Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 96

Anopindura Mubvunzo Wemutongi Wechiduku Akapfuma

Anopindura Mubvunzo Wemutongi Wechiduku Akapfuma

MATEU 19:16-30 MAKO 10:17-31 RUKA 18:18-30

  • MUMWE MURUME AKAPFUMA ANOBVUNZA NEZVOUPENYU HUSINGAPERI

Jesu achiri muPereya maari kupfuura nemo akananga kuJerusarema. Mumwe murume wechiduku akapfuma anomumhanyira omugwadamira. Murume uyu anofanira kunge ari ‘mumwe wevatongi,’ zvichida achishanda semutungamiriri wesinagogi kana kuti senhengo yedare reSanihedrini. Anobvunza kuti: “Mudzidzisi Akanaka, ndingaitei kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?”—Ruka 8:41; 18:18; 24:20.

Jesu anomupindura kuti: “Nei uchinditi akanaka? Hapana munhu akanaka, kunze kwomumwe chete, iye Mwari.” Pamwe murume wacho ari kushandisa shoko rokuti “akanaka” sezita rokuremekedza, izvo zvinoitwa navanarabhi. Kunyange zvazvo Jesu ari mudzidzisi akanaka, anoudza murume uyu kuti zita rekuti “Akanaka” rakakodzera Mwari chete.

Jesu anomupa zano rekuti: “Kana uchida kupinda muupenyu, ramba uchichengeta mirayiro.” Saka murume wacho wechiduku anobvunza kuti: “Ipi yacho?” PaMirayiro Gumi, Jesu anobva ataura mishanu yacho inotaura nezvokuponda, upombwe, kuba, kupupurira nhema, uye kukudza vabereki. Anobva awedzera mumwe murayiro unokosha wokuti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.”—Mateu 19:17-19.

Murume wacho anopindura kuti: “Ndakachengeta yose iyi; chii chasara kuti ndiite?” (Mateu 19:20) Anogona kunge ari kufunga kuti pane chimwe chinhu chikuru chakanaka chaari kufanira kuita kuti akwanise kuwana upenyu husingaperi. Jesu ‘anomuda’ nekuti anoona kuti ari kubvunza nemwoyo wose. (Mako 10:21) Asi murume uyu ane chimwe chipingamupinyi chiri pamberi pake.

Murume wacho anoda chaizvo zvinhu zvaainazvo, saka Jesu anoti: “Wasarirwa nechinhu chimwe chete: Enda, tengesa zvinhu zvauinazvo upe varombo, uye uchava nepfuma kudenga, uuye uve muteveri wangu.” Murume uyu anogona kupa mari yaainayo varombo, avo vasingagoni kumudzorera, obva ava muteveri waJesu. Asi zvinosuwisa Jesu kuona murume wacho achisimuka akasuruvara achienda. Kuda kwaanoita “zvinhu zvizhinji” zvaainazvo, kureva pfuma yake, kwaita kuti asaona pfuma yechokwadi. (Mako 10:21, 22) Jesu anoti: “Chichava chinhu chakaoma sei kuti vaya vane mari vapinde muumambo hwaMwari!”—Ruka 18:24.

Vadzidzi vanokatyamadzwa nemashoko iwayo neaanozotaura paanoti: “Chokwadi, zviri nyore kuti ngamera ipinde nepaburi retsono yokusonesa pane kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.” Mashoko aya anoita kuti vadzidzi vabvunze kuti: “Chokwadi, ndiani angaponeswa?” Hapana munhu anotombokwanisa kupona here? Jesu anovatarisa opindura kuti: “Zvinhu zvisingabviri kuvanhu zvinobvira kuna Mwari.”—Ruka 18:25-27.

Petro anotaura kuti iye nevamwe vadzidzi vakaita chisarudzo chakasiyana nechaitwa nemurume uya akapfuma paanoti: “Tarirai! Isu takasiya zvinhu zvose tikakuteverai; chokwadi chii chatichawana?” Jesu anovaudza kuti chisarudzo chavakaita chichavabatsira sei paanoti: “Pakusikwazve, Mwanakomana womunhu paanogara pachigaro chake choumambo chinobwinya, imi makanditevera muchagarawo pazvigaro zvoumambo zvine gumi nezviviri, muchitonga madzinza ane gumi nemaviri aIsraeri.”—Mateu 19:27, 28.

Zviri pachena kuti Jesu ari kutaura nezvezvichaitika mune ramangwana pakusikwazve, kureva pakudzorerwa kwezvinhu pazvakanga zviri mubindu reEdheni.Petro nevamwe vadzidzi vachatonga nyika iyoyo inenge yava Paradhiso pamwe naJesu, unova mubayiro unopfuura nekure zvimwe zvinhu zvose zvavangarasikirwa nazvo.

Asi zvikomborero zvacho hazvisi mune ramangwana chete. Vadzidzi vake vari kutowana zvimwe zvacho iye zvino. Jesu anoti: “Hapana munhu akasiya imba kana mudzimai kana vanun’una kana vabereki kana vana nokuda kwoumambo hwaMwari asingazombowani zvakapetwa kazhinji munguva ino, uye upenyu husingaperi mumamiriro ezvinhu epanguva inouya.”—Ruka 18:29, 30.

Kwese kwavangava vari, vadzidzi vanowadzana nevamwe vavanonamata navo avo vari pedyo navo zvikuru kupfuura vemumhuri dzavo. Zvinoita sekuti mutongi wechiduku uyu akapfuma haasi kuzowana chikomborero ichocho uye mubayiro weupenyu muUmambo hwaMwari kudenga. Zvinosuwisa chaizvo!

Jesu anowedzera kuti: “Asi vazhinji vokutanga ndivo vachava vokupedzisira uye vokupedzisira vokutanga.” (Mateu 19:30) Ari kurevei?

Mutongi wechiduku akapfuma ari pakati ‘pevokutanga’ sezvo ari mumwe wevatungamiriri vechiJudha. Semunhu anotochengeta mirayiro yaMwari, zvinofanira kuva nyore kuti ave mudzidzi. Zvisinei, ari kunyanya kukoshesa pfuma kupfuura zvimwe zvose muupenyu. Asi vanhu vakaderera, vanoona kuti dzidziso dzaJesu ichokwadi uye inzira inowanisa upenyu. Vakanga vakaita sevanhu “vokupedzisira,” asi iye zvino vava “vokutanga.” Vane tarisiro yekuzogara pazvigaro zvoUmambo kudenga vaina Jesu vachitonga vanhu vanenge vari muParadhiso pasi pano.