Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 101

Anodya Kumba kwaSimoni muBhetani

Anodya Kumba kwaSimoni muBhetani

MATEU 26:6-13 MAKO 14:3-9 JOHANI 11:55–12:11

  • JESU ANODZOKERA KUBHETANI, MUSHA URI PEDYO NEJERUSAREMA

  • MARIYA ANODIRA JESU MAFUTA ANONHUWIRIRA

Paanobuda muJeriko, Jesu anonanga kuBhetani. Rwendo rwacho mukwidza wemakiromita anenge 20, uye nzira yacho inonetsa kufamba. Razaro nehanzvadzi dzake mbiri vanogara mumusha uyu muduku, uyo uri chinhambwe chemakiromita matatu kubva kuJerusarema uye uri kumabvazuva kweGomo reMiorivhi.

VaJudha vakawanda vatova muJerusarema kuPaseka. Vakurumidza kuuya ‘kuti vazvichenese’ sezvinodiwa neMutemo, zvimwe nekuti vakabata chitunha kana kuti vakaita chimwe chinhu chinovasvibisa. (Johani 11:55; Numeri 9:6-10) Vamwe vavo vakaungana patemberi. Vari kungobvunzana-bvunzana nezvekuti Jesu achauya kumutambo here.—Johani 11:56.

Vanhu vari kutaura zvakasiyana-siyana nezvaJesu. Vamwe vatungamiriri vechitendero vari kuda kumubata kuti vamuuraye. Vakatoudza vanhu kuti kana pane anenge aziva kuna Jesu, anofanira kuvazivisa “kuti vamubate.” (Johani 11:57) Vatungamiriri vechitendero ava vakatomboedza kuuraya Jesu paakamutsa Razaro. (Johani 11:49-53) Ndokusaka vamwe vasina chokwadi chekuti angasvika pakawanda vanhu.

Jesu anosvika muBhetani musi weChishanu, “mazuva matanhatu paseka isati yasvika.” (Johani 12:1) Sabata raNisani 8 richatanga panonyura zuva. Saka Jesu asvika Sabata risati ratanga. Anga asingakwanisi kuzofamba kubva kuJeriko paSabata, kureva kubva musi weChishanu zuva rovira kusvika Mugovera zuva rovira, nekuti izvi hazvibvumirwe nemutemo wechiJudha. Jesu anoenda kumba kwaRazaro, sezvaakamboita.

Simoni, uyo anogarawo muBhetani, anokoka Jesu neshamwari dzake kusanganisira Razaro kuti vauye kuzodya kumba kwake nemusi weMugovera manheru. Simoni anonzi “wemaperembudzi,” zvimwe nekuti akamboaita akazoporeswa naJesu. Marita anotanga kumhanya mhanya achipa vaenzi zvokudya sezvaanowanzoita. Mariya akagara pana Jesu, asi rwendo runo ane chimwe chinhu chaanoita chisingafadze vamwe.

Mariya anovhura chinu kana kuti kadende kearabhasta ako kane “paundi yemafuta anonhuhwirira, nadhi chaiyo.” (Johani 12:3) Mafuta aya anodhura chaizvo zvokuti anototengwa nemadhinari 300, mari inotambiriswa munhu pagore. Mariya anodira mafuta acho mumusoro waJesu uye anoazora patsoka dzake obva adzipukuta nebvudzi rake. Kunhuwirira kwemafuta aya kunobva kwazadza imba yacho yose.

Vadzidzi vanotsamwa nazvo vobvunza kuti: “Nei mafuta aya anonhuhwirira apambadzwa?” (Mako 14:4) Judhasi Iskariyoti anoti: “Nei mafuta aya anonhuhwirira asina kutengeswa nemadhinari mazana matatu, akapiwa varombo?” (Johani 12:5) Hakusi kuti Judhasi ari kuda kubatsira varombo zvechokwadi. Ava nenguva achiba mubhokisi raanochengeta remari inoshandiswa nevadzidzi.

Jesu anotaura achitsigira Mariya achiti: “Nei muchiedza kunetsa mukadzi uyu? Nokuti andiitira basa rakanaka. Nokuti varombo munogara muinavo, asi hamusi kuzogara muineni. Nokuti mukadzi uyu paaisa mafuta aya anonhuhwirira pamuviri wangu, azviita achigadzirira ini nokuda kwokuvigwa. Chokwadi ndinoti kwamuri, Kwose kuchaparidzwa mashoko aya akanaka munyika yose, zvaitwa nomukadzi uyu zvichataurwawo achiyeukwa.”—Mateu 26:10-13.

Jesu ava nemazuva anenge maviri kubva paakasvika muBhetani, uye vanhu vakawanda vanzwa kuti ari munharaunda iyi. VaJudha vakawanda vanouya kumba kwaSimoni kuzoona Jesu uye Razaro, “waakamutsa kubva kuvakafa.” (Johani 12:9) Vapristi vakuru vanobva varangana kuuraya Jesu naRazaro. Vanoona sekuti vanhu vari kutenda muna Jesu nokuona Razaro waakamutsa. Varume ava vane mwoyo wakashata zvechokwadi!