Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 99

Jesu Anoporesa Mapofu Uye Anobatsira Zakeyo

Jesu Anoporesa Mapofu Uye Anobatsira Zakeyo

MATEU 20:29-34 MAKO 10:46-52 RUKA 18:35–19:10

  • JESU ANOPORESA MAPOFU MUJERIKO

  • MUTERESI ANONZI ZAKEYO ANOTENDEUKA

Jesu nevaya vaari kufamba navo vanosvika muJeriko, zvichireva kuti vasarirwa nezuva rimwe chete kuti vasvike kuJerusarema. Jeriko rinogona kutorwa semaguta maviri, nokuti pane guta idzva rakavakwa nevaRoma uye kune rekare riri chinhambwe chemakiromita angasvika 1,6. Jesu paanenge ava kubuda mune rimwe remaguta aya pamwe chete nevanhu vaainavo achipinda mune rimwe racho, mapofu maviri ari kupemha anonzwa zhowezhowe riri kuitika. Mumwe wavo anonzi Bhatimeyo.

Pavanonzwa kuti Jesu ari kupfuura, Bhatimeyo nemumwe wake vanotanga kushevedzera vachiti: “Ishe, tinzwireiwo ngoni, Mwanakomana waDhavhidhi!” (Mateu 20:30) Vamwe vanoudza varume ava kuti vanyarare, asi vanotowedzera kushevedzera. Paanonzwa izvi, Jesu anomira. Anoudza vaari kufamba navo kuti vadane vanhu ivavo vari kushevedzera. Vanoenda kune vapemhi ava voudza mumwe wavo kuti: “Shinga, simuka, ari kukushevedza.” (Mako 10:49) Murume uya bofu anobvisa nguwo yake yekunze nomufaro oikanda kwakadaro uko, ndiye kwanyanu, obva ananga kuna Jesu.

Jesu anovabvunza kuti: “Munoda kuti ndikuitirei?” Varume vacho vanokumbira kuti: “Ishe, itai kuti maziso edu asvinure.” (Mateu 20:32, 33) Asiririswa, Jesu anobata maziso avo uye anoti kune mumwe wavo: “Enda, kutenda kwako kwakuporesa.” (Mako 10:52) Vapemhi vaviri vaiva mapofu vanotanga kuona, uye vanotanga kurumbidza Mwari. Pavanoona zvaitwa naJesu, vanhu vanotangawo kurumbidza Mwari. Varume vaya vaiva mapofu vanobva vatanga kutevera Jesu.

Jesu ari kuteverwa nevanhu vakawanda paari kupfuura nemuJeriko. Vanhu vose vari kuda kuona munhu aporesa mapofu aya. Vamwe vari kutadza kunyange kuona Jesu nemhaka yekuunganirwa kwaakaita. Mumwe waivava ndiZakeyo. Murume uyu ndiye mukuru wevateresi muJeriko nemunzvimbo dzakapoteredza. Haasi kukwanisa kuona zviri kuitika nokuti akapfupika. Saka anomhanya nechemberi onokwira mumuonde pedyo nepari kupfuura naJesu. Sezvo ava pakakwirira, anonyatsoona zvose zviri kuitika. Jesu paanosvika pedyo, oona Zakeyo ari mumuti anoti kwaari: “Zakeyo, kurumidza kuburuka, nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako.” (Ruka 19:5) Anobva akurumidza kuburuka omhanya kumba kwake kuti anogadzirira muenzi wake anoremekedzwa.

Vanhu pavanoona izvi, vanotanga kunyunyuta. Vanoona zvisingaiti kuti Jesu ave muenzi wemurume wavanoona semutadzi. Zakeyo akawana pfuma yake nekubiridzira vanhu paanenge achiteresa mitero.

Jesu paanopinda mumba maZakeyo, vanhu vanogunun’una vachiti sei ‘aenda kumba kwemutadzi.’ Asi Jesu anoona kuti Zakeyo anogona kupfidza. Uye ndizvo chaizvo zvinoitika. Zakeyo anosimuka omuudza kuti: “Tarirai! Ishe, hafu yezvinhu zvangu, ndichapa varombo, uye zvinhu zvose zvandakabiridzira munhu ndichimupomera zvenhema ndichazvidzorera zvava zvina.”—Ruka 19:7, 8.

Apa Zakeyo anyatsoratidza kupfidza zvechokwadi. Zakeyo anogona kuona mumabhuku ake kuti imarii yaakabiridzira vaJudha vakasiyana-siyana, uye anovimbisa kuti achadzorera mari iyoyo yakapetwa kana. Zvaari kuvimbisa zvinotopfuura zvinotaurwa nemutemo waMwari. (Eksodho 22:1; Revhitiko 6:2-5) Uyezve Zakeyo anovimbisa kuti achapa hafu yezvinhu zvaainazvo kuvarombo.

Jesu anofadzwa nezvaitwa naZakeyo kuratidza kuti apfidza uye anomuudza kuti: “Nhasi ruponeso rwauya mumba muno, nokuti naiyewo mwanakomana waAbrahamu. Nokuti Mwanakomana womunhu akauya kuzotsvaka nokuzoponesa zvakarasika.”—Ruka 19:9, 10.

Munguva pfupi ichangobva kupfuura, Jesu akataura ‘nezvevakarasika’ achishandisa mufananidzo wemwanakomana akarasika. (Ruka 15:11-24) Iye zvino azonyatsoshandisa muenzaniso wemunhu chaiye anga akaita seakarasika asi azowanikwa. Vatungamiriri vechitendero nevateveri vavo vangagunun’una havo nekushora Jesu nekuti ari kupa vanhu vakaita saZakeyo mukana, asi iye anoramba achitsvaga vanakomana vakarasika vaAbrahamu achivabatsira.