Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 105

Muonde Unoshandiswa Pakudzidzisa Nezvekutenda

Muonde Unoshandiswa Pakudzidzisa Nezvekutenda

MATEU 21:19-27 MAKO 11:19-33 RUKA 20:1-8

  • JESU ANOSHANDISA MUONDE WAAKAOMESA KUPA CHIDZIDZO CHEKUVA NEKUTENDA

  • VATUNGAMIRIRI VECHIJUDHA VANOTI JESU HAANA MVUMO YEZVAARI KUITA

Musi weMuvhuro masikati Jesu anobva muJerusarema achidzokera kuBhetani. Pamwe acharara kumba kweshamwari dzake Razaro, Mariya, naMarita.

Nhasi, musi waNisani 11, Jesu nevadzidzi vake vafumira kupinda munzira kudzokera kuJerusarema. Aka ndiko kachava kekupedzisira kuti Jesu atsike patemberi. Iri ndirowo zuva rake rekupedzisira kuita ushumiri asati achengeta Paseka nekutanga Chirangaridzo cherufu rwake, ozotongwa ourayiwa.

Vachibva kuBhetani vachifamba nemuGomo reMiorivhi vakananga kuJerusarema, Petro anoona muti wakatukwa naJesu nezuro mangwanani. Anodanidzira kuti: “Rabhi, onai! muonde wamakatuka waoma.”—Mako 11:21.

Asi sei Jesu aita kuti muti uyu uome? Mhinduro yacho iri mumashoko aanotaura okuti: “Chokwadi ndinoti kwamuri, Kana muine kutenda uye muine chokwadi nazvo, hamuzongoiti zvandaita kumuonde, asiwo kana mukati kugomo iri, ‘Simuka uwire mugungwa,’ zvichaitika. Zvinhu zvose zvamunokumbira mumunyengetero, muine kutenda, muchazvigamuchira.” (Mateu 21:21, 22) Apa adzokorora mashoko aakambotaura nezvekuti munhu ane kutenda anogona kubvisa gomo pane imwe nzvimbo achiriendesa pane imwe.—Mateu 17:20.

Saka kuomesa kwaita Jesu muti uyu, kunopa chidzidzo nezvekukosha kwekutenda muna Mwari. Anoti: “Zvinhu zvose zvamunonyengeterera nezvamunokumbira ivai nokutenda kwokuti matozvigamuchira, uye muchava nazvo.” (Mako 11:24) Ichi chidzidzo chinokosha zvikuru kuvateveri vose vaJesu. Asi chinonyanya kukosha kuvaapostora tichifunga nezvemiedzo yavava pedyo kutarisana nayo. Kuoma kwemuonde uyu kunopawo chimwe chidzidzo panyaya yekutenda.

Kufanana nemuonde uyu, uyo unooneka seune zvibereko iwo usina, rudzi rwevaIsraeri runonyengera. Vanhu ava vari musungano naMwari uye vanooneka sekuti vanotevedzera Mutemo. Zvisinei, rudzi rwacho rwose zvarwo rwaratidza kuti haruna kutenda uye haruna zvibereko zvakanaka. Vari kutoramba Mwanakomana waMwari pachake! Saka paaomesa muonde, Jesu aratidza zvichaitika kurudzi urwu rusingabereki zvibereko uye rusina kutenda.

Pasina nguva, Jesu nevadzidzi vake vanopinda muJerusarema. Sezvaanogara achiita, Jesu anoenda kutemberi otanga kudzidzisa. Zvimwe vapristi vakuru nevamwe vakuru vakuru vachiri kufunga nezvezvaakaita vanhu vaichinja mari nezuro, saka vanomuendera voti: “Unoita zvinhu izvi nesimba ripi? kana kuti ndiani akakupa simba iri kuti uite zvinhu izvi?”—Mako 11:28.

Jesu anovapindura achiti: “Ndichakubvunzai mubvunzo mumwe chete. Ndipindurei, uye iniwo ndichakuudzai kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi. Rubhabhatidzo rwaiitwa naJohani rwakabva kudenga here kana kuti kuvanhu? Ndipindurei.” Nyaya yavatanga yavapindukira! Vapristi nevakuru vakuru vanotanga kutaurirana kuti vomupindura sei vachiti: “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga,’ achati, ‘Saka nei musina kumutenda?’ Asi tingatsunga here kuti, ‘Rwakabva kuvanhu’?” Vari kutaura vachidai nekuti vari kutya vanhu varipo nokuti vose vanoti “Johani aiva muprofita zvechokwadi.”—Mako 11:29-32.

Vanhu vari kupikisana naJesu vanoshaya kuti vomupindura sei. Saka vanoti: “Hatizivi.” Jesu anobva avati: “Neniwo handikuudzii kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi.”—Mako 11:33.