Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 106

Mifananidzo Miviri Yeminda Yemizambiringa

Mifananidzo Miviri Yeminda Yemizambiringa

MATEU 21:28-46 MAKO 12:1-12 RUKA 20:9-19

  • MUFANANIDZO WEVANAKOMANA VAVIRI

  • MUFANANIDZO WEVARIMI VEMUNDA WEMIZAMBIRINGA

Jesu achangobva kufumura vapristi vakuru nevamwe vakuru vakuru vamuvinga patemberi vachida kuziva kuti anoita mabasa ake nesimba raani. Mhinduro yaavapa yavasiya vasina remuromo. Anobva ataura mufananidzo unonyatsobudisa pachena zvavari chaizvo.

Jesu anorondedzera kuti: “Mumwe murume akanga aine vana vaviri. Achienda kune wokutanga, akati, ‘Mwana, enda ushande mumunda wemizambiringa nhasi.’ Achipindura, uyu akati, ‘Ndichadaro, baba,’ asi haana kuenda. Achisvika kune wechipiri, akataura zvakafanana. Achipindura, uyu akati, ‘Handizoendi.’ Pashure paizvozvo akazvidemba, akaenda. Ndoupi wevaviri ava akaita zvaidiwa nababa vake?” (Mateu 21:28-31) Mhinduro yacho iri pachena. Mwanakomana akambotanga aramba ndokuzoita basa racho ndiye akaita kuda kwababa vake.

Saka Jesu anobva audza vanhu vari kumupikisa kuti: “Chokwadi ndinoti kwamuri vateresi nemahure vari kukutangirai kupinda muumambo hwaMwari.” Pakutanga, vateresi nepfambi vaisada kushumira Mwari. Zvisinei, vakazopfidza vakatanga kumushumira sezvakaita mwana uya akambotanga aramba. Asi vatungamiriri vechitendero vakafanana nemwana uya akati achaenda, ndokuzorega, pakuti vanozviti vanoshumira Mwari asi ivo vachikundikana kuzviita. Jesu anoti: “Johani [Mubhabhatidzi] akauya kwamuri achiratidza nzira yokururama, asi hamuna kumutenda. Zvisinei, vateresi nemahure vakamutenda, uye imi, kunyange makaona izvi, hamuna kuzozvidemba kuti mumutende.”—Mateu 21:31, 32.

Jesu anotaurazve mumwe mufananidzo. Iye zvino anoratidza kuti kutadza kwevatungamiriri vechitendero hakusi chete pakuti havana hanya nokushumira Mwari. Vanotova vanhu vakaipa. Jesu anorondedzera kuti: “Mumwe murume akadyara munda wemizambiringa, akaukomberedza noruzhowa, akachera chisviniro chewaini, akavaka shongwe, akauronzesa varimi, akaenda kunze kwenyika. Zvino mumwaka wakakodzera akatuma muranda kuvarimi vacho, kuti awane zvimwe zvibereko zvomunda wacho wemizambiringa kuvarimi. Asi vakamutora, vakamurova, vakamuendesa asina chinhu. Akatumazve mumwe muranda kwavari; uye iyeye vakamurova mumusoro, vakamuzvidza. Zvino akatuma mumwe, uye iyeye vakamuuraya; uye akatuma vamwe vazhinji, ivo vakarova vamwe vacho uye vakauraya vamwe vacho.”—Mako 12:1-5.

Vaya vari kuteerera Jesu vachanzwisisa here mufananidzo uyu? Vanogona kuyeuka mashoko aIsaya aakataura achishora vaJudha okuti: “Imba yaIsraeri ndiwo munda wemizambiringa waJehovha wemauto, uye varume vaJudha ndiyo miti yaaida. Akaramba achitarisira kururamisira, asi kwaiva nokuputswa kwomutemo.” (Isaya 5:7) Iyi ndiyo pfungwa iri mumufananidzo waJesu. Muridzi wemunda ndiJehovha, uye munda wacho wakakomberedzwa uri kumiririra rudzi rwevaIsraeri, urwo rwunochengetedzwa neMutemo waMwari. Jehovha akatuma vaprofita kuti vadzidzise uye vabatsire vanhu vake kuti vave nezvibereko zvakanaka.

Zvisinei, “varimi” havana kubata zvakanaka ‘varanda’ vakatumwa kwavari uye vakauraya vamwe vacho. Jesu anotsanangura kuti: “[Muridzi wemunda] akanga achine mumwe, mwanakomana anodiwa. Akamutuma pakupedzisira kwavari, achiti, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’ Asi varimi ivavo vakataurirana vachiti, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka. Uyai, ngatimuurayei, uye nhaka ichava yedu.’ Naizvozvo vakamutora, vakamuuraya.”—Mako 12:6-8.

Jesu anobva abvunza kuti: “Muridzi womunda wemizambiringa achaitei?” (Mako 12:9) Vatungamiriri vechitendero vanomupindura kuti: “Nokuti ivo vakaipa, iye achaunza kuparadzwa kwakaipa pavari uye acharonzesa munda wacho wemizambiringa kune vamwe varimi, vachamupa zvibereko pazvinenge zvaibva.”—Mateu 21:41.

Havana kutomboziva kuti nemashoko avo vari kutozvipa mutongo, nokuti ivowo vamwe ‘vevarimi’ vari ‘mumunda wemizambiringa’ waJehovha, munda wacho uchireva rudzi rwevaIsraeri. Zvibereko zvinotarisirwa naJehovha kuvarimi ava zvinosanganisira kutenda muMwanakomana wake, Mesiya. Jesu anobva anyatsovatarisa kumeso oti: “Hamuna kumboverenga here rugwaro urwu runoti, ‘Dombo rakarambwa nevavaki, ndiro razova dombo guru repakona. Iri rakabva kuna Jehovha, uye rinoshamisa mumaziso edu’?” (Mako 12:10, 11) Jesu anobva anyatsobudisa pachena zvaari kureva paanoti: “Ndokusaka ndichiti kwamuri, Muchatorerwa umambo hwaMwari hwopiwa rudzi runobereka zvibereko zvahwo.”—Mateu 21:43.

Vanyori nevapristi vakuru vanoona kuti Jesu ataura “mufananidzo uyu achifunga nezvavo.” (Ruka 20:19) Shungu dzavo dzekuda kuuraya “mugari wenhaka” uyu dzinobva dzatowedzera. Asi vanotya vanhu, avo vanoona Jesu semuprofita, saka havabve vaedza kumuuraya pakare ipapo.