Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 67

“Hapana Mumwe Munhu Akambotaura Saizvozvi”

“Hapana Mumwe Munhu Akambotaura Saizvozvi”

JOHANI 7:32-52

  • VAKURU VAKURU VANOTUMWA KUNOSUNGA JESU

  • NIKODHIMO ANOTAURA ACHITSIGIRA JESU

Jesu achiri muJerusarema kuMutambo Wematebhenekeri (kana kuti Wematumba). Ari kufara kuti ‘vazhinji veboka revanhu vari kutenda maari.’ Asi vatungamiriri vechitendero havafadzwi nazvo. Vanotuma vakuru vakuru vari kuita semapurisa echitendero kuti vanomusunga. (Johani 7:31, 32) Asi Jesu haasi kutomboedza kuvavanda.

Panzvimbo pekudaro, Jesu ari kuenderera mberi achidzidzisa paruzhinji muJerusarema achiti: “Ndicharamba ndinemi kwenguva duku, ndisati ndaenda kuna iye akandituma. Muchanditsvaka, asi hamuzondiwani, uye hamungazouyi kwandinenge ndiri.” (Johani 7:33, 34) VaJudha havanzwisisi zvaari kureva saka vanotaurirana pachavo vachiti: “Munhu uyu anoda kuenda kupi, zvokuti hatizomuwani? Kuti anoda kuenda kuvaJudha vakapararira pakati pevaGiriki onodzidzisa vaGiriki vacho here? Mashoko aya anorevei aati, ‘Muchanditsvaka, asi hamuzondiwani, uye hamungazouyi kwandinenge ndiri’?” (Johani 7:35, 36) Zvisinei Jesu ari kutaura nezverufu rwake uye kumutswa achienda kudenga, kwaasingakwanisi kuzoteverwa nevavengi vake.

Rava zuva rechinomwe remutambo. Mangwanani ega ega pamutambo uyu mupristi anga achitora mvura mudziva reSiroami oidira ichiyerera nemuzasi meatari yepatemberi. Zvimwe achiyeuchidza vanhu nezvezvaiitwa nemupristi izvi, Jesu anotaura nenzwi riri pamusoro achiti: “Kana munhu aine nyota, ngaauye kwandiri anwe. Uya anotenda mandiri, sezvakataurwa noRugwaro, ‘Hova dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukatikati make.’”—Johani 7:37, 38.

Jesu ari kutaura nezvezvichaitika kana vadzidzi vake vazodzwa nemudzimu mutsvene uye vadanwa kuti vave netariro yeupenyu hwekudenga. Kuzodzwa uku kunoitika pashure perufu rwaJesu. Kutangira pazuva rePendekosti yegore richatevera, hova dzemvura inopa upenyu dzichatanga kuyerera sezvo vadzidzi vanenge vazodzwa nemudzimu vanenge vava kuudza vanhu chokwadi.

Vanzwa dzidziso dzaJesu vamwe vanoti: “Chokwadi uyu ndiye Muprofita.” Zviri pachena kuti vari kureva muprofita akavimbiswa kuti aizouya, uyo aizova mukuru kuna Mosesi. Vamwe vanoti: “Uyu ndiye Kristu.” Asi vamwe vanozviramba vachiti: “Ko Kristu anobva kuGarireya here? Rugwaro haruna kutaura here kuti Kristu anouya achibva kuvana vaDhavhidhi, uye kubva kuBhetrehema musha waigara Dhavhidhi?”—Johani 7:40-42.

Saka vanhu vari kufunga zvakasiyana-siyana. Kunyange zvazvo vamwe vari kuda kuti Jesu asungwe, hapana anombomugumha. Vakuru vakuru vaya pavanodzoka vasina Jesu, vapristi vakuru nevaFarisi vanovabvunza kuti: “Nei musina kuuya naye?” Vakuru vakuru vacho vanopindura vachiti: “Hapana mumwe munhu akambotaura saizvozvi.” Vatungamiriri vechitendero vanoshatiriswa nazvo votanga kutaura mashoko okunyomba vachiti: “Hamungadaro matsauswawo here? Pane mumwe wevatongi kana wevaFarisi [ati] atenda maari here? Asi boka revanhu iri risingazivi Mutemo, vanhu vakatukwa.”—Johani 7:45-49.

Mumwe muFarisi anonzi Nikodhimo, nhengo yedare reSanihedrini, anoshinga kutaura achitsigira Jesu. Makore maviri nehafu apfuura, Nikodhimo akauya kuna Jesu usiku akaratidza kuti aitenda maari. Iye zvino Nikodhimo anoti: “Ko mutemo wedu unotonga munhu kana usina kutanga wamunzwa uye wasvika pakuziva chaari kuita here?” Vanomupindura sei? “Asi newewo unobvawo kuGarireya? Ongorora uone kuti hapana muprofita achamutswa achibva kuGarireya.”—Johani 7:51, 52.

Magwaro haatauri hawo zviri pachena kuti pane muprofita aizobva muGarireya. Asi Shoko raMwari rakaratidza kuti Kristu aizobva ikoko; rakaprofita kuti “chiedza chikuru” chaizooneka ‘muGarireya yemamwe marudzi.’ (Isaya 9:1, 2; Mateu 4:13-17) Uye sezvakanga zvagara zvataurwa, Jesu akaberekerwa muBhetrehema, uye mwanakomana waDhavhidhi. Kunyange zvazvo vaFarisi vangave vachiziva izvi, ndivo vanofanira kunge vari kuparadzira mashoko asiri iwo ari muvanhu nezvaJesu.