Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 75

Jesu Anoratidza Kuti Chii Chinoita Kuti Munhu Afare

Jesu Anoratidza Kuti Chii Chinoita Kuti Munhu Afare

RUKA 11:14-36

  • KUDZINGA MADHIMONI “NOMUNWE WAMWARI”

  • ZVINOITA KUTI MUNHU ANYATSOFARA

Jesu achangobva kudzokorora mirayiridzo ine chekuita nekunyengetera, asi handiyo yoga nyaya inotaurwa kanopfuura kamwe chete muushumiri hwake. Paanga ari kuita zvishamiso muGarireya, Jesu akapomerwa kuti akanga ari kuzviita nesimba remutongi wemadhimoni. Iye zvino paava muJudhiya, anopomerwazve nyaya imwe chete iyoyo.

Jesu paanodzinga dhimoni raitadzisa mumwe murume kutaura, vanhu vanoshamiswa nazvo. Asi vaya vanomushora havafadzwi nazvo. Vanomupomerazve sezvavakamboita vachiti: “Anodzinga madhimoni achishandisa Bherizebhubhu mutongi wemadhimoni.” (Ruka 11:15) Vamwewo vanomukumbira kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga vachida kunyatsova nechokwadi chokuti Jesu ndiani.

Achiziva kuti vari kuda kumuedza, Jesu anovapindura sezvaakaita vanhu vaimushora vaakasangana navo muGarireya. Anotaura kuti kana umambo hukapesana pachahwo hunoparara. Anotiwo, “Kana Satani akapesana pachake, umambo hwake huchamira sei?” Jesu anobva avabudira pachena achiti: “Asi kana ndichidzinga madhimoni nomunwe waMwari, chokwadi umambo hwaMwari hwasvika kwamuri.”—Ruka 11:18-20.

Vateereri vaJesu pavanzwa achitaura ‘nezvemunwe waMwari’ vanofanira kunge vafunga nezvezvakamboitika munhoroondo yevaIsraeri. Vanhu vaiva mumuzinda waFarao pavakaona Mosesi achiita chishamiso vakadanidzira kuti: “Uyu munwe waMwari!” “Munwe waMwari” ndiwo wakanyorawo Mirayiro Gumi pamahwendefa maviri. (Eksodho 8:19; 31:18) Saizvozvowo “munwe waMwari” kureva mudzimu mutsvene wake kana kuti simba raanoshandisa kuita basa, ndiwo uri kuita kuti Jesu akwanise kudzinga madhimoni nekurapa vanorwara. Saka zvechokwadi Umambo hwaMwari hwasvika kwavari nekuti Jesu Kristu, uyo achava mambo weUmambo hwacho atoripo pakati pavo achiita mabasa aya.

Kukwanisa kwaJesu kudzinga madhimoni kunoratidza kuti ane simba kupfuura Satani, kungofanana nezvinoita munhu ane simba anokurira murindi wemuzinda akapakata zvombo. Jesu anodzokororawo mufananidzo wemudzimu usina kuchena unobuda mumunhu. Kana munhu iyeye akasaita zvinhu zvakanaka, mudzimu iwoyo unodzoka neimwe 7 zvokuti anotozowedzera kutambura kupfuura zvaanga achiita. (Mateu 12:22, 25-29, 43-45) Ndizvo chaizvo zviri kuitika kuvaIsraeri.

Mumwe mukadzi anofadzwa nezviri kutaurwa naJesu zvekuti anodanidzira kuti: “Rinofara dumbu rakakutakurai nemazamu amakayamwa!” Mukadzi wese wechiJudha aiva nechishuwo chekuzovawo amai vemuprofita, zvikurukuru Mesiya. Saka mukadzi uyu anogona kufunga kuti Mariya anofanira kufara saamai vemudzidzisi akanaka kudai.Asi Jesu anoruramisa mukadzi uyu achimuudza kuti chii chinoita kuti munhu anyatsofara paanoti: “Aiwa, panzvimbo paizvozvo, Vanofara vaya vanonzwa shoko raMwari vachirichengeta!” (Ruka 11:27, 28) Jesu haana kumbobvira aratidza kuti Mariya anofanira kupiwa ruremekedzo rwakakura kupfuura vamwe vakadzi. Mufaro wechokwadi unowanikwa pakuva vashumiri vaMwari vakatendeka, kwete kuti tine ukama nanhingi kana kuti takabudirira zvakadini muupenyu.

Sezvaakaita muGarireya, Jesu anotsiura vanhu vari kuda chiratidzo chinobva kudenga. Anotaura kuti hapana chiratidzo chavachapiwa kunze ‘kwechiratidzo chaJona.’ Jona akava chiratidzo pakuti akagara mudumbu rehove kwemazuva matatu uye akaparidza neushingi, izvo zvakaita kuti vaNinivhi vapfidze. Jesu anoti: “Asi, tarirai! mumwe munhu anopfuura Jona ari pano.” (Ruka 11:29-32) Jesu anopfuurawo Soromoni, murume aiva neuchenjeri hwakaita kuti mambokadzi weShebha auye kuzonzwa nezvahwo.

Jesu anowedzera kuti: “Munhu akabatidza rambi, haariisi mudura repasi pemba kana kurikwidibira nedengu rokuyeresa, asi anoriisa pachigadziko cherambi.” (Ruka 11:33) Anogona kunge ari kureva kuti kuparidza nekuita zvishamiso pamberi pevanhu ava kwakafanana nekuviga mwenje werambi. Zvichibva pakuti maziso avo haana kutarira chinhu chimwe chete, havasi kunzwisisa kuti nei ari kuita zvishamiso.

Jesu achangobva kudzinga dhimoni uye aita kuti mbeveve itaure. Izvi zvinofanira kukurudzira vanhu kuti vakudze Mwari uye vaudze vamwe zviri kuitwa naJehovha. Saka Jesu ane mashoko ekunyevera vanhu vanomushora; anoti: “Naizvozvo svinurirai. Zvichida chiedza chiri mamuri irima. Naizvozvo, kana muviri wako wose wakajeka pasina kana rutivi rune rima, wose uchava wakajeka sepaya rambi parinokuvhenekera nemwaranzi yaro.”—Ruka 11:35, 36.