Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 59

Mwanakomana Womunhu Ndiani?

Mwanakomana Womunhu Ndiani?

MATEU 16:13-27 MAKO 8:22-38 RUKA 9:18-26

  • JESU ANOPORESA MUMWE MURUME BOFU

  • PETRO ACHAPIWA KIYI DZEUMAMBO

  • JESU ANOTAURA KUTI ACHAFA UYE ACHAZOMUTSWA

Jesu nevadzidzi vake vanosvika kuBhetisaidha. Vanhu vanobva vauya nemumwe murume asingaone vokumbira Jesu kuti amubate kuti amuporese.

Jesu anobata murume wacho ruoko oenda naye kunze kwemusha. Anopfira mumaziso emurume uyu, omubvunza kuti: “Pane chauri kuona here?” Murume wacho anopindura kuti: “Ndiri kuona vanhu, nokuti ndiri kuona zvinhu zvakaita semiti, asi iri kufamba-famba.” (Mako 8:23, 24) Jesu anobata maziso emurume wacho obva atanga kuona. Anobva audza murume uyu, uyo ava kunyatsoona zvakanakanaka kuti asadzokere mumusha asi kuti angonange kumba kwake.

Jesu nevadzidzi vake vanobva vananga kuchamhembe kunharaunda yeKesariya Firipi. Musha uyu uri panzvimbo yakakwirira zvikuru, saka vanofamba mukwidza kwemakiromita 40 kusvikako. Nechekuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kune Gomo reHemoni iro rinogara rakachena chando kumusoro kwaro. Rwendo rwacho rwunogona kutotora zvizuva.

Vari munzira kudaro Jesu anomboenda pake ega kuti anyengetere. Jesu asarirwa nemwedzi inenge mipfumbamwe kana kuti gumi asati afa, uye ari kunetseka nezvevadzidzi vake. Mazuva achangopfuura vakawanda vakarega kumutevera uye vamwe vangave vari kushaya kuti voita sei kana kuti vakaora mwoyo. Vanogona kunge vari kushaya kuti akarambirei kuita mambo kana kuti kupa vanhu chiratidzo chekuti zvinyatsoonekwa kuti ndiye ani.

Vadzidzi pavanouya kwaari achinyengetera, Jesu anobvunza kuti: “Vanhu vari kuti Mwanakomana womunhu ndiani?” Vanopindura kuti: “Vamwe vanoti Johani Mubhabhatidzi, vamwe Eriya, vamwewo Jeremiya kana mumwe wevaprofita.” Vanhu vanofunga kuti Jesu anofanira kunge ari mumwe wevarume ava akamutswa. Kuti aone zviri mupfungwa dzavo, Jesu anobvunza vadzidzi vake kuti: “Ko imi, munoti ndini ani?” Petro anobva angomupindura achiti: “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.”—Mateu 16:13-16.

Jesu anotaura kuti Petro anofanira kufara kuti Mwari aita kuti azive izvi, obva awedzera kuti: “Ndinoti kwauri, Ndiwe Petro, uye padombo guru iri ndichavakira ungano yangu, uye magedhi eHadhesi [guva] haazoikundi.” Jesu anoreva kuti iye pachake ndiye achavaka ungano uye kuti kana vanhu vari muungano yacho vakaramba vakatendeka vari pasi pano, kunyange guva harizorambi riine simba pavari. Anovimbisa Petro kuti: “Ndichakupa kiyi dzoumambo hwokumatenga.”—Mateu 16:18, 19.

Jesu haasi kuti Petro ava nechinzvimbo chiri pamusoro pevamwe vaapostora vose, uye haasi kureva kuti ungano ichavakirwa paari. Jesu pachake ndiye Dombo richavakirwa ungano yake. (1 VaKorinde 3:11; VaEfeso 2:20) Asi Petro achapiwa kiyi nhatu. Achava nechikomborero chekuita seavhurira vanhu mukana wekupinda muUmambo hwekumatenga.

Petro achashandisa kiyi yekutanga paPendekosti ya33 C.E., kuratidza vaJudha vanenge vapfidza nevamwe vakatendeukira kuchiJudha vanenge vapfidzawo, kuti vanofanira kuita sei kuti vaponeswe. Achazoshandisa kiyi yechipiri kuvhurira vaSamariya mukana wekuti vapinde muUmambo hwaMwari. Uye muna 36 C.E., Petro achashandisa kiyi yechitatu pakuita kuti vanhu vemamwe marudzi vasina kudzingiswa, vakadai saKoneriyasi nevamwe vawanewo mukana uyu.—Mabasa 2:37, 38; 8:14-17; 10:44-48.

Pavari kukurukura kudaro vaapostora vaJesu vanorwadziwa zvikuru paanotaura nezvekutambudzwa nekuurayiwa kwaachaitwa muJerusarema. Asina kubata kuti Jesu achazomutsirwa kuupenyu hwekudenga, Petro anoenda naye parutivi oti kwaari: “Zviitirei mutsa, Ishe; hamungambovi nomugumo uyu.” Asi Jesu anomupa gotsi omupindura achiti: “Enda shure kwangu, Satani! Uri chinhu chinogumbura kwandiri, nokuti haufungi zvinofungwa naMwari, asi zviya zvinofungwa nevanhu.”—Mateu 16:22, 23.

Jesu anozodana vamwe vanhu vasiri vaapostora otsanangura kuti hazvisi nyore kuva muteveri wake. Anoti: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, atore danda rake rokutambudzikira, arambe achinditevera. Nokuti munhu wose anoda kuponesa mweya wake acharasikirwa nawo; asi munhu wose anorasikirwa nomweya wake nokuda kwangu nemashoko akanaka achauponesa.”—Mako 8:34, 35.

Kuti vafarirwe naJesu, vateveri vake vanofanira kuratidza kuti vakashinga uye vanofanira kuzvipira. Jesu anotaura kuti: “Munhu wose anonyara ini nemashoko angu muchizvarwa ichi choupombwe chinotadza, Mwanakomana womunhu achamunyarawo paanosvika ari mukubwinya kwaBaba vake aine ngirozi tsvene.” (Mako 8:38) Jesu paachazouya, “achabva aripira mumwe nomumwe maererano nomufambiro wake.”—Mateu 16:27.