Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 103

Temberi Inocheneswa Zvekare

Temberi Inocheneswa Zvekare

MATEU 21:12, 13, 18, 19 MAKO 11:12-18 RUKA 19:45-48 JOHANI 12:20-27

  • JESU ANOTUKA MUONDE UYE ANOCHENESA TEMBERI

  • JESU ANOFANIRA KUFA KUTI APE VAKAWANDA UPENYU

Jesu nevadzidzi vake vava nemazuva matatu vachirara muBhetani kubva pavakabva kuJeriko. Mangwanani ano, musi weMuvhuro, Nisani 10, vanopinda munzira vakananga kuJerusarema. Jesu ane nzara. Saka paanoona muonde, anotsaukira pauri. Une maonde here?

Iye zvino mwedzi waMarch wava kunopera, uye maonde achatozotanga kuita muna June. Kunyange zvakadaro, muti uyu watova nemashizha. Izvi zvinoita kuti Jesu afunge kuti angangowana maonde ekutanga pamuti uyu. Asi paanosvika, hapana chaanowana. Kunyange zvazvo uine mashizha, muti uyu hauna michero. Jesu anobva ati: “Ngaparege kuva nomunhu anodya zvibereko zvinobva kwauri nokusingaperi.” (Mako 11:14) Paanongodaro, muti wacho unobva watanga kuoma. Vadzidzi vachazonyatsonzwisisa zvaari kureva mangwana mangwanani.

Pasina nguva, Jesu nevadzidzi vake vanosvika kuJerusarema. Anoenda kutemberi iyo yaakaongorora nezuro masikati. Nhasi haangoiongorori chete, asi anoita zvaakamboita makore matatu akapfuura paPaseka ya30 C.E. (Johani 2:14-16) Rwendo runo, Jesu anodzinga ‘vaya vari kutengesa nokutenga mutemberi.’ Anopidigurawo ‘matafura evari kuchinja mari nemabhenji evari kutengesa njiva.’ (Mako 11:15) Haatombobvumiri kana ani zvake ari kuenda kune imwe nzvimbo muguta akatakura zvinhu kuti adimbudzire nemuchivanze chetemberi.

Nei Jesu asiri kuita zvekutamba nevaya vari kuchinja mari nekutengesa mhuka mutemberi? Anoti: “Hazvina here kunyorwa kuti: Imba yangu ichanzi imba yokunyengeterera yemarudzi ose’? Asi imi maiita bako remakororo.” (Mako 11:17) Ari kuti varume ava makororo nekuti vanodhurisira vanhu vanenge vachida kutenga mhuka dzekupa sezvibayiro kuna Jehovha. Jesu anoona zvavari kuita sekuba chaiko.

Vapristi, vanyori, nevanhu vakakurumbira vanonzwa zvaitwa naJesu, uye vanotangazve kutsvaka nzira dzekuti vamuuraye. Asi hazvisi nyore kwavari. Vari kushaya kuti vachamuuraya sei nekuti vanhu vakawanda vari kumuunganira vachida kunzwa zvaari kutaura.

Havasi vaJudha bedzi vauya kuPaseka, asi kunyange vanhu vemamwe marudzi vakatendeukira kuchitendero chechiJudha, vauyawo. Pakati pavo pane vaGiriki vauya kuzonamata pamutambo uyu. Vanoenda kuna Firipi, zvichida nekuti zita rake nderechiGiriki, vokumbira kuona Jesu. Firipi anogona kunge asina chokwadi kuti zvinoita here, saka anobvunzawo Andreya. Vaviri ava vanosvitsa nyaya yacho kuna Jesu, uyo anofanira kunge achiri mutemberi.

Jesu anoziva kuti asarirwa nemazuva mashoma kuti afe, saka haisi nguva yekuda kufadza vanhu vari kuda kuziva nezvake kana yekutsvaka kuzivikanwa nevanhu vakawanda. Anopindura vaapostora vacho vaviri nemashoko okuti: “Awa yasvika yokuti Mwanakomana womunhu akudzwe. Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, Kana tsanga yegorosi ikasawira muvhu, ikafa, inoramba ichingova tsanga imwe chete; asi kana ikafa, inobva yabereka zvibereko zvizhinji.”—Johani 12:23, 24.

Tsanga imwe chete yegorosi inogona kuoneka sechinhu chisina basa. Asi kana ikadyarwa, ‘inofa,’ yomera, uye nekufamba kwenguva inokura yobereka zvibereko. Saizvozvowo, Jesu munhu mumwe chete akakwana, asi kana akaramba akatendeka kuna Mwari kusvika parufu, achakwanisa kupa upenyu husingaperi kune vakawanda vanozvipira sezvaanoita. Saka Jesu anoti: “Anoda mweya wake anouparadza, asi anovenga mweya wake munyika ino achauchengetedza nokuda kwoupenyu husingaperi.”—Johani 12:25.

Jesu haasi kungofunga nezvake chete, nokuti anoti: “Kana munhu achizondishumira, ngaanditevere, uye pandinenge ndiri ndipo pachavawo nomushumiri wangu. Kana munhu achizondishumira, Baba vachamukudza.” (Johani 12:26) Uyu mubayiro wakakura chaizvo! Vaya vanokudzwa naBaba vachatonga pamwe chete naKristu muUmambo.

Achifunga nezvekutambura kukuru kwaachaita uye nezverufu runorwadza rwaachasangana narwo, Jesu anoti: “Zvino mweya wangu unonetseka, ndichatii? Baba, ndiponesei muawa ino.” Asi Jesu haasi kukumbira kuti asaita kuda kwaMwari. Anowedzera kuti: “Kunyange zvakadaro, ndokusaka ndasvika paawa ino.” (Johani 12:27) Jesu anobvumirana nezvose zviri muchinangwa chaMwari, kusanganisira rufu rwake.