Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 104

VaJudha Vanonzwa Inzwi raMwari

VaJudha Vanonzwa Inzwi raMwari

JOHANI 12:28-50

  • VAKAWANDA VANONZWA INZWI RAMWARI

  • CHICHASHANDISWA PAKUTONGA VANHU

Musi weMuvhuro, Nisani 10, uye Jesu ari mutemberi achitaura nezverufu rwake rwava pedyo. Achifunga nezvekuti zita raMwari richaonekwa sei, Jesu anoti: “Baba, kudzai zita renyu.” Inzwi rine simba rinonzwika richibva kudenga richiti: “Ndakarikudza uye ndicharikudzazve.”—Johani 12:27, 28.

Vanhu varipo vanotadza kuziva kuti chii chiri kuitika. Vamwe vanofunga kuti vanzwa mabhanan’ana. Vamwe vanoti: “Ngirozi yataura naye.” (Johani 12:29) Asi ndiJehovha wavanzwa achitaura! Uye aka hakasi kekutanga kuti vanhu vanzwe inzwi raMwari richitaura naJesu kana kuti richitaura nezvake.

Makore matatu nehafu apfuura, pakabhabhatidzwa Jesu, Johani Mubhabhatidzi akanzwa inzwi raMwari richitaura nezvaJesu kuti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandafarira.” Pava paya, pashure pePaseka ya32 C.E., chiso chaJesu nenguo zvakashanduka, Jakobho, Johani, naPetro vachiona. Varume vatatu ivavo vakanzwa Mwari achiti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandafarira; muteererei.” (Mateu 3:17; 17:5) Asi iye zvino, paanotaura kechitatu, Jehovha anotaura zvichinzwika nevakawanda!

Jesu anoti: “Iri inzwi harina kunzwika nokuda kwangu, asi nokuda kwenyu.” (Johani 12:30) Inzwi iri riri kupa uchapupu hwokuti Jesu Mwanakomana waMwari, Mesiya akagara ataurwa kuti achauya.

Jesu anowedzera kuti: “Zvino pane kutongwa kwenyika ino; zvino mutongi wenyika ino achadzingwa.” Kuramba kwaita Jesu akatendeka kunoratidza kuti Satani Dhiyabhorosi, mutongi wenyika ino, anofanira kuparadzwa uye kunopa vanhu vose muenzaniso wekutevedzera pakurarama. Kufa kuchaita Jesu hakurevi kuti anenge akundwa, asi anenge atokunda. Sei tichidaro? Anotsanangura kuti: “Asi ini, kana ndasimudzwa kubva panyika, ndichaita kuti vanhu vose vauye kwandiri.” (Johani 12:31, 32) Rufu rwaJesu padanda ruchaunza vamwe vanhu kwaari, rwoita kuti vawane upenyu husingaperi.

Vachipindura zvataurwa naJesu panyaya ‘yekusimudzwa,’ vanhu varipo vanoti: “Takanzwa muMutemo kuti Kristu anoramba aripo nokusingaperi; zvino sei muchiti Mwanakomana womunhu anofanira kusimudzwa? Ndiani uyu Mwanakomana womunhu?” (Johani 12:34) Pasinei neuchapupu hwose uhwu, kusanganisira inzwi raMwari pachake, vakawanda havabvumi kuti zvechokwadi Jesu ndiye Mwanakomana womunhu, Mesiya wavakavimbiswa kuti achauya.

Jesu anozvifananidza ‘nechiedza’ sezvaakamboita. (Johani 8:12; 9:5) “Chiedza chichava pakati penyu kwenguva duku,” anodaro Jesu. Anobva akurudzira vanhu varipo kuti: “Fambai muchiine chiedza, kuti rima rirege kukukundai . . . Pamunenge muchine chiedza, ivai nokutenda muchiedza, kuti muve vanakomana vechiedza.” (Johani 12:35, 36) Jesu anobvapo onovanda, nekuti Nisani 10 hausiriwo musi waanofanira kufa. Achatozofanira “kusimudzwa” kana kuti kurovererwa padanda musi wePaseka, Nisani 14.—VaGaratiya 3:13.

Kana tikatarisa zvanga zvichiitika muushumiri hwaJesu, tinoona kuti kusatenda maari kwanga kuchiitwa nevaJudha kwanga kuri kutozadzisa uprofita. Isaya akagara ataura kuti maziso evanhu aizopofumadzwa uye kuti mwoyo yavo yaizova yakaoma zvokuti vaisazotendeuka kuti vaporeswe. (Isaya 6:10; Johani 12:40) Vakawanda vevaJudha ava vanoramba uchapupu hwokuti Jesu ndiye Muponesi wavakavimbiswa kuti aizouya, nzira inoenda kuupenyu.

Nikodhimo, Josefa wokuArimatiya, nevamwe vatongi ‘vanotenda’ muna Jesu. Asi vacharatidza pachena kutenda kwavo here kana kuti vacharega, vachitya kudzingwa musinagogi kana kuti ‘vachida kukudzwa nevanhu’?—Johani 12:42, 43.

Jesu anotsanangura kuti kuva nekutenda maari kunosanganisirei paanoti: “Anotenda mandiri haatendi mandiri chete, asi muna iyewo akandituma; uye anondiona anoonawo iye akandituma.” Chokwadi chakaudzwa Jesu naMwari kuti adzidzise uye chaari kuparidza, chinokosha zvokuti anoti: “Asinganditeereri uye asingagamuchiri mashoko angu ane anomutonga. Shoko randakataura ndiro richamutonga pazuva rokupedzisira.”—Johani 12:44, 45, 48.

Jesu anopedzisa achiti: “Handina kutaura zvangu pachangu, asi ivo Baba vakandituma vakandipa murayiro pamusoro pezvandichazivisa nezvandichataura. Uyewo, ndinoziva kuti murayiro wavo unoreva upenyu husingaperi.” (Johani 12:49, 50) Jesu anoziva kuti hapana nguva yakareba asati adurura ropa rake sechibayiro chichabatsira vanhu vane kutenda maari.—VaRoma 5:8, 9.