Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 89

Anodzidzisa muPereya Achienda kuJudhiya

Anodzidzisa muPereya Achienda kuJudhiya

RUKA 17:1-10 JOHANI 11:1-16

  • KUKANGANISA KUTENDA KWEVAMWE IMHOSVA YAKAKURA

  • KANGANWIRA UYE IVA NEKUTENDA

Jesu ava nenguva ari muPereya, “mhiri kwaJodhani.” (Johani 10:40) Iye zvino ava kufamba achienda kumaodzanyemba akananga kuJerusarema.

Haasi ega. Vadzidzi vake vari kufambawo naye uye panewo “mapoka makuru evanhu,” kusanganisira vateresi nevatadzi. (Ruka 14:25; 15:1) Vanyori nevaFarisi avo vanoshora zvaanoita nezvaanotaura varipowo. Vanofanira kufungisisa chaizvo mifananidzo ichangobva kutaurwa naJesu inoti, wegwai rakarasika, wemwanakomana akarasika uye wemupfumi naRazaro.—Ruka 15:2; 16:14.

Zvimwe pfungwa dzaJesu dzichiri pakushorwa nekunyombwa kwaanga achiitwa nevanhu vanomupikisa. Saka anotanga kutaura nevadzidzi vake achivaudza zvimwe zvezvinhu zvaakambodzidzisa ari kuGarireya.

Somuenzaniso, anoti: “Hazviiti kuti zvinhu zvinogumbura zvirege kuuya. Kunyange zvakadaro, ane nhamo uyo wazvinouya nokwaari! . . . Zvichenjererei. Kana hama yako ikakutadzira itsiure, kana ikapfidza ikanganwire. Kunyange kana ikakutadzira kanomwe pazuva, ikadzoka kwauri kanomwe, ichiti, ‘Ndapfidza,’ unofanira kuikanganwira.” (Ruka 17:1-4) Mashoko ekupedzisira aya anogona kuyeuchidza Petro nezvemubvunzo waakambobvunza nezvekukanganwira kanokwana kanomwe.—Mateu 18:21.

Vadzidzi vachakwanisa here kuita zviri kutaurwa naJesu? Pavanoti kuna Jesu, “Tiwedzereiwo kutenda,” anovavimbisa kuti: “Kudai maiva nokutenda kwakakura setsanga yemasitadhi, maizoti kumuhabhurosi uyu, ‘Dzupuka uzvisime mugungwa!’ uye iwo waizokuteererai.” (Ruka 17:5, 6) Zvechokwadi kunyange kutenda kuduku kunogona kuita zvinhu zvikuru.

Jesu anoenderera mberi achidzidzisa kukosha kwekuzvininipisa paanoudza vaapostora vake kuti: “Ndiani wenyu ane muranda anenge achirima kana anenge achichengeta boka rezvipfuwo angati kwaari kana asvika achibva kumunda, ‘Chibva wauya pano utsenhame patafura’? Panzvimbo paizvozvo, haangati here kwaari, ‘Ndigadzirire chimwe chinhu kuti ndidye kudya kwangu kwemanheru, upfeke epuroni, undishumire kusvikira ndapedza kudya nokunwa, uye pashure iwewo wozodya hako nokunwa’? Iye angaonga muranda wacho nokuti aita zvinhu zvaakanzi anofanira kuita here? Naizvozvo nemiwo, kana maita zvinhu zvose zvamunenge manzi muite, itii, ‘Tiri varanda pasina. Zvataita ndizvo zvataifanira kuita.’”—Ruka 17:7-10.

Mushumiri wese waMwari anofanira kunzwisisa kuti kuisa zvinhu zvaMwari pekutanga muupenyu kwakakosha. Uye mumwe nemumwe anofanira kuyeuka kuti kushumira Mwari musangano rake chikomborero.

Zvimwe achangobva kutaura izvi, imwe nhume inobva yasvika. Yatumwa naMariya naMarita, hanzvadzi dzaRazaro, avo vanogara muBhetani kuJudhiya. Nhume yacho inoti: “Ishe, onai! uya wamunoda kwazvo ari kurwara.”—Johani 11:1-3.

Kunyange zvazvo anzwa kuti shamwari yake Razaro yarwara chaizvo, Jesu haarwadziwe zvokushaya pokutangira. Anoti: “Kurwara uku hakuna vavariro yokuuraya, asi ndekwokuti Mwari akudzwe, kuti Mwanakomana waMwari akudzwe nakwo.” Anoramba ari munzvimbo yaari kwemazuva maviri, ozoudza vadzidzi vake kuti: “Ngatiendeizve kuJudhiya.” Vadzidzi vanogunun’una vachiti: “Rabhi, nguva ichangobva kupfuura vanhu vomuJudhiya vakanga vachitsvaka kukutemai nematombo, zvino mava kuenda ikoko zvakare here?”—Johani 11:4, 7, 8.

Jesu anovapindura achiti: “Hapana maawa gumi nemaviri echiedza chemasikati here? Kana munhu akafamba muchiedza chemasikati hapana paanorovera, nokuti anoona chiedza chenyika ino. Asi kana munhu akafamba usiku, anorovera pane chimwe chinhu, nokuti chiedza hachisi maari.” (Johani 11:9, 10) Anofanira kunge ari kureva kuti nguva yaakanzi naMwari aite ushumiri hwake haisati yapera. Saka ari kufanira kunyatsoshandisa nguva shoma yaasarirwa nayo.

Jesu anowedzera kuti: “Razaro shamwari yedu azorora, asi ndiri kuenda ikoko kunomumutsa muhope.” Zvimwe vachifunga kuti Razaro akangozororawo hake uye kuti achapora, vadzidzi vanoti: “Ishe, kana azorora, achapora.” Jesu anovataurira pachena kuti: “Razaro afa . . . Asi ngatiendei kwaari.”—Johani 11:11-15.

Tomasi anoziva kuti Jesu anogona kuurayiwa muJudhiya, asi nekuti ane chido chekumutsigira, anokurudzira vamwe vadzidzi achiti: “Ngatiendeiwo, kuti tife naye.”—Johani 11:16.