audza vaFarisi nevaSadhusi kuti havana chimwe chiratidzo chavachapiwa kunze kwechaJona.

Jesu nevadzidzi vake vanokwira chikepe vakananga kuBhetisaidha kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kwegungwa. Vava munzira, vadzidzi vanoona kuti havana kuuya nechingwa chakakwana. Vanongova nerofu rimwe chete. Achifunga nezvezvichangobva kuitika paaonana nevaFarisi nevaSadhusi avo vanotsigira Herodhi, Jesu anonyevera kuti: “Rambai makasvinura, chenjererai mbiriso yevaFarisi nembiriso yaHerodhi.” Vadzidzi vanofunga kuti paari kutaura nezvembiriso Jesu ari kutaura nezvekukanganwa kwavaita kuuya nechingwa. Achiona kuti varasika, Jesu anoti: “Nei muchiitirana nharo pamusoro pokusava kwenyu nezvingwa?”—Mako 8:15-17.

Jesu achangobva kupa zviuru zvevanhu chingwa. Saka vadzidzi vanofanira kuziva kuti haasi kutaura nezvechingwa chaicho. Anobvunza kuti, “Hamuyeuki here, pandakamedurira varume zviuru zvishanu zvingwa zvishanu, [kuti itswanda] ngani dzakazara nezvimedu zvamakanhonga?” Vanopindura kuti: “Gumi nembiri.” Jesu anoenderera mberi achiti: “Pandakamedurira varume zviuru zvina zvingwa zvinomwe, makaunganidza matengu mangani akazara nezvimedu?” Vanopindura kuti: “Manomwe.”—Mako 8:18-20.

Jesu anobvunza kuti: “Sei musinganzwisisi kuti handina kutaura kwamuri pamusoro pezvingwa?” Anowedzera kuti: “Chenjererai mbiriso yevaFarisi nevaSadhusi.”—Mateu 16:11.

Vadzidzi vanozobata pfungwa yacho. Mbiriso inoshandiswa pakuvirisa zvinhu nekufutisa chingwa. Jesu ari kushandisa mbiriso sechiratidzo chokuora kana kuti kushatiswa. Ari kunyevera vadzidzi kuti vachenjerere “dzidziso yevaFarisi nevaSadhusi” iyo inoshatisa.—Mateu 16:12.