Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 82

Ushumiri hwaJesu muPereya

Ushumiri hwaJesu muPereya

RUKA 13:22–14:6

  • KUPINDA NESUO RAKAMANIKANA KUNODA KUSHANDA NESIMBA

  • JESU ANOFANIRA KUFIRA MUJERUSAREMA

Jesu anga achidzidzisa nekurapa vanhu muJudhiya nemuJerusarema. Iye zvino ayambuka Jodhani kuti aparidze muguta neguta munharaunda yePereya. Asi pasina nguva anenge adzoka muJerusarema.

Ari muPereya kudaro, mumwe murume anomubvunza kuti: “Ishe, vaya vachaponeswa vashoma here?” Murume uyu anofanira kunge ari kuziva kuti vatungamiriri vechitendero vanoitisana nharo panyaya iyi, vamwe vachiti vakawanda vamwe vachiti vashoma. Jesu anochinja nyaya yacho kubva pakuti vangani vachaponeswa otaura zvinofanira kuitwa nemunhu kuti aponeswe. Anoti: “Shandai nesimba kuti mupinde nesuo rakamanikana.” Panotoda kurwisa kuti munhu apinde. Nechikonzero chei? Jesu anotsanangura kuti: “Nokuti ndinokuudzai kuti vazhinji vachatsvaka kupinda asi havazokwanisi.”—Ruka 13:23, 24.

Achipa mufananidzo unoratidza kuti hazvisi nyore kuti munhu apinde, Jesu anoti: “Kana muridzi wemba angosimuka, akakiya suo, . . . motanga kumira kunze muchigogodza pasuo, muchiti, ‘Changamire, tivhurireiwo.’ . . . achataura, oti kwamuri, ‘Handizivi kwamunobva. Ibvai kwandiri, imi mose vanoita zvisina kururama!’”—Ruka 13:25-27.

Mufananidzo uyu unoratidza dambudziko rinosangana nemunhu anenge anonoka, zvimwe nekuti anenge auya nguva yaanoda, osvika suo ravharwa uye rakiyiwa. Aifanira kunge akurumidza, kunyange zvazvo nguva yacho yanga isina kumunakira. Ndizvo zvakaitikawo kune vakawanda vangadai vakabatsirwa nedzidziso dzaJesu. Vakatadza kushandisa mukana wacho kuita kuti kunamata kwechokwadi kuve kunokosha zvikuru muupenyu. Jehovha akatuma Jesu senzira yekuponesa vanhu ava asi vakawanda vevanhu vacho vakamuramba. Jesu anotaura kuti ‘vachasvimha misodzi nokugeda-geda mazino avo’ pavachakandwa panze. Asi vanhu vanobva “kumativi okumabvazuva nokumavirira, uye kuchamhembe nokumaodzanyemba,” kureva vanhu vemarudzi ose, vachagara “patafura muumambo hwaMwari.”—Ruka 13:28, 29.

Jesu anotsanangura kuti: “Kune vaya vokupedzisira [kureva vanhu vasiri vaJudha nevamwe vaJudha vakadzvanyirirwa] vachava vokutanga, uye kune vaya vokutanga [kureva vaJudha vanoremekedzwa panyaya dzokunamata vachidada nekuti vazukuru vaAbrahamu] vachava vokupedzisira.” (Ruka 13:30) VaJudha ava vasiri kutenda zvavari kuitirwa naJesu vachanzi “vokupedzisira” pakuti havazove muUmambo hwaMwari zvachose.

Vamwe vaFarisi vanouya kuna Jesu vomunyevera kuti abve munharaunda iyoyo vachiti: “Herodhi [Andipasi] anoda kukuuraya.” Zvimwe Mambo Herodhi akataura mashoko aya kuti Jesu akanzwa runyerekupe rwacho abve atiza munzvimbo yacho. Herodhi anogona kunge ari kutya kuti angazopedzisira aita kuti mumwe muprofita aurayiwe sezvaakaita Johani Mubhabhatidzi. Asi Jesu anoudza vaFarisi vacho kuti: “Endai munoudza gava iroro kuti, ‘Tarira! ndiri kubudisa madhimoni nokurapa nhasi namangwana, uye pazuva rechitatu ndinenge ndapedza.’” (Ruka 13:31, 32) Zvimwe Jesu ari kudana Herodhi kuti gava nekuti anonzvenga nzvenga vavengi vake sezvinongoita gava. Zvisinei, Jesu haasi kuzobvuma kusiyira basa rake panzira nokuda kwaHerodhi kana ani zvake. Acharamba achiita basa raakapiwa naBaba vake, maererano neurongwa hwaMwari asingatevedzeri zvinotaurwa nemunhu.

Jesu anosimudzira rwendo rwake akananga kuJerusarema nekuti anoti, “hazvitenderwi kuti muprofita aparadzirwe kunze kweJerusarema.” (Ruka 13:33) Hapana uprofita hweBhaibheri hunoratidza kuti Mesiya anofanira kufira muguta iroro, saka sei Jesu achiti anofanira kufira ikoko? Nekuti Jerusarema ndiro guta guru, uko kune dare repamusoro reSanihedrini rine vatongi 71, uye ndiko kunotongerwa vanhu vanenge vapomerwa kuti vaprofita venhema. Ndikowo kunoenda vanhu kana vachida kupa zvibayiro zvemhuka. Saka Jesu anoona kuti haangambourayirwa kune imwe nzvimbo.

Jesu anotaura mashoko anoratidza kurwadziwa kwaari kuita paanoti: “Jerusarema, Jerusarema, muurayi wevaprofita neanotema nematombo vaya vakatumwa kwaari—ndaida kazhinji sei kuunganidza vana vako sokuunganidza kunoita nhunzvi nhiyo dzayo pasi pemapapiro ayo, asi imi hamuna kuzvida! Tarirai! Maramwirwa imba yenyu.” (Ruka 13:34, 35) Rudzi urwu rwuri kuramba Mwanakomana waMwari uye izvozvo ndizvo zvichaita kuti varambwe.

Jesu asati asvika kuJerusarema, mumwe mutungamiriri wevaFarisi anomukoka kumba kwake kuti vazodya. Musi weSabata, saka vamwe vakokwa vanoda kuona kuti Jesu achaita sei nemumwe murume aripo ane rukandwe (chirwere chinoita kuti mvura iungane munhengo dzemuviri kunyanya mumakumbo nemutsoka). Jesu anobvunza vaFarisi nevaya vanoziva Mutemo kuti: “Zvinobvumirwa here nomutemo kurapa pasabata kana kuti kwete?”—Ruka 14:3.

Hapana anomupindura. Jesu anobva aporesa murume wacho ovabvunza kuti: “Ndiani wenyu, anoti kana mwanakomana wake kana nzombe ikawira mutsime, asingabvi amubudisa nezuva resabata?” (Ruka 14:5) VaFarisi vanoonawo kuti zvataurwa naJesu ndezvechokwadi saka hapana kana mumwe wavo anoti bufu.