Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 102

Mambo Anopinda muJerusarema Akatasva Mwana Wembongoro

Mambo Anopinda muJerusarema Akatasva Mwana Wembongoro

MATEU 21:1-11, 14-17 MAKO 11:1-11 RUKA 19:29-44 JOHANI 12:12-19

  • JESU ANOPINDA MUJERUSAREMA SAMAMBO ANOKUNDA

  • ANOZIVISA KUTI JERUSAREMA RICHAPARADZWA

Mangwana acho, musi weSvondo, Nisani 9, Jesu anobva muBhetani nevadzidzi vake akananga kuJerusarema. Pavanosvika pedyo neBhetifage, muGomo reMiorivhi, Jesu anoudza vadzidzi vake vaviri kuti:

“Pindai mumusha wamuri kuona, uye muchabva mawana mbongoro yakasungirirwa, iine mwana wayo; dzisunungurei muuye nadzo kwandiri. Zvino kana mumwe munhu akataura chimwe chinhu kwamuri, imi muti, ‘Ishe anodzida.’ Iye achabva angodzitumira.”​—Mateu 21:2, 3.

Vadzidzi havana kuziva kuti zviri kutaurwa naJesu zvinoenderana neuprofita hweBhaibheri. Asi vanozonzwisisa kuti izvi zvinozadzisa uprofita hwaZekariya. Akaprofita kuti Mambo akavimbiswa naMwari aizouya muJerusarema achizvininipisa “akatasva mbongoro . . . yakaberekwa nembongoro hadzi.”​—Zekariya 9:9.

Vadzidzi pavanosvika muBhetifage votora mbongoro hono naamai vayo, vanhu vakamira pedyo vanotanga kubvunza kuti: “Muri kusunungurirei mwana wembongoro?” (Mako 11:5) Asi pavanonzwa kuti Ishe ndiye ari kudzida, vanobva varega vadzidzi vachienda nadzo kuna Jesu. Vadzidzi vanoisa nguo dzavo dzekunze padhongi racho nemwana waro, asi Jesu anotasva mwana wacho.

Vanhu vari kumutevera vanoita vachiwanda paari munzira achienda kuJerusarema. Vakawanda vanowaridza nguo dzavo mumugwagwa. Vamwe vanotyora mapazi emiti kana kuti ‘mashizha emusango’ voaisa munzira yaari kufamba nayo. Vanoshevedzera vachiti: “Tapota, ponesai! Akakomborerwa iye anouya muzita raJehovha! Hwakakomborerwa umambo hunouya hwababa vedu Dhavhidhi!” (Mako 11:8-10) VaFarisi vari mumhomho iyi vanoshatirwa nemashoko aya ari kudanidzirwa nevanhu. Vanoudza Jesu kuti: “Mudzidzisi, tsiurai vadzidzi venyu.” Jesu anopindura achiti: “Ndinokuudzai kuti, Kudai ava vaizoramba vakanyarara, matombo aizoshevedzera.”​—Ruka 19:39, 40.

Jesu paanoona Jerusarema anotanga kuchema achiti: “Kudai iwe, iwewe, wanga wanzwisisa nhasi zvinhu zvine chokuita norugare​—asi zvino zvakavanzirwa maziso ako.” Kusateerera kweJerusarema kuchaita kuti risangane nazvo. Jesu anotaura kuti: “Vavengi vako vachakupoteredza norusvingo rwakavakwa nemapango akapinza uye vachakukomberedza nokukutambudza kumativi ose, uye vachakurovera pasi iwe nevana vako vari mukati mako, uye havazosiyi dombo riri pamusoro perimwe dombo mauri.” (Ruka 19:42-44) Mashoko aJesu anotozoitika Jerusarema parinoparadzwa muna 70 C.E.

Jesu paanopinda muJerusarema guta rose rinongova nyonga nyonga, vanhu vachiti: “Uyu ndiani?” Uye ruzhinji rwuri kungoti: “Uyu ndiye muprofita Jesu, wokuNazareta reGarireya!” (Mateu 21:10, 11) Vamwe vakaona Jesu achimutsa Razaro vanoudza vanhu nezvechishamiso ichocho. VaFarisi vanochema-chema vachiona kuti hapana kwavari kumbosvika. Vanotaurirana vachiti: “Nyika [yose] yamutevera.”​—Johani 12:18, 19.

Sezvaanowanzoita pese paanoshanyira Jerusarema, Jesu anoenda kutemberi kunodzidzisa. Ari ikoko anoporesa mapofu nezvirema. Vapristi vakuru nevanyori vanotsamwa pavanoona zvaari kuita uye pavanonzwa tukomana turi mutemberi twuchidanidzira kuti, “Tapota, ponesai, Mwanakomana waDhavhidhi!” Vatungamiriri vechitendero vanobvunza Jesu kuti: “Unonzwa here zviri kutaura ava?” Anovapindura kuti: “Hamuna kumboverenga here izvi, zvokuti, ‘Makaita kuti mumuromo mevacheche nevanoyamwa mubude kurumbidza’?”​—Mateu 21:15, 16.

Jesu anoongorora zvinhu zviri kuitika mutemberi. Anoona kuti nguva dzaenda saka anobuda nevaapostora vake. Nisani 10 asati atanga, anodzokera kuBhetani, kwaanozonorara ava musi uyu weSvondo.