Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 107

Mambo Anodana Vanhu Vaakakoka Kumabiko Emuchato

Mambo Anodana Vanhu Vaakakoka Kumabiko Emuchato

MATEU 22:1-14

  • MUFANANIDZO WEMABIKO EMUCHATO

Ushumiri hwake hwava kupera kudai, Jesu anoenderera mberi nekufumura vanyori nevapristi vakuru achishandisa mifananidzo. Ndokusaka vari kuda kumuuraya. (Ruka 20:19) Asi Jesu haasati apedza navo. Anotaura mumwezve mufananidzo:

“Umambo hwokumatenga hwakafanana nomumwe murume, mambo, akaitira mwanakomana wake mutambo womuchato. Akatuma varanda vake kunoshevedza vakakokwa kumutambo womuchato, asi vakanga vasingadi kuuya.” (Mateu 22:2, 3) Jesu anotanga mufananidzo wake nekutaura ‘nezveUmambo hwekumatenga.’ Saka hapana mubvunzo kuti “mambo” wacho ndiJehovha Mwari. Ko mwanakomana wamambo uye vanhu vakakokwa kumutambo womuchato ndivanaani? Zviri pachenawo kuti mwanakomana wamambo ari kumiririra Mwanakomana waJehovha, uyo ari kutaura mufananidzo uyu, uye kuti vakakokwa ndevaya vachange vaine Mwanakomana uyu muUmambo hwekumatenga.

Ndivanaani vakatanga kukokwa? Vanofanira kuva vaJudha sezvo vari ivo vanga vachiparidzirwa naJesu nevaapostora vake nezveUmambo. (Mateu 10:6, 7; 15:24) Rudzi urwu rwakapinda musungano yeMutemo muna 1513 B.C.E., izvo zvakaita kuti vave vokutanga kuwana mukana wekuva “umambo hwevapristi.” (Eksodho 19:5-8) Asi ndiriini pavakazodanwa “kumutambo womuchato”? Zviri pachena kuti izvi zvakaitika muna 29 C.E., pakatanga Jesu kuparidza nezveUmambo hwekumatenga.

VaIsraeri vakawanda vakaita sei pavakakokwa? Sezvataurwa naJesu, ‘vakaramba kuuya.’ Vakawanda vevatungamiriri vechitendero nevamwe vanhu vakaramba kubvuma kuti ndiye Mesiya uye kuti ndiye Mambo akasarudzwa naMwari.

Asi Jesu anoratidza kuti vaJudha vakanga vachiine mumwe mukana paanoti: “[Mambo] akatumazve vamwe varanda, achiti, ‘Udzai vakakokwa kuti: “Tarirai! Ndagadzirira zvokudya zvangu zvemasikati, nzombe dzangu nemhuka dzakakodzwa zvaurayiwa, uye zvinhu zvose zvagadzirwa. Uyai kumutambo womuchato.”’ Asi ivo vasina hanya nazvo vakaenda, mumwe kumunda wake, mumwe kubasa rake rokutengesa; asi vamwe vose, vachibata varanda vake, vakavaitira zvakaipa vakavauraya.” (Mateu 22:4-6) Izvi zvinoenderana nezvichazoitika pachatanga ungano yechiKristu. Panguva iyoyo, vaJudha vachange vachiine mukana wekupinda muUmambo, asi vakawanda vavo vacharamba kukokwa, vachitoitira ‘varanda vamambo’ zvinhu zvakaipa.—Mabasa 4:13-18; 7:54, 58.

Saka Mambo aizoitei nerudzi irworwu? Jesu anorondedzera kuti: “Mambo akashatirwa, akatuma mauto ake, akaparadza mhondi idzodzo, akapisa guta radzo.” (Mateu 22:7) Izvi ndizvo zvakazoitika kuvaJudha muna 70 C.E. pakaparadzwa ‘guta ravo’ reJerusarema.

Kuramba kwavo kukokwa kunoreva kuti hapana vamwe vachakokwa here? Varipo, sezvinozorondedzerwa naJesu mumufananidzo wake. Anoenderera mberi achiti: “[Mambo] akabva ati kuvaranda vake, ‘Chokwadi mutambo womuchato wagadzirwa, asi vakakokwa vakanga vasina kukodzera. Naizvozvo endai kumigwagwa inobuda muguta, uye kokerai vanhu vose vamunowana kumutambo womuchato.’ Naizvozvo varanda ivavo vakabuda vakaenda kumigwagwa, vakaunganidza vose vavakawana, vose vakaipa nevakanaka; uye imba yemitambo yemichato yakazadzwa nevakanga vakatsenhama patafura.”—Mateu 22:8-10.

Nekufamba kwenguva izvi ndizvo zvichaitikawo, muapostora Petro paachabatsira vasiri vaJudha uye vaya vasina kutendeukira kuchiJudha kuti vave vaKristu vechokwadi. Muna 36 C.E., mukuru weuto revaRoma anonzi Koneriyasi nemhuri yake vachagamuchira mudzimu waMwari, vobva vawana mukana wekupinda muUmambo hwekumatenga hwakataurwa naJesu.—Mabasa 10:1, 34-48.

Jesu anoratidza kuti havasi vose vachauya kumabiko aya vachagamuchirwa ‘namambo.’ Anoti: “Mambo paakapinda kuti aongorore vaeni akaona mumwe munhu imomo akanga asina kupfeka nguo yomuchato. Naizvozvo akati kwaari, ‘Shamwari, wapinda sei muno usina kupfeka nguo yomuchato?’ Iye akashaya chokutaura. Mambo akabva ati kuvashandi vake, ‘Musungei maoko nemakumbo mumukande murima riri kunze. Ikoko ndiko kwaachasvimha misodzi ari nokugeda-geda mazino ake.’ “Nokuti kune vazhinji vanokokwa, asi vanosarudzwa vashomanana.”—Mateu 22:11-14.

Vatungamiriri vechitendero vari kuteerera Jesu vangasanyatsonzwisisa zvese zvaari kutaura. Kunyange zvakadaro, vanosvotwa zvekuti vanobva vatowedzera kuda kuuraya munhu uyu ari kuvanyadzisa zvakadai.