Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 80

Mufudzi Akanaka Uye Matanga Emakwai

Mufudzi Akanaka Uye Matanga Emakwai

JOHANI 10:1-21

  • JESU ANOTAURA NEZVEMUFUDZI AKANAKA UYE MATANGA EMAKWAI

Jesu paanoenderera mberi nekudzidzisa muJudhiya, anotaura nezvemakwai nematanga awo, izvo zvinonyatsozivikanwa nevateereri vake. Asi haasi kutaura nezvemakwai nematanga chaiwo. VaJudha vanogona kunge vachiyeuka mashoko aDhavhidhi okuti: “Jehovha ndiye Mufudzi wangu. Hapana chandingashayiwa. Anondirarisa mumafuro ane uswa huzhinji.” (Pisarema 23:1, 2) Mune rimwe pisarema, Dhavhidhi akaudza rudzi rwaIsraeri kuti: “Ngatipfugamei pamberi paJehovha Muiti wedu. Nokuti iye ndiye Mwari wedu, uye isu tiri vanhu vemafuro ake.” (Pisarema 95:6, 7) Izvi zvinoratidza kuti kubvira kare, vaIsraeri avo vaiva pasi peMutemo, vaifananidzwa neboka remakwai.

VaIsraeri ava vari kufananidzwa ‘nemakwai’ ari “mudanga remakwai” pakuti vakaberekerwa musungano yeMutemo waMosesi. Mutemo waiita sefenzi yaivaparadzanisa kuti vasakanganiswa nevamwe vanhu vakanga vasiri pasi pawo. Asi vamwe vaIsraeri vaibata makwai aMwari zvisina kunaka. Jesu anoti: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, Asingapindi mudanga remakwai nepasuo asi anokwira nepane imwe nzvimbo, iyeye imbavha nomupambi. Asi anopinda nepasuo ndiye mufudzi wemakwai.”—Johani 10:1, 2.

Vanhu vanogona kuona kuti vari kufananidzwa nembavha nevapambi ndevaya vaizviita vanaMesiya kana kuti Kristu. Vanhu havafaniri kutevera vanyengeri ava. Panzvimbo paizvozvo, vanofanira kutevera “mufudzi wemakwai,” uyo anotaurwa nezvake naJesu achinzi:

“Muchengeti wesuo anomuvhurira, makwai anoteerera inzwi rake, uye anoshevedza makwai ake nemazita, oatungamirira kunze. Paanenge abudisa ake ose, anoenda mberi kwawo, uye makwai anomutevera, nokuti anoziva inzwi rake. Haangamboteveri munhu waasingazivi asi achamutiza, nokuti iwo haazivi inzwi revanhu vaasingazivi.”—Johani 10:3-5.

Semuchengeti wesuo, Johani Mubhabhatidzi, akanga azivisa kuti Jesu ndiye aifanira kuteverwa nemakwai aya ekufananidzira aiva pasi peMutemo. Uye mamwe makwai emuGarireya uye muJudhiya muno, akwanisa kuziva inzwi raJesu. ‘Achaatungamirira’ achienda nawo kupi? Uye chii chichaitika kana akamutevera? Vamwe vari kunzwa mufananidzo uyu vanogona kushamisika nekuti ‘havasi kuziva zviri kurehwa nezvaari kutaura.’—Johani 10:6.

Jesu anotsanangura kuti: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, Ndini suo remakwai. Vose vakauya munzvimbo yangu imbavha nevapambi; asi makwai haana kuvateerera. Ndini suo; munhu wose anopinda nepandiri achaponeswa, achapinda nokubuda uye achawana mafuro.”—Johani 10:7-9.

Zviri pachena kuti nyaya iri kutaurwa apa naJesu itsva. Vateereri vake vanoziva kuti haasi suo resungano yeMutemo iyo yava nemazana emakore iripo. Saka anofanira kunge ari kureva kuti makwai aari ‘kutungamirira’ achapinda mune rimwe danga. Zvozoita sei?

Achiwedzera kutsanangura nezvebasa rake, Jesu anoti: “Ndakauya kuti iwo ave noupenyu uye kuti ave nahwo huri huzhinji. Ndini mufudzi akanaka kwazvo; mufudzi akanaka kwazvo anopa mweya wake nokuda kwemakwai.” (Johani 10:10, 11) Jesu akanga ambonyaradza vadzidzi vake achiti: “Musatya, imi boka duku, nokuti Baba venyu vakabvumira kukupai umambo.” (Ruka 12:32) Zvechokwadi vaya vari ‘muboka duku’ ndivo vachatungamirirwa naJesu kupinda mudanga idzva, kuitira kuti ‘vave noupenyu uye kuti vave nahwo huri huzhinji.’ Kuva muboka iri chikomborero zvechokwadi!

Asi nyaya yacho haiperere ipapo. Jesu anoti: “Ndine mamwe makwai, asiri edanga rino; iwayowo ndinofanira kuuya nawo, achateerera inzwi rangu, uye achava boka rimwe chete, pasi pomufudzi mumwe chete.” (Johani 10:16) “Mamwe makwai” aya haasi “edanga rino.” Saka anofanira kunge ari erimwe danga, rakasiyana ‘nereboka duku’ iro richagara nhaka yeUmambo. Makwai ari mumatanga maviri aya ane tariro dzakasiyana. Asi makwai acho ose achabatsirwa nebasa raJesu. Anoti: “Ndokusaka Baba vachindida, nokuti ndinopa mweya wangu.”—Johani 10:17.

Vakawanda vari mumhomho iyi yevanhu vanoti: “Ane dhimoni uye anopenga.” Asi vamwe vanoratidza kuti vari kuteerera nechido uye kuti vanoda kutevera Mufudzi Akanaka. Vanoti: “Aya haasi mashoko omunhu akabatwa nedhimoni. Dhimoni ringagona kusvinudza maziso emapofu here?” (Johani 10:20, 21) Apa vari kutaura nezvekuporeswa kwakaitwa murume uya akazvarwa ari bofu.