Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 81

Jesu Nababa Vake Vamwe Chete, Asi Haasi Mwari

Jesu Nababa Vake Vamwe Chete, Asi Haasi Mwari

JOHANI 10:22-42

  • “INI NABABA TIRI VAMWE”

  • JESU ANORAMBA ZVAARI KUPOMERWA KUTI ATI NDIYE MWARI

Jesu auya kuJerusarema kuMutambo Wetsauriro (uyo unonziwo Hanuka). Mutambo uyu ndewekucherechedza kutsaurirwazve kwetemberi. Makore anenge 100 apfuura, Mambo Antiochus IV Epiphanes wekuSiriya akanga avaka atari pamusoro peatari huru yetemberi yaMwari. Asi nekufamba kwenguva vana vemumwe mupristi wechiJudha vakatorazve guta reJerusarema rakanga rapambwa vakabva vatsaurirazve temberi kuna Jehovha. Kubvira ipapo, pane mutambo wepagore unoitwa musi wa25 Kisrevhi, mwedzi unoenderana nekupera kwaNovember uye kutanga kwaDecember.

Inguva yechando. Jesu ari kufamba mutemberi muvharanda raSoromoni. VaJudha vanobva vamuunganira vachitaura zvehasha kuti: “Uchaita kuti mweya yedu irambe isingazivi kusvikira rini? Kana uri Kristu, tiudze usingambovanzi.” (Johani 10:22-24) Jesu achavapindura sei? Anopindura achiti: “Ndakakuudzai, asi hamutendi.” Jesu haana kuvaudza pachena kuti ndiye Kristu sezvaakaita kumukadzi uya wekuSamariya patsime. (Johani 4:25, 26) Asi akaratidza kuti ndiye Kristu paakati: “Abrahamu asati avapo, ini ndaivapo.”—Johani 8:58.

Jesu ari kuda kuti vanhu vazvionere vega kuti ndiye Kristu vachitarisa mabasa ake voaenzanisa nezvakanga zvataurwa kuti zvaizoitwa naKristu. Izvi ndizvo zvaiita kuti dzimwe nguva audze vadzidzi vake kuti vasaudze chero ani kuti ndiye Mesiya. Asi iye zvino anozonyatsobudira pachena vaJudha ava vanomuvenga achiti: “Mabasa andiri kuita muzita raBaba vangu, iwaya anondipupurira. Asi hamutendi.”—Johani 10:25, 26.

Nei vasingatendi kuti Jesu ndiye Kristu? Anoti: “Hamutendi, nokuti hamusi makwai angu. Makwai angu anoteerera inzwi rangu, uye ini ndinoaziva, uye anonditevera. Ndinoapa upenyu husingaperi, uye haazomboparadzwi, uye hapana achaabvuta muruoko rwangu. Chandakapiwa naBaba vangu chinhu chikuru kune zvimwe zvinhu zvose.” Jesu anobva avaudza kuti ari pedyo zvakadini naBaba vake achiti: “Ini naBaba tiri vamwe.” (Johani 10:26-30) Jesu ari pasi pano uye Baba vake vari kudenga, saka haasi kureva kuti iye ndiye Baba vake. Asi vamwe chete pakuti chinangwa chavo chimwe chete.

Mashoko aJesu anoshatirisa vaJudha zvokuti vanonhongazve matombo vachida kumuuraya. Asi Jesu haavhunduke. Anoti: “Ndakakuratidzai mabasa mazhinji akanaka kwazvo akabva kuna Baba. Nderipi remabasa iwayo ramuri kunditemera nematombo?” Vanopindura vachiti: “Hatisi kukutema nematombo nokuda kwebasa rakanaka kwazvo, asi nokuti wamhura, nokuti iwe, . . . unozviita mwari.” (Johani 10:31-33) Jesu haana kumbobvira azviita mwari, saka nei vari kumupomera vachidai?

VaJudha vanofunga kuti masimba ari kunzi naJesu anawo anofanira kunge ari aMwari chete. Somuenzaniso vanofunga kuti hapana munhu anogona kuita zvinotaurwa naJesu nezvemakwai paanoti; “Ndinoapa upenyu husingaperi.” (Johani 10:28) Chisiri kufungwa nevaJudha ndechekuti Jesu ataura pachena kuti akapiwa simba naBaba vake.

Achiramba zvavari kumupomera, Jesu anobvunza kuti: “Hazvina here kunyorwa muMutemo wenyu [pana Pisarema 82:6], kuti, ‘Ndakati: “Muri vanamwari”’? Kana iye akashevedza vaya vakaunzirwa shoko raMwari kuti ‘vanamwari,’ . . . munoti kwandiri uyo Baba vakatsvenesa, vakatuma munyika, ‘Unomhura,’ nokuti ndati, Ndiri Mwanakomana waMwari here?”—Johani 10:34-36.

Magwaro anototaura nezvevatongi vanotonga zvisina kururama achivati ‘vanamwari.’ Saka vaJudha ava vangapa Jesu mhosva sei paari kuti “Ndiri Mwanakomana waMwari”? Anobva ataura chimwe chinhu chinofanira kubva chavaratidza chokwadi nezvake paanoti: “Kana ndisiri kuita mabasa aBaba vangu, musanditenda. Asi kana ndiri kuaita, kunyange musinganditendi, tendai mabasa acho, kuti musvike pakuziva uye murambe muchiziva kuti Baba vari pamwe neni uye ini ndiri pamwe naBaba.”—Johani 10:37, 38.

Mashoko aJesu anoita kuti vaJudha vade kuedza kumubata asi anovatiza sezvaakamboita. Anobva muJerusarema oyambuka Jodhani oenda kunzvimbo yakatanga kubhabhatidzwa vanhu naJohani makore anenge mana adarika. Nzvimbo iyi inofanira kunge isiri kure nekumaodzanyemba kweGungwa reGarireya.

Vanhu vakawanda vanouya kuna Jesu voti: ‘Johani, haana kuita kunyange chiratidzo chimwe chete, asi zvinhu zvose zvakataurwa naJohani pamusoro pomunhu uyu zvose zvaiva zvechokwadi.’ (Johani 10:41) Naizvozvo vaJudha vakawanda vanotenda muna Jesu.