Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 76

Jesu Anodya nemuFarisi

Jesu Anodya nemuFarisi

RUKA 11:37-54

  • JESU ANOSHORA UNYENGERI HWEVAFARISI

Ari muJudhiya, Jesu anobvuma kuenda kunodya nemuFarisi amukoka. Anofanira kunge akokwa kunodya zvekudya zvemasikati kwete zvemanheru. (Ruka 11:37, 38; enzanisa naRuka 14:12.) VaFarisi vane tsika yekuti kana vava kuda kudya vanogeza maoko kusvika kumagokora. Asi Jesu haadaro. (Mateu 15:1, 2) Kana munhu akazviita anenge asina kuita zvinopesana neMutemo waMwari, asi hazvisi zvinhu zvinototarisirwa naMwari kuti munhu aite.

MuFarisi amukoka anoshamiswa kuti nei asiri kutevedzera tsika iyoyo. Jesu anozviona obva ati: “Zvino imi vaFarisi, munochenesa kunze kwekapu nedhishi, asi mukati menyu makazara kupamba nouipi. Mapenzi! Akaita kunze haasi iye akaitawo mukati here?”—Ruka 11:39, 40.

Nyaya iripo haisi yekugeza maoko munhu asati adya, asi ndeyekunyengedza kwavari kuita vanhu pakunamata. VaFarisi nevamwe vanotevedzera tsika iyi yekugeza maoko, vanotadza kuchenesa mwoyo yavo pakuita zvakaipa. Saka Jesu anovatsiura achiti: “Ipai varombo zvinhu zviri mukati kuti zvive zvipo muchivanzwira ngoni, uye tarirai! zvimwe zvinhu zvose [zvichava] zvakachena kwamuri.” (Ruka 11:41) Ichi ichokwadi. Munhu anofanira kupa zvichibva pamwoyo, kwete pakuda kuonekwa nevamwe kuti anzi akarurama.

Hakusi kuti varume ava havatombopi zvachose. Jesu anotaura kuti: “Munopa chegumi chemindi neruyi nechemimwe miriwo yose, asi munodarika kururamisira uye kuda Mwari! Maisungirwa kuti muite zvinhu izvi, asi kwete kurega zvimwe zvinhu zviya.” (Ruka 11:42) Mutemo waMwari wairayira kuti munhu abvise chegumi chezvirimwa (chinhu chimwe chete pazvinhu gumi zvega zvega). (Dheuteronomio 14:22) Izvi zvaisanganisira zvirimwa zvakadai semindi neruyi, izvo zvaishandiswa pakurunga zvokudya. VaFarisi vainyatsova nechokwadi chekuti vapa chegumi chezvirimwa izvi, asi ko zvinhu zvinonyanya kukosha zvaitaurwa muMutemo, zvakadai sekutonga zvakarurama uye kuva nemwero pakufamba naMwari?—Mika 6:8.

Jesu anoenderera mberi achiti: “Mune nhamo imi vaFarisi, nokuti munoda zvigaro zvepamberi mumasinagogi nokukwaziswa pamisika! Mune nhamo imi, nokuti makafanana nemakuva aya asiri pachena, zvokuti vanhu vanofamba pamusoro pawo vasingazvizivi!” (Ruka 11:43, 44) Kana munhu aizongoerekana atsika makuva akadaro aibva ava asina kuchena maererano neMutemo. Jesu anoshandisa pfungwa iyi kuti abudise kuti kusachena kwevaFarisi hakusi pachena.—Mateu 23:27.

Mumwe murume anonyatsoziva Mutemo waMwari anonyunyuta achiti: “Mudzidzisi, pamunotaura zvinhu izvi munotizvidzawo.” Asi varume vakadai vanofanira kuziva kuti vari kutadza kubatsira vanhu. Jesu anoti: “Mune nhamo nemiwo munoziva Mutemo kwazvo, nokuti munotakudza vanhu mitoro yakaoma kutakura, asi imi hamubati mitoro yacho kana nomumwe weminwe yenyu! Mune nhamo imi, nokuti munovaka makuva evaprofita, asi madzitateguru enyu akavauraya!”—Ruka 11:45-47.

Mitoro iri kutaurwa naJesu itsika dzinoita zvekutaurwa nemiromo uye tsanangudzo dzemutemo dzinoitwa nevaFarisi. Varume ava vari kuomesera vanhu. Vanoramba vachida kuti vanhu vangoramba vachiita zvinhu zvinovaremera. Madzitateguru avo akauraya vaprofita vaMwari kubvira pana Abheri. Iye zvino vava kuita sevari kukudza vaprofita vacho nekuvakirira makuva avo, asi hapana kana pavakambosiyana nemadzitateguru avo. Vari kuda kutouraya muProfita mukuru waMwari. Jesu anoti Mwari achapa rudzi urwu mhosva yekuuraya vaprofita ava. Uye izvozvo ndizvo zvinozoitika pashure pemakore 38, mugore ra70 C.E.

Jesu anoenderera mberi achiti: “Mune nhamo imi munoziva Mutemo kwazvo, nokuti makabvisa kiyi yezivo; imi hamuna kupinda, uye makadzivisa vaya vaipinda!” (Ruka 11:52) Varume ava, avo vanofanira kunge vari kubatsira vanhu kunzwisisa Shoko raMwari, vari kutotadzisa vanhu kuriziva nekurinzwisisa.

VaFarisi nevanyori vanonzwa sei nemashoko aya? Jesu paanenge ava kubuda, vanotanga kupikisana naye zvehasha vachimunaya nemibvunzo. Havasi kubvunzira kuda kuziva. Asi vari kuda kuti Jesu avapindure nenzira inoita kuti vawane pekumusungira.