Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 100

Mufananidzo Wemamaina Gumi

Mufananidzo Wemamaina Gumi

RUKA 19:11-28

  • MUFANANIDZO WAJESU WEMAMAINA GUMI

Jesu achiri parwendo rwake rwokuenda kuJerusarema, asi anogona kunge achiri mumba maZakeyo. Vadzidzi vake vanofunga kuti ‘Umambo hwaMwari’ hwava pedyo kuti hutange kutonga, Jesu ari Mambo wacho. (Ruka 19:11) Havasi kunzwisisa nyaya iyi kungofanana nekutadza kwavari kuita kunzwisisa kuti Jesu anofanira kufa. Saka Jesu anotaura mufananidzo achida kuvabatsira kuona kuti Umambo hwacho huchiri kure.

Anoti: “Mumwe murume weimba huru akaenda kunyika iri kure kuti anowana simba roumambo ndokuzodzoka hake.” (Ruka 19:12) Rwendo rwakadaro runofanira kutora nguva. Zviri pachena kuti “murume weimba huru” uyu ndiJesu uyo anoenda “kunyika iri kure,” kureva kudenga, kwaachanopiwa simba rokutonga naBaba vake.

Asati aenda, “murume weimba huru” anodana varanda vake gumi, opa mumwe nemumwe maina resirivha ovaudza kuti: “Itai bhizimisi kusvikira ndadzoka.” (Ruka 19:13) Maina resirivha imari yakawanda. Maina rimwe chete rinotokwana kutambirisa munhu anenge ashanda mumunda kwemwedzi inopfuura mitatu.

Vadzidzi vanogona kuona kuti ndivo vari kufananidzwa nevaranda gumi mumufanidzo uyu nekuti Jesu akambovafananidza nevashandi vokukohwa. (Mateu 9:35-38) Jesu haana kuti vaifanira kuuya nezvirimwa chaizvo, asi kukohwa uku kuri pakuti vanofanira kutsvaka vadzidzi vachazowana nzvimbo muUmambo hwaMwari. Vadzidzi vaJesu vanoshandisa zvose zvavainazvo kuti vatsvake vanhu vachazogara nhaka Umambo ihwohwo.

Jesu anobudisa imwe pfungwa nemufananidzo wake. Anoti vagari vemunyika iyoyo vaivenga murume weimba huru uye “vakatuma boka revamiririri kuti rimutevere, kunoti, ‘Munhu uyu hatimudi kuti ave mambo wedu.’” (Ruka 19:14) Vadzidzi vanoziva kuti vaJudha havabvumi kuti Jesu ndiye Mesiya uye kuti vamwe vavo vanotoda kumuuraya. Pashure pekunge Jesu afa uye adzokera kudenga, vaJudha vachanyatsoratidza kuti vanomuvenga pavachatambudza vadzidzi vake. Vanhu ava vanoratidza pachena kuti havadi kuti Jesu ave mambo wavo.—Johani 19:15, 16; Mabasa 4:13-18; 5:40.

Ko varanda gumi vaya vanoshandisa sei mamaina avo pavanenge vakamirira kuti “murume weimba huru” awane “simba roumambo” uye kuti adzoke? Jesu anoti: “Pakupedzisira paakadzoka awana simba roumambo, akarayira kuti varanda vaya vaakanga apa mari yesirivha vashevedzwe, kuti aone kuti vakanga vawanei pakuita bhizimisi kwavo. Wokutanga akabva auya, akati, ‘Ishe, maina renyu rakawana mamwe mamaina gumi.’ Naizvozvo iye akati kwaari, ‘Waita zvakanaka, muranda akanaka! Nokuti wakava akatendeka pachinhu chidukuduku, iva nesimba pamusoro pemaguta gumi.’ Zvino wechipiri akauya, achiti, ‘Ishe, maina renyu, rakawana mamwe mamaina mashanu.’ Iye akati kuna iyeyuwo, ‘Newewo, tarisira maguta mashanu.’”—Ruka 19:15-19.

Kana vadzidzi vakanzwisisa kuti vakafanana nevaranda vakashandisa mamaina avo kuti abereke, ivowo vachashandisa pfuma yavo kuti vawane vamwe vadzidzi uye Jesu achafara nazvo. Vanogonawo kuva nechivimbo chekuti achavapa mubayiro wokushanda kwavo nesimba. Asi vadzidzi ava vane mamiriro ezvinhu nemikana zvakasiyana-siyana muupenyu uye zvavanogonawo zvakasiyana. Kunyange zvakadaro, kana Jesu ava ‘nesimba roumambo,’ achakomborera zvose zvavakaita pakutsvaka vadzidzi.—Mateu 28:19, 20.

Paanenge ava kupedzisa mufananidzo wake Jesu anotaura nezvemumwe muranda akaita zvakasiyana nezvakaitwa nevamwe. Anoti: “Asi mumwe [muranda] akauya, achiti, ‘Ishe, herino maina renyu, randakachengeta rakasungirwa mujira. Munoonaka, ndaikutyai, nokuti muri munhu ane hasha; munotora zvamusina kuchengetesa uye munokohwa zvamusina kudyara.’ Iye akati kwaari, ‘Ndinokutonga nezvinobva mumuromo mako, muranda akaipa. Handiti waiziva hako kuti ndiri munhu ane hasha, kuti ndinotora zvandisina kuchengetesa uye ndinokohwa zvandisina kudyara? Saka wakaregererei kuisa mari yangu yesirivha mubhengi? Zvino pandaizosvika ndingadai ndaitora yabereka.’ Naizvozvo akati kune vaya vakanga vamire pedyo, ‘Mutorerei maina racho muripe ane mamaina gumi.’”—Ruka 19:20-24.

Muranda uyu anorasikirwa nekuti akakundikana kuita kuti pfuma yeumambo hwatenzi wake iwande. Vaapostora vari kutarisira kuti Jesu achatonga muUmambo hwaMwari. Saka kubva pane zvaataura nezvemuranda wekupedzisira, vanogona kunzwisisa kuti kana vakaita zvounyope, vachakundikana kupinda muUmambo ihwohwo.

Mashoko aJesu anofanira kuita kuti vadzidzi vake vakavimbika vawedzere kushanda nesimba. Anopedzisa achiti: “Ndinoti kwamuri, Munhu wose anazvo, achawedzerwa zvimwe; asi asina achatorerwa kunyange zvaainazvo.” Anowedzera kuti vavengi vake avo vasingadi ‘kuti ave mambo wavo,’ vachaparadzwa. Jesu anobva asimudzira rwendo rwake rwokuJerusarema.—Ruka 19:26-28.