Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 97

Mufananidzo Wevashandi Vomumunda Wemizambiringa

Mufananidzo Wevashandi Vomumunda Wemizambiringa

MATEU 20:1-16

  • VASHANDI “VOKUPEDZISIRA” MUMUNDA WEMIZAMBIRINGA VANOVA “VOKUTANGA”

Jesu achangobva kuudza vateereri vake muPereya kuti “vokutanga ndivo vachava vokupedzisira uye vokupedzisira vokutanga.” (Mateu 19:30) Anosimbisa mashoko iwayo nemufananidzo wevashandi vemumunda wemizambiringa:

“Umambo hwokumatenga hwakafanana nomurume, muridzi wemba, akafumira kunotsvaka vanhu vemaricho kuti vashande mumunda wake wemizambiringa. Paakanga abvumirana nevashandi nokuda kwedhinari pazuva, akavatumira mumunda wake wemizambiringa. Achibudazve inenge awa yechitatu, akaona vamwe vamire pamusika vasina chavaiita; uye kune ivavo akati, ‘Nemiwo, pindai mumunda wemizambiringa, uye ndichakupai chose chinenge chakakodzera.’ Naizvozvo vakaenda. Akabudazve painenge awa yechitanhatu neyechipfumbamwe akaita saizvozvo. Pakupedzisira, inenge awa yechigumi neimwe chete akabuda akawana vamwe vamire, akati kwavari, ‘Nei maswera makamira pano pasina chamuri kuita?’ Ivo vakati kwaari, ‘Nokuti hapana munhu atitora.’ Iye akati kwavari, ‘Nemiwo pindai mumunda wemizambiringa.’”—Mateu 20:1-7.

Pavanonzwa mashoko okuti “Umambo hwokumatenga” uye “muridzi wemba,” zvichida vanhu vakateerera Jesu vanobva vafunga nezvaJehovha. Magwaro anofananidza Jehovha nemuridzi wemunda wemizambiringa, munda wacho uchifananidzira rudzi rwevaIsraeri. (Pisarema 80:8, 9; Isaya 5:3, 4) Vaya vari musungano yeMutemo vanofananidzwa nevashandi vemumunda wemizambiringa. Asi mufananidzo waJesu hausi kureva zvinhu izvi zvakapfuura. Ari kutsanangura zvinhu zviri kutoitika panguva iyoyo.

Vatungamiriri vechitendero, vakadai sevaFarisi avo vakaedza Jesu nezvenyaya yokurambana mazuva mashomanana apfuura, vari kuita sevagara vari mubasa raMwari. Vakaita sevashandi vaswera pabasa vanotarisira kupiwa dhinari, mari inopiwa munhu anenge ashanda muswere wose.

Vapristi nevamwe vari muboka iri vanoona vaJudha vakaderera sevasingashumiri Mwari zvakakwana, kungofanana nevashandi vanouya kubasa vamwe vatotanga. Mumufananidzo waJesu, ava ndivo varume vanopinzwa basa “inenge awa yechitatu” (9:00 dzemangwanani) kana kuti vanopinzwa zuva raenda sepaawa yechitanhatu, yechipfumbamwe, uye yechigumi neimwe (5:00 dzezuva rovira).

Varume nevakadzi vari kutevera Jesu vanoonekwa ‘sevanhu vakatukwa.’ (Johani 7:49) Kweupenyu hwavo hwose vanga vachiita basa rokubata hove nemamwewo mabasa akaderera. Asi gore ra29 C.E. rava kunopera, “tenzi womunda wemizambiringa” akatuma Jesu kuti anodana vanhu ivava kuti vashandire Mwari sevadzidzi vaKristu. Ndivo “vokupedzisira” vanonzi naJesu vanotanga basa paawa yechigumi neimwe.

Jesu anopedzisa mufananidzo wake nekutsanangura zvinozoitika basa rava kunopera: “Ava manheru, tenzi womunda wemizambiringa akati kumunhu wake aitarisira, ‘Shevedza vashandi uvabhadhare mibayiro yavo, uchibvira pane wokupedzisira kusvikira kune wokutanga.’ Varume veawa yechigumi neimwe chete pavakasvika, mumwe nomumwe akagamuchira dhinari. Naizvozvo, vokutanga pavakasvika, vakabva vafunga kuti vaizogamuchira akawanda; asi vakagamuchirawo mubhadharo wedhinari. Pavakarigamuchira, vakatanga kugunun’unira muridzi wemba, vakati, ‘Vokupedzisira ava vashanda awa imwe chete; asi mavaenzanisa nesu taswera tichishanda tichipiswa kwazvo!’ Asi achipindura mumwe wavo, iye akati, ‘Shamwari, handisi kukuitira zvakaipa. Hauna kubvumirana neni dhinari here? Tora zvinhu zvako, uende. Ndinoda kupa wokupedzisira uyu zvakafanana nezvako. Hazvibvumirwi nomutemo here kuti ini ndiite zvandinoda nezvinhu zvangu? Kana kuti ziso rako rakaipa nokuti ini ndakanaka here?’ Saizvozvo vokupedzisira vachava vokutanga, uye vokutanga vokupedzisira.”—Mateu 20:8-16.

Pamwe vadzidzi havasi kunyatsonzwisisa zvataurwa naJesu paapedzisa mufananidzo wake. Vatungamiriri vechiJudha, avo vanozvitora ‘sevokutanga,’ vachava sei “vokupedzisira”? Uye vadzidzi vaJesu vachava sei “vokutanga”?

Vadzidzi vaJesu, avo vanoonekwa nevatungamiriri vechitendero ‘sevokupedzisira,’ vachava “vokutanga” kuwana mubhadharo wakazara. Pachafa Jesu, Jerusarema repasi pano richarambwa, Mwari obva asarudza rudzi rutsva, “Israeri waMwari.” (VaGaratiya 6:16; Mateu 23:38) Rudzi irworwo ndirwo rwairehwa naJohani Mubhabhatidzi paakataura nezvokubhabhatidzwa nomudzimu mutsvene. Vaya vanga vari “vokupedzisira” ndivo vachava vokutanga kubhabhatidzwa nomudzimu uye kuwana chikomborero chokuva zvapupu zvaJesu “kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.” (Mabasa 1:5, 8; Mateu 3:11) Pavanonzwisisa nezvekuchinja uku kunoshamisa kuri kutaurwa naJesu, vadzidzi vanogona kuona kuti vachatsamwirwa zvakadini nevatungamiriri vechitendero avo vachava “vokupedzisira.”