Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 62

Chidzidzo Chinokosha Chekuzvininipisa

Chidzidzo Chinokosha Chekuzvininipisa

MATEU 17:22–18:5 MAKO 9:30-37 RUKA 9:43-48

  • JESU ANOTAURAZVE NEZVERUFU RWAKE

  • ANOBHADHARA MUTERO NEMARI YABVA MUKANWA MEHOVE

  • NDIANI ACHAVA MUKURU KUPFUURA VAMWE MUUMAMBO?

Pashure pokushanduka kwaakaita mugomo uye kuzoporesa mukomana aiva nedhimoni munharaunda yeKesariya Firipi, Jesu anonanga kuKapenaume. Anoenda nevadzidzi vake chete, asingadi “kuti chero munhu upi zvake azvizive.” (Mako 9:30) Izvi zvinomupa mumwe mukana wokuti agadzirire vadzidzi vake nezverufu rwake uye basa ravachazoita. Anovatsanangurira kuti: “Mwanakomana womunhu achatengeswa mumaoko evanhu, uye vachamuuraya, asi achamutswa pazuva rechitatu.”—Mateu 17:22, 23.

Mashoko aya haafaniri kuita sematsva kuvadzidzi. Jesu akambotaura nezvekuti aizourayiwa, kunyange zvazvo Petro akaramba kuti zvingaitika. (Mateu 16:21, 22) Uye vaapostora vatatu vakaona kushanduka kwaakaita, vakanzwa zvaaitaura nevaaiva navo “nezvokuenda” kwake. (Ruka 9:31) Iye zvino vadzidzi vake vanobva ‘vashungurudzwa kwazvo’ nezvaari kutaura, kunyange zvazvo vasiri kunyatsonzwisisa zvaari kureva. (Mateu 17:23) Asi vari kutya kuramba vachimubvunza nezvazvo.

Vanozosvika kuKapenaume, uko kunowanzoshandira Jesu uye kumusha kwevamwe vaapostora vake. Vari ikoko, varume vanoteresa mutero wetemberi vanouya kuna Petro. Zvichida vachida kuedza kuwanira Jesu mhosva yokusabhadhara mutero, vanobvunza Petro kuti: “Mudzidzisi wenyu haateri mutero wemadrakema maviri here?”—Mateu 17:24.

Petro anopindura kuti anobhadhara. Panozosvika Petro kumba kwavari kugara anowana Jesu ava kutoziva zvaitika. Saka pane kuti amirire kuti Petro amupire nyaya yacho, Jesu anomubvunza kuti: “Simoni, unofungei? Madzimambo enyika anogamuchira miripo kana mutero womunhu wose kubva kuna vanaani? Kubva kuvanakomana vavo here kana kuvamwe vanhuwo zvavo?” Petro anopindura kuti: “Kuvamwe vanhuwo zvavo.” Jesu anobva ati: “Saka, vanakomana havateri.”—Mateu 17:25, 26.

Baba vaJesu ndivo Mambo wezvinhu zvose uye ndivo vanonamatwa kutemberi. Saka Mwanakomana waMwari haasungirwi nemutemo kubhadhara mutero wetemberi. Jesu anoti: “Asi kuti tirege kuvagumbura, enda kugungwa, ukande chirauro, utore hove inotanga kubuda, uye paunoshamisa muromo wayo, uchawana mari yesitateri [madrakema mana akabatana]. Tora iyoyo uvape nokuda kwangu newe.”—Mateu 17:27.

Vadzidzi pavanenge vava pamwe chete, vanoda kubvunza Jesu kuti ndiani achava mukuru kuna vose muumambo hwokumatenga. Musi uno uno varume ivava vakatya kubvunza Jesu nezverufu rwake, asi iye zvino havasi kutya kumubvunza nezveramangwana ravo. Jesu anoziva zvavari kufunga. Inyaya yavakanga vamboitirana nharo nezvayo vari mumashure make vachidzoka kuKapenaume. Saka anovabvunza kuti: “Manga muchiitirana nharo pamusoro pei mumugwagwa?” (Mako 9:33) Vadzidzi vanoramba vakanyarara nokunyara, nokuti vanga vachiitirana nharo nezvokuti ndiani mukuru kupfuura mumwe. Vaapostora vanozopedzisira vabvunza Jesu mubvunzo wavanga vachikurukura: “Ndiani mukuru kuna vose muumambo hwokumatenga?”—Mateu 18:1.

Zvinoita sezvinoshamisa zvikuru kuti vadzidzi vangaite nharo dzakadaro pashure pemakore angasvika matatu vachiona zvinoitwa naJesu uye vachinzwa zvaanodzidzisa. Asi vanhuwo vane chivi. Uye vakakurira muvanhu vanonamata vachiona kunge zvigaro nezvinzvimbo ndizvo zvinokosha. Uyezve Petro akaudzwa naJesu nguva pfupi yadarika kuti aizopiwa “kiyi” dzoUmambo. Kuti izvi zvingave zvava kumuita kuti afunge kuti mukuru kune vamwe? Jakobho naJohani vangave vachifungawo saizvozvo nokuti vakaona Jesu achishanduka.

Pasinei nokuti chii chiri kuita kuti vadaro, Jesu anogadzirisa maonero avo. Anodana kamwana, okamisa pakati pavo, oudza vadzidzi vake kuti: “Kana mukasatendeuka mova sevana vaduku, hamungambopindi muumambo hwokumatenga. Naizvozvo, munhu wose achazvininipisa somwana uyu muduku ndiye mukuru kuna vose muumambo hwokumatenga; uye munhu wose anogamuchira mwana muduku mumwe chete akadai nokuda kwezita rangu anondigamuchirawo.”—Mateu 18:3-5.

Apa avadzidzisa zvakazonaka! Haana kuvashatirirwa uye kuvaudza kuti vane makaro kana kuti vanoda zvigaro. Asi anovapa chidzidzo achishandisa zvavanoziva. Vana vaduku havafungi nezvechinzvimbo kana ukuru. Saka Jesu anoratidza vadzidzi vake kuti ndiwo maonero avanofanira kuzviita. Jesu anozopedzisa chidzidzo chacho kuvateveri vake, achiti: “Anozviita muduku pakati penyu mose ndiye mukuru.”—Ruka 9:48.